RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 April pp. 5-7
  • Shandisa Mari Yako Nokuchenjera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Mari Yako Nokuchenjera
  • Mukai!—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
  • Mari
    Mukai!—2014
  • Kushandisa Mari Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 April pp. 5-7

Shandisa Mari Yako Nokuchenjera

MASHOKO anowanzotaurwa okuti, “Mari ndiyo mudzi wezvakaipa zvose” anowanzonzi anobva muBhaibheri. Asi, zvinonyatsotaurwa neBhaibheri ndezvokuti: “Zvinhu zvizhinji zvakaipa zvinobva pakuda mari zvikuru.” (1 Timoti 6:10, Bhaibheri Rinoera) Vamwe vanhu vanonyatsoda mari uye vakazvipira kuunganidza upfumi. Vamwe vakava varanda vemari uye vakazopedzisira vapinda mutsekwende. Kana mari ikanyatsoshandiswa zvakanaka inobatsira. Bhaibheri rinobvuma kuti “hapana chaungaita kana usina mari.”—Muparidzi 10:19, Bhaibheri Rinoera.

Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rinotaura nezvemari, rine mazano anoshanda anogona kukubatsira kushandisa mari nokuchenjera. Matanho mashanu anotevera anowanzonzi anobatsira navanachipangamazano mune zvemari, uye anowirirana nezvakanyorwa kare muBhaibheri.

Chengetedza mari. Zvakanyorwa muBhaibheri zvinoratidza kuti vaIsraeri vekare vaidzidziswa kukosha kunoita kuchengetedza zvinhu. Vainzi vabvise chegumi chegore negore chavaizoshandisa pavaienda kumitambo yavo. (Dheuteronomio 14:22-27) Muapostora Pauro akakurudzirawo vaKristu kuti vachengete mari vhiki yoga yoga kuitira kuti vazowana chokupawo vamwe vaKristu vaida kubatsirwa. (1 VaKorinde 16:1, 2) Vanachipangamazano vakawanda mune zvemari vanokurudzira kuchengetedza mari. Koshesa kuchengetedza mari. Paunongotambira, isa mari yauri kuda kuchengetedza kubhangi kana paimwe nzvimbo yakachengeteka. Izvi zvichakubatsira kuti ukurire muedzo wokuda kungoshandisa mari yaunenge uchifanira kuchengetedza.

Ronga mashandisiro auchazoita mari. Iyi ndiyo chete nzira inoshanda kuti uone, udzore uye uderedze mashandisiro aunoita mari. Kuronga zvakanaka kunoita kuti uzive kuti mari yako yafamba sei, uye kunogona kukubatsira kuita zvawanga wakaronga kuita nemari. Ziva mari yaunowana, uye shandisa mari iri pasi peyaunowana. Ziva kusiyana kwakaita zvinhu zvinokosha nezvinhu zvaunongoda asi zvisingakoshi. Nezvenyaya iyi, Jesu akakurudzira vateveri vake nouchenjeri “[ku]verenga zvinodiwa” vasati vaita chimwe chinhu. (Ruka 14:28) Bhaibheri rinotiudza kuti tidzivise kungokwereta-kwereta.—Zvirevo 22:7.

Ronga. Nyatsofunga zvauchada mune remangwana. Somuenzaniso kana uchironga kutenga imba kana kuti furati, unenge wagona kana ukatsvaka chikwereti chisingazokunetsi pakuchibhadhara. Baba vane mhuri vanogonawo kutenga inishuwarenzi youpenyu, youtano, yourema, kana yezvimwewo kuti zvizobatsira mhuri yavo. Kufunga zvauchazoda mune remangwana kungasanganisirawo kuronga nezvepauchange wava pamudyandigere. Zvirevo 21:5 inotiyeuchidza kuti “zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.”

Dzidza. Tsvaka ruzivo rwokuita zvinhu uye tarisira zvakanaka utano hwako hwomuviri uye hwepfungwa. Izvi zvichakubatsira pave paya. Iva netsika yokugara uchidzidza muupenyu hwako. Bhaibheri rinokoshesa “uchenjeri hunobatsira nemano okufunga” uye rinotikurudzira kuramba tichizviwedzera.—Zvirevo 3:21, 22; Muparidzi 10:10.

Iva nomwero. Iva nomwero pakushandisa mari. Vanhu vakawanda vanoti vanhu vanofara ndevaya vanokoshesa vamwe vanhu kupfuura kukoshesa kwavanoita mari. Vamwe vanobvumira kuti kukara kuite kuti vasava nomwero. Sei? Kana vawana zvinhu zvinokosha zvoupenyu, vanotanga kutsvaka kupfuma. Asi, kana munhu awana zvokudya, zvokupfeka, nepokugara, pane zvimwe zvinhu zvinokosha zvinopfuura izvozvo here? Ndokusaka zvisingashamisi kuti munyori weBhaibheri ane mashoko ari kwokutanga kwenyaya ino akanyorawo kuti: “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:8) Kugutsikana kunotibatsira kuti tisadisise mari uye tisapinda muzvinetso zvose zvinokonzerwa nokudisa mari.

Chokwadi kudisa mari ndiwo mudzi wezvinhu zvakaipa zvakawanda. Kana ukazvibvumira, mari ichava tenzi wako. Asi, kana ikashandiswa zvakanaka, mari inogona kukuita kuti usununguke kutsvaka zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu, zvakaita soushamwari hwepedyo nemhuri, shamwari, uye naMwari. Kunyange zvakadaro, zvinoita sokuti hatikwanisi kunyatsosununguka pakuzvidya mwoyo nenyaya dzemari. Mari ichangoramba ichiita kuti vanhu vazvidye mwoyo here? Pane tariro here yokuti urombo huchapera? Nyaya yokupedzisira pane dzino dzinotevedzana ichapindura mibvunzo iyoyo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Ziva mari yaunowana, uye shandisa mari iri pasi peyaunowana

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Ziva kusiyana kwakaita zvinhu zvinokosha nezvinhu zvaunongoda asi zvisingakoshi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Kana munhu awana zvokudya, zvokupfeka, nepokugara, pane zvimwe zvinhu zvinokosha zvinopfuura izvozvo here?

[Bhokisi/Mufananidzo riri papeji 7]

Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vashandise Mari Zvakanaka

Mazuva ano zvakuine vanhu vechikuru vakawanda vane matambudziko emari, nyanzvi dziri kukurudzira vabereki kuti vadzidzise vana vavo nezvemari—uye kuti vatange vachiri vaduku. Kana ukabvunza vana vazhinji kuti mari inobva kupi, vangangopindura vachiti inobva kuna “Baba” kana kuti “kubhengi.” Kana mukadzidzisa vana venyu kukosha kwemari—kuti vazive kusiyanisa zvinhu zvinokosha nezvavanoda asi zvisinganyanyi kukosha, machengetedzerwe emari, uye kuita kuti izoita purofiti, ungavabatsira kuti vasazowana marwadzo anokonzerwa nezvikwereti uye nokuva varanda vemari. Pasi apa pane mazano mashomanana amungashandisa.

1. Ivai muenzaniso wakanaka. Vana venyu vachanyanya kutevedzera zvamunoita kupfuura zvamunotaura.

2. Vaudzei mari yavanongofanira kushandisa. Kurukurai navo kuti imarii yamuchashandisa neyavanogona kushandisa. Itai zvamunenge mataura.

3. Itai kuti vadzidze mashandisirwe emari. Kana vaine mari yavanowana kana yavanotambira kubasa, vaudzei mazano okuti vangaishandisa sei. Madaro ibvai mavarega vachisarudza voga zvavanoda kuita.

4. Vadzidzisei kupa. Kurudzirai vana venyu kuti vapewo vamwe uyewo kugara vachichengeta mari yavanozopawo nechinangwa chokukudza Mwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe