RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 July p. 22
  • Risiti Yomunyakwe Inotsigira Nhoroondo yeBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Risiti Yomunyakwe Inotsigira Nhoroondo yeBhaibheri
  • Mukai!—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Ibhuku Rine Uprofita Hwechokwadi, Chikamu 2
    Mukai!—2012
  • Jerusarema Rekare Rakaparadzwa Rini?—Chikamu Chechipiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhabhironi Rine Simba Simba Renyika Guru Rechitatu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 24—Jeremia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 July p. 22

Risiti Yomunyakwe Inotsigira Nhoroondo yeBhaibheri

◼ Kuma 1870 pedyo neBaghdad yanhasi kuIraq, kwakafukunurwa hwendefa romunyakwe raiva rakafara masendimita mashanu nehafu. Muna 2007, mumwe muzvinadzidzo anonzi Michael Jursa, wepaYunivhesiti yeVienna kuAustria akaona hwendefa iri achiita tsvakurudzo muBritish Museum. Jursa akaona zita rokuti Nebho-Sasekimu (Nabu-sharrussu-ukin muchiBhabhironi), mukuru mukuru wokuBhabhironi anotaurwa pana Jeremiya 39:3.a

Nebho-Sasekimu aiva mumwe wevatungamiriri vemauto aMambo Nebhukadhinezari pakaparadzwa Jerusarema muna 607 B.C.E., uye maererano nehwendefa racho anonzi “mukuru mukuru wevakuru vomumuzinda wamambo.” Asi chinzvimbo chomukuru mukuru wevakuru vomumuzinda wamambo chaingopiwa munhu mumwe chete panguva, izvozvo zvichipa uchapupu hwakasimba hwokuti Sasekimu ari kutaurwa nezvake ndiye mumwe chete anotaurwa muBhaibheri.

Hwendefa racho rinotaura nezvendarama yakaendeswa naNebho-Sasekimu kutemberi yaMarduk, kana kuti Merodhaki, mwari mukuru weBhabhironi, ane zita rinotaurwawo muBhaibheri. (Jeremiya 50:2) Risiti yacho yakanyorwa kuti ndeyegore rechi10, mwedzi wechi11, uye musi wechi18 wokutonga kwaNebhukadhinezari. Asi ndarama yacho iyi yakanga isinei nokupambwa kweJerusarema kwakaitika makore akazotevera. (2 Madzimambo 25:8-10, 13-15) Pasinei naizvozvo, Muzvinadzidzo Jursa akati, “kuwana chinhu chakaita sehwendefa iri, chine munhu anotaurwa nezvake muBhaibheri achiendesa mubhadharo wezuva nezuva kutemberi yaiva muBhabhironi uye chiine musi chaiwo, zvinoshamisa chaizvo.” Hwendefa iri rakanzi chimwe chezvinhu zvinokosha zvakawanika pakuchera matongo vachitsvaka zvinhu zvine chokuita neBhaibheri mazuva ano. Pepanhau rokuBritain rinonzi Telegraph rakati hwendefa iri “rinotsigira pfungwa yokuti mabhuku eTestamende Yekare ndeechokwadi.”

Zvinocherwa mumatongo handizvo zvinoita kuti Bhaibheri rinzi nderechokwadi. Uchapupu hune simba kwazvo hunowanika muBhaibheri pacharo, kunyanya muuprofita hwaro. (2 Petro 1:21) Somuenzaniso, pachine makore 100, Jehovha Mwari, achishandisa muprofita Isaya akafanotaura kuti pfuma yose yaiva muJerusarema ‘yaizoendeswa kuBhabhironi.’ (Isaya 39:6, 7) Saizvozvowo, achishandisa muprofita Jeremiya, Mwari akafanotaura kuti: “Ndichaisa zvinhu zvose zvakachengetwa zveguta rino [Jerusarema] . . . muruoko rwevavengi vavo. Vachazvipamba, . . . voenda nazvo kuBhabhironi.”—Jeremiya 20:4, 5.

Nebho-Sasekimu aiva mumwe wevavengi ivavo, saka akaonawo kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri. Kutaura zvazviri, angave aiziva kana kuti aisaziva, iye ane zvaakaitawo mukuzadzika kwouprofita ihwohwo.

[Mashoko Omuzasi]

a Pana Jeremiya 39:3, Shanduro yeNyika Itsva inoti “Samgari-nebho, Sasekimu, Rabsarisi,” ichitevedza nyora dzomutauro dziri mumashoko echiHebheru evaMasoreti. Asi mashoko echiHebheru akanyorwa nemabhii asina mavhawero anogona kunyorwa seizvi: “Samgari, Nebho-Sasekimu muRabsarisi [kana kuti, Mukuru Mukuru Wevakuru Vomumuzinda Wamambo],” ayo anopindirana nehwendefa recuneiform.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 22]

Copyright The Trustees of the British Museum

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe