Upenyu Hwemunhu Hunotangira Hapi?
GIANNA akatsanangura kuti, “Amai vangu vaiva nemakore 17 uye vaiva nepamuviri pemwedzi 7 1/2 pavakasarudza kubvisa pamuviri vachishandisa mvura ine sauti.”a Akawedzera kuti: “Ndini mwana wavaiedza kubvisa asi handina kufa.”
Uchapupu uhwu hwakapiwa naGianna aiva nemakore 19, muna 1996 pamberi pedare rehurumende reUnited States raitonga nyaya yokubvisa pamuviri. Gianna paakasvitsa mwedzi minomwe nehafu ari mudumbu maamai vake, nhengo dzemuviri wake dzakanga dzanyatsoumbwa. Zvingangodaro kuti unobvuma kuti akanga atova munhu chaiye, sezvo akazopfuurira kurarama abuda mudumbu raamai vake.
Saka tingatii nezvaGianna paaingova nemavhiki mashanu uye akareba sendimita imwe chete? Ichokwadi kuti muviri wake wakanga usati wanyatsoumbwa wose, asi urongwa hwose hwetsinga kusanganisira uropi zvakanga zvatovapo. Mwoyo wake wairova ka80 paminiti imwe chete uchipomba ropa nomutsinga. Saka kana Gianna akanga ava munhu aine mwedzi minomwe nehafu ari mudumbu, munhu ane pfungwa angasagumisa here kuti paakanga ane mavhiki mashanu akanga atovawo munhu, kunyange anga asati anyatsoumbwa?
Chishamiso Chokubata Pamuviri
Kuumbwa kwenhengo dzemwana kunotanga amai pavanobata pamuviri, zai ravo parinosangana nembeu yababa. Kufambira mberi mukugadzirwa kwezvinhu kwakaita kuti masayendisiti akwanise kuona kuchinja kunoshamisa kunoitika muzai iri rinenge rasangana nembeu yababa. Zvinhu zvinoumba DNA (deoxyribonucleic acid) zvinobva kuna baba nokunaamai zvinosangana kuti zviumbe upenyu husina kumbobvira hwavapo.
Sero iroro rimwe chete ndiro rinotanga chishamiso chokuumbwa kwomunhu azere. Maumbirwo emuviri anoenderana nemirayiro inobva muDNA. Mirayiridzo iyoyi ndiyo inoita kuti tive zvatiri. Ndiyo inotema kureba kwedu, zvakaita chiso, ruvara rwemaziso uye rwebvudzi, nezvimwewo zvakawanda-wanda.
Zvadaro, sero iroro rokutanga zvarinopatsanuka, mirayiridzo izere yezvichange zvakaita munhu inoendeswa musero idzva roga roga. Chinoshamisa ndechokuti rimwe nerimwe rinenge rakagadzirwa kuti rive chero nhengo yomuviri inenge ichidiwa. Izvi zvinosanganisira mwoyo, uropi, mapfupa, ganda,uye zvinoumba ziso. Zvinonzwisisika kuti kakawanda vamwe vakataura nezveurongwa hunenge huri musero rokutanga hunoita kuti pave nemumhu akasiyana nevamwe se“chishamiso.”
Mumwe chiremba akakurumbira anonzi David Fu-Chi Mark, anoongorora masero emuviri akataura kuti: “Kukura kunoita munhu kweupenyu hwake hwose kunenge kwakarongwa kubva achiri sero rimwe chete.” Akapedzisa nokuti: “Hapasisina mubvunzo kuti munhu anenge akasiyana nevamwe kubvira pakutanga chaipo kwoupenyu hwake panosangana zai raamai nembeu yababa.”
Munhu Here Anenge Ari Mudumbu?
Kubvira mukadzi paanobata pamuviri, mwana ari mudumbu haangori chinyama chomuviri waamai, asi munhu akazvimiririra. Muviri waamai unotomuona sechimwe chinhu chisiri nhengo yawo. Kudai pasina kuti anenge akadzivirirwa aizokurumidza kurambwa nomuviri waamai. Upenyu uhwu hunenge hwakaparadzaniswa naamai nebutiro, hunotovawo munhu ane DNA ine mirayiridzo yakasiyana neyevamwe.
Vamwe vanotaura kuti muviri womukadzi unobvisa woga mazai anenge atosangana nembeu yababa nemhaka yokukanganisika, saka nei zvinganzi hazviiti kuti chiremba abatsire kubvisa pamuviri? Asika pane musiyano mukuru pakati perufu runongoitika rwoga nekuuraya uchiziva. Mune imwe nyika yokuSouth America, pavana 1 000 voga voga 71 vanofa mugore ravo rokutanga. Nemhaka yokuti vana vakawanda kudaro vanofa vachiri vaduku, zvinganzi zvakanaka here kuuraya mwana asati asvitsa gore? Kana!
Zvinokosha kuona kuti Bhaibheri rinotsanangura kuti upenyu hwemunhu hunotangira muchibereko. Munyori wePisarema Dhavhidhi akanyora nezvaMwari kuti: “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu.” (Pisarema 139:16) Dhavhidhi haangotauri kuti ‘muviri uchangobva kuumbwa’ asi “muviri WANGU uchangobva kuumbwa,” zvichiratidza kuti upenyu hwaDhavhidhi hwakatanga achiri mudumbu, nguva refu asati aberekwa. Afuridzirwa naMwari, Dhavhidhi akaratidza kuti kuumbwa kwenhengo dzomuviri wake ari mudumbu, kwainge kwakarongwa kana kuti kuchienderana nemirayiridzo yakadzama yakanga ‘yakanyorwa,’ yakazoita kuti ave zvaaiva.
Tapota onawo kuti Bhaibheri haritauri kuti mukadzi anonamba chinyama mudumbu make. Asi rinoti “Kwanambwa munhurume!” (Jobho 3:3) Izviwo zvinoratidza kuti maererano neBhaibheri, mwana paanonambwa ndipo paanova munhu. Ipapo ndipo chaipo panotangira upenyu hwomunhu.
[Mashoko Omuzasi]
a Kubvisa pamuviri uchishandisa mvura ine sauti kunosanganisira kuisa mudumbu raamai mvura ine sauti inokuvadza. Mvura iyoyo inobva yamedzwa nomwana kazhinji ichiita kuti afe pasati papera maawa maviri. Amai vanotanga kurwadziwa nepamuviri pashure peanenge maawa 24 uye vanobva vasununguka mwana akafa kana kuti kashoma kacho ava kuda kufa.
[Mifananidzo iri papeji 6]
Mwana achangoumbwa ane mavhiki mashanu haasi chinyamawo zvacho, asi anenge aine mirayiridzo yokuumbwa kuchaita nhengo dzose dzomunhu mukuru
(kukura kwacho chaiko)