‘Ndakawandirwa Nezvokuita!’
VAYA vanokwikwidza mumitambo yeOlympic vachisimudza masimbi havaedzi kusimudza akawandisa zuva roga roga. Vanogara vachidzidzira nemasimbi madiki kusvikira vava nesimba rokuzosimudza akakura. Kana vakaramba vachisimudza zvinopfuura zvavanokwanisa vangazvikuvadza tsandanyama nemajoini zvoita kuti varege kusimudza masimbi.
Saizvozvowo, iwe somudzidzi ungave uchishanda nesimba kuchikoro. Uye paunopiwa basa rakaoma kana kuti paunenge uchigadzirira bvunzo, ungave uchida uye uchikwanisa kunyatsoshanda nesimba.a Asi zvakadini dai waingoswerera kuita zvekuchikoro mazuva ose? Ungazviona zvakaoma kudya zvakanaka kana kuti kunyatsorara. Kugara uri parumananzombe zvakanyanya kungaita kuti urware. Zvichida ndiwo manzwiro auri kuita.b
Basa Rechikoro Rinoitirwa Kumba Risingaperi
Mudzidzi ane makore 15 anonzi Hirokoc wokuJapan anoti, “Sezvandinoenderera mberi nechikoro basa rangu randinoitira kumba rinowanda uye rinowedzera kuoma. Zvinotora nguva kuti ndiripedze. Ndine zvimwe zvakawanda zvokuita, asi basa racho ndinofanira kuripa mudzidzisi zuva rinotevera. Dzimwe nguva ndinonzwa ndichitya.” Achitaura nezvebasa raanopiwa, Svetlana wokuRussia ane makore 14, akanyora kuti: “Kupedza basa rangu rechikoro randinoitira kumba kuri kuramba kuchioma. Gore roga roga ndinova nezvimwe zvidzidzo uye vadzidzisi vanondiwedzera basa rokuita. Uyewo, mudzidzisi mumwe nomumwe anofunga kuti chidzidzo chake chinokosha kupfuura zvimwe zvose. Zvakaoma kuva pakati nepakati wopedza basa racho rose.”
Nei vana vachipiwa basa rokuitira kumba rakawanda kudaro? Gilberto wokuBrazil ane makore 18 anonyora kuti: “Vadzidzisi vanoti vanoda kutibatsira kugadzirira kuzowana basa rinenge richitsvakwa noruzhinji.” Kunyange zvakadaro, unganzwa waremerwa nebasa rako rakawanda raunoitira kumba. Zvimwe ungarerutsa zvinhu nokuchinja maonero aunoriita uye kutora matanho okuva akarongeka.
Ona kuita basa iroro rakawanda sokudzidziswa kuti uzobudirira kana wakura. Kunyange zvazvo zvingaita sokuti kuita basa iroro hakuzomboperi, makore ako echikoro achapera usingambofungiri. Paunozotanga kuenda kubasa, uchazofara kuti wakapedza basa rechikoro iroro rakaoma. ‘Uchafadzwa nebasa rakaoma’ rawakaita pawaienda kuchikoro.—Muparidzi 2:24.
Ungaita kuti usanyanya kuva parumananzombe nokubishaira uye kuva akarongeka. (Ona bhokisi rakanzi “Nzira Dzinoshanda Dzokuita Kuti Usanyanyova Parumananzombe.”) Kana ukagara uchinyatsoita basa rako rechikoro nenguva, vadzidzisi vako vangasvika pakuvimba newe uye vanganzwa vachida kukubatsira. Chimbofungidzira kuti une ukama hwakadaro nemumwe wevadzidzisi vako. Kudai chimwe chinhu chaizongoerekana chaitika, wofanomuudza kuti waisakwanisa kupedza basa rako nenguva, haufungi here kuti aizokurerutsira? Mumwe wevashumiri vaMwari ainzi Dhanieri “akanga akavimbika uye hapana kuregeredza kana chinhu chakaipa zvacho chakawanikwa maari.” Kubishaira kwaDhanieri pabasa rake kwakaita kuti mambo amurumbidze uye avimbe naye. (Dhanieri 6:4) Kana ukatevedzera Dhanieri pakuita basa rako rechikoro, ungarerutsirwa pazvinenge zvakakodzera.
Kunyatsoteerera mukirasi, kupedza nenguva basa rechikoro nezvimwewo, zvingaita kuti usava parumananzombe zvachose here? Kwete, nokuti kuva parumananzombe zvishoma kungakonzerwa nechido chako chokuita zvakanaka. Pane kutsvaka kungorerukirwa pabasa rechikoro, ungapedzisira wava kutoda kudzidza uye kubatsirwa nezvidzidzo zvako.
Kuva parumananzombe kwakadaro kwakanaka uye kunotodiwa. Asi ungava parumananzombe zvisina kukodzera uye zvingakukuvadza.
Zvimwe Zvavanoita Vabuda Mukirasi Zvinoita Kuti Vanyanye Kubatikana
Funga nezvomunhu anogara achingovhetemesa motokari yake achiti kana omira obopa mabhureki zvakasimba, osimuka achiivhetemesazve. Mutyairi iyeye anopedzisira aita sei motokari yake? Angangoparadza injini nezvimwewo. Asi zvisati zvasvika ipapo, angaiparadza netsaona isingaiti.
Izvozvo ndizvo zvinoita vadzidzi vakawanda. Vanoshandisa miviri yavo nepfungwa vasingazvipi zororo, vasati vaenda kuchikoro uye pashure. Mubhuku rake rinonzi Doing School, Denise Clark Pope, akanyora nezvevadzidzi vanoverengeka vaakanga aona, kuti: “Mazuva avo echikoro anotanga mangwanani-ngwanani, awa imwe kana maviri vakuru vazhinji vasati vatanga zuva ravo rebasa, vachipedza ava manheru chaiwo, pashure pokudzidzira nhabvu, kutamba mimhanzi, tumatare twevadzidzi, kumbobata-bata vachibhadharwa, uye kuita basa ravo rechikoro kumba.”
Vadzidzi pavanoita zvakawandisa kudaro zuva nezuva, vanenge vachizvisikira moto muziso. Izvozvo zvingaita kuti varware nemudumbu uye vatemwe nemusoro. Kugara vakaneta zvakunoshayisa muviri simba rokuzvidzivirira, vangapedzisira varwara. Vanobva vatadza kuita zvavaichimboita, uye vangatambura chaizvo kuti vawanezve simba. Zvakadaro zvave zvichiitika kwauri here?
Kushanda zvakaoma kuti uwane zvakanaka zvaunovavarira kwakanaka, asi zvisinei nokuti wakasimba zvakadini, pane zvausingakwanisi kuita muzuva rimwe. Bhaibheri rinopa zano iri rakanaka: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaFiripi 4:5) Shoko rokuti “kunzwisisa” rinoreva “kusanyanyisa” uye “kufunga zvakanaka.” Munhu anofunga zvakanaka anosarudza zvisingamukuvadzi uye zvisingakuvadzi vamwe. Anoita somunhu mukuru, izvo zvinokosha munyika ino isina kudzikama. Saka kuti uchengetedze utano hwako, funga zvakanaka—rega zvimwe zvinhu zvisingakoshi zvaungave uchiita.
Kudzingirirana Nepfuma
Zvisinei, kune vamwe vechiduku, kufunga zvakanaka kunoita sekunovatadzisa kuwana zvavanovavarira pane kuvabatsira kudaro. Vadzidzi vakadaro vanofunga kuti chinoita kuti vabudirire kuva nebasa rine mari uye pfuma inobva pabasa rakadaro. Pope akaona mafungiro akadaro muvamwe vaduku vaakasangana navo. Akati: “Vadzidzi ivavo vaida kuva nenguva yakareba yokurara uye kuita kuti vave neutano, asi zvakawanda zvavaiita, zvinosanganisira zvechikoro, zvemhuri, uye kuenda kubasa, zvaisavabvumira kuti vadaro. Saizvozvowo, vaida kupedza nguva yakawanda neshamwari, kuita zvimwe zvinhu, kana kuti kusava nezvokuita kwemazuva mashoma, asi vaifunga kuti vaisakwanisa kuita zvinhu izvozvo voramba vari shasha kuchikoro. Vaiziva kuti vaifanira kusarudza, asi vainyanya kukoshesa kubudirira mune remangwana kupfuura kufara kwazvino.”
Vadzidzi vanoita zvakawandisa kudaro somunhu anovhetemesa motokari yake vanofanira kufunga zvakambotaurwa nomumwe murume akachenjera, akati: “Zvinobatsireiko munhu kuti awane zvinhu zvose pasi pano, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Uye chinyiko chaachabhadhara kuti adzikinure upenyu hwake?” (Mateu 16:26, Bhaibheri Rinoyera) Nemashoko iwayo, Jesu Kristu akanyevera kuti zvinangwa zvatingavavarira munyika ino hazvikoshi nokuti zvingatikanganisa mumuviri, mupfungwa, uye pakunamata.
Mumwe chiremba wepfungwa anonzi Madeline Levine akanyora mubhuku rake rinonzi The Price of Privilege nezve“chokwadi chokuti mari, dzidzo, kuva nesimba, mbiri uye kuva nezvinhu zvakawanda hakudziviriri munhu pakusafara uye pakusatambudzika mupfungwa.” Pope ambotaurwa, akati: “Ndinoona vechiduku vakawanda uye vabereki vachivavarira kunyatsoita zvinhu vasingakanganisi—nokuti vanofunga kuti kuita izvozvo ndizvo zvinoreva kubudirira.” Akawedzerawo kuti: “Tinofanira kunge tichivavarira kuva noutano—mupfungwa, mumuviri, uye pakunamata.”
Zvimwe zvinhu zvinokosha chaizvo kupfuura mari. Izvozvo zvinosanganisira utano hwepfungwa uye hwomuviri, hana yakanaka, uye ushamwari noMusiki wedu. Zvinhu izvozvo zvipo zvinokosha chaizvo zvinobva kuna Mwari. Kana ukarasikirwa nazvo pamusana pokudzingirirana nemukurumbira kana kuti pfuma, ungasazozviwanazve. Uchifunga izvozvo, ona zvakadzidziswa naJesu: “Vaya vanoziva kuti vanoda Mwari muupenyu hwavo vanofara chaizvo, nokuti umambo hwokuDenga ndehwavo!”—Mateu 5:3, The New Testament in Modern English.
Vaduku vakawanda vakasvika pakubvuma chokwadi ichocho. Kunyange vachiita zvose zvavanokwanisa kuchikoro, vanoziva kuti kugona chikoro uye pfuma hazviiti kuti munhu afare zvechigarire. Vanoziva kuti kudzingirira zvinhu izvozvo kunoita kuti vangonetseke zvisina basa. Vadzidzi ivavo vakadzidza kuti kugutsa ‘kuda Mwari kwavanoita muupenyu hwavo’ ndiko kuchaita kuti vafare zvechokwadi mune ramangwana. Vabudisi vemagazini ino kana kuti Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara vachafara kukuratidza kufara kwaungaita sezvaunogutsa kuda Mwari kwaunoita muupenyu hwako.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana vari vadzidzi vaya vasingashandi nesimba kusvika pane zvavanokwanisa kuita, ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndaigona Kunge Ndiri Kuita Zviri Nani Muchikoro Here?” muMukai! yaApril 8, 1998, mapeji 18-20.
b Kana uchida mamwe mashoko ane chokuita nenyaya iyi ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Chii Chandinogona Kuita Nebasa Rakawanda Zvikuru Rinoitirwa Kumba?” muMukai! yaApril 8, 1993, mapeji 12-14.
c Mamwe mazita akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Zvisinei nokuti wakasimba zvakadini, pane zvausingakwanisi kuita muzuva rimwe
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]
Kudzidza nezvoMusiki wako ndiyo dzidzo yakanyanya kunaka yaungava nayo
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 13]
NZIRA DZINOSHANDA DZOKUITA KUTI USANYANYOVA PARUMANANZOMBE
❑ Unopedza nguva yakawanda uchivhura-vhura mapepa nemabhuku emanotsi, uchitsvaka zvaunoda here? Vamwe vanhu vanoda kubatsirwa kuti vave vakarongeka. Usambonyara kukumbira vamwe mazano.
❑ Unoverengera here? Chimboedza kushanda nesimba kuti upedze basa rako pachiine nguva kuti uone kuti zvinoita sei. Kuzorodzwa uye kugutsikana kwauchanzwa kuchakushamisa uye kungakukurudzira kusaverengera kuita basa rako rokuchikoro.
❑ Unowanzozviona wava kutorota zvako uri mukirasi here? Chimboedza izvi kwemwedzi mumwe: Nyatsoteerera kukurukurirana kunoitwa mukirasi uye nyora manotsi okuzoshandisa. Ungashamisika zvinonakidza nokuva nyore kungaita basa rako raunoitira kumba. Izvozvo zvichaita kuti usanyanya kuva parumananzombe kuchikoro.
❑ Wakasarudza makosi anoita kuti ukasire kupedza chikoro asi anoda nguva yakawanda nesimba rakawanda here? Zvinokosha here kuti uite makosi akadaro? Taura nyaya yacho nevabereki vako. Inzwawo pfungwa dzevamwe vanoona dzidzo zviri pakati nepakati. Ungaona kuti makosi iwayo okuwedzera anongokubatsira zvishoma kuti ufambire mberi kupedza chikoro.
[Bhokisi riri papegi 6]
RUSVINGO RUNODZIVRIRA RWOKUFUNGIDZIRA
“Zvinhu zvinokosha zvomupfumi itaundi rake rakasimba, uye anofungidzira kuti zvakaita sorusvingo runodzivirira.” (Zvirevo 18:11) Munguva dzekare vanhu vaidzivirirwa nemasvingo marefu pavairwiswa. Asi chimbofunga uchigara muguta risina rusvingo asi iwe uchifungidzira kuti ruripo. Kunyange ukaomerera pakuti rusvingo rwacho ruripo, izvozvo hazvizokudziviriri pavavengi.
Sezvakangoita vanhu vakadaro vasina kudzivirirwa, vechiduku vanodzingirirana nepfuma vachatoodzwa mwoyo. Uri mubereki here? Ungaita zvakanaka kubatsira mwana wako kudzivisa musungo wokuda pfuma zvakanyanya uye kugara muguta rine rusvingo rwokufungidzira.
Chokwadi cheBhaibheri chinotevera chingakubatsira kukurukura nemwanakomana kana kuti nemwanasikana wako:
◼ Pfuma yakawanda kazhinji inounza matambudziko akawanda pane ainogadzirisa. “Zvinhu zvizhinji zvomupfumi hazvimubvumiri kurara.”—Muparidzi 5:12; 1 Timoti 6:9, 10.
◼ Kuti munhu afare haafanire hake kuva nepfuma yakawanda, chinongodiwa kuronga zvakanaka. “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.”—Zvirevo 21:5; Ruka 14:28.
◼ Kuwana mari iri pakati nepakati inokwana zvaunoda kunoita kuti ugutsikane. “Musandipa urombo kana upfumi.”—Zvirevo 30:8.d
[Mashoko Omuzasi]
d Mamwe mashoko ane chokuita nomusungo wokunyanyoda pfuma angawanika muMukai! yaApril 8, 2003, mapeji 18-19.
[Mifananidzo iri papeji 15]
Kuedza kuita zvakawandisa hakuna zvakunobatsira
[Mufananidzo uri papeji 15]
Ona basa rechikoro raunoitira kumba KWETE sedambudziko asi sokudzidziswa nokuda kwebasa