RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 October pp. 12-14
  • Kufungira Vamwe Zvisizvo Uye Kusarura—Kuziva Zvinozvikonzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufungira Vamwe Zvisizvo Uye Kusarura—Kuziva Zvinozvikonzera
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuziva Zvinozvikonzera
  • Rusaruro Ruchapera Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Rusaruro—Dambudziko Riri Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Uri Nyajambwa Wekufungira Mano Akaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mugumo Worusaruro
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 October pp. 12-14

Kufungira Vamwe Zvisizvo Uye Kusarura—Kuziva Zvinozvikonzera

“Vanhu vose vanoberekwa vaine rusununguko uye vaine chiremerera nekodzero zvakaenzana. Vakapiwa pfungwa nehana uye vanofanira kuonana sehama.”—Chikamu 1 cheMutemo Unoshanda Kwose Kwose Wekodzero Dzevanhu.

PASINEI zvapo nevavariro idzodzo dzakanaka chaizvo, kufungira vamwe zvisizvo uye rusaruro zviri kuramba zvichitambudza vanhu. Izvozvo hazvingoratidzi chete kuti tiri munguva dzakaoma asi zvinoratidzawo kuva nechivi kwevanhu. (Pisarema 51:5) Asi izvi hazvirevi kuti hapana tariro. Ichokwadi kuti tingasakwanisa kubvisa rusaruro rwatinoona mune vamwe, asi tinogona kuvavarira kuti tibvise kufungira zvisizvo kungava mumwoyo medu.

Zvinokosha kubvuma kuti vanhu vose vanokwanisa kutanga kufungira vamwe zvisizvo. Bhuku rinonzi Understanding Prejudice and Discrimination rinoti: “Zvichida zvinonyanya kukosha zvakawanikwa pakutsvakurudza nezvenyaya yokufungira vamwe zvisizvo ndeizvi: (1) hapana munhu anofunga uye anotaura anganzi haagoni kufungira vamwe zvisizvo, (2) zvinoda kuti munhu azive uye avavarire kuderedza kufungira zvisizvo, uye (3) kana munhu aine chikonzero chakanaka, anogona kurega kufungira vamwe zvisizvo.”

Dzidzo yakatsanangurwa se“chinhu chine simba chaizvo” pakurwisa kufungira vamwe zvisizvo. Somuenzaniso, dzidzo yakakodzera inogona kuratidza zvinokonzera kufungira zvisizvo, inoita kuti tikwanise kuongorora mafungiro edu zvine chinangwa, uye inotibatsira kuti tive vakachenjera patinofungirwa zvisizvo.

Kuziva Zvinozvikonzera

Kufungira zvisizvo kunoita kuti vanhu vachinje chokwadi chinopesana nezvavanenge vagara vachifunga. Kunoitawo kuti vamonyorore chokwadi, kana kuti vasava nehanya nacho. Kufungira zvisizvo kungabva patsika dzinokosheswa nemhuri dzine vavariro yakanaka asi dzisina kururama, kana kuti kungatangwa nevaya vanosimudzira kuona mamwe marudzi kana tsika zvisizvo vachiziva zvavo. Kufungira zvisizvo kungasimudzirwawo neurudzi uye nedzidziso dzenhema dzezvitendero. Uye kungavawo mugumisiro worudado rwakanyanyisa. Sezvaunofunga nezvezviri kutaurwa pasi apa uye pfungwa dzine chokuita nazvo dzinobva muBhaibheri, zvingava zvakanaka kuti uongorore mafungiro ako woona kana paine zvinofanira kuchinjwa.

Shamwari. Vanhu vakasikwa vachida kushamwaridzana nevamwe, uye izvozvo zvakanaka. Zvechokwadi, Bhaibheri rinoti “munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire” uyewo haazovi nehanya neuchenjeri hunobatsira. (Zvirevo 18:1) Zvisinei, tinofanira kuchenjerera patinosarudza shamwari, nokuti dzinogona kutikanganisa chaizvo. Saka, vabereki vakachenjera vanofarira chaizvo kuziva shamwari dzevana vavo. Kumwe kutsvakurudza kwakaitwa kwakaratidza kuti vana vane makore matatu chaiwo vanogona kuva norusaruraganda rwavanotora pamafungiro, mashoko, kana zvinoitwa nevamwe. Chokwadi, vabereki vanofanira kuita zvose zvavanokwanisa kuti vabatsire vana vavo zvakanaka, vachiziva kuti zvavanoita ndizvo zvinonyanya kuchinja tsika dzemwana.

◼ Bhaibheri rinotii? “Dzidzisai mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, nokuti kana azokura haangazosiyani nayo.” (Zvirevo 22:6, Bhaibheri Rinoera) “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Kana uri mubereki, ungazvibvunza kuti: ‘Ndiri kurayiridza vana vangu kuti vafambe munzira yechokwadi uye yakarurama here mukuona kwaMwari? Ndinoshamwaridzana nevanhu vanondikurudzira kuita zvakanaka here? Ini ndinokurudzirawo vamwe kuita zvakanaka here?’—Zvirevo 2:1-9.

Urudzi. Rimwe duramazwi rinotsanangura urudzi se“pfungwa yokungofarira rudzi rwako uchirusimudzira kupfuura mamwe ose uye uchingoomerera pakuti tsika dzenyu nezvamunofarira ndizvo zvinokosha kupfuura zvemamwe marudzi.” Ivo Duchacek, muzvinadzidzo pane zvematongerwo enyika akataura mubhuku rake rinonzi Conflict and Cooperation Among Nations, kuti: “Urudzi hunokamura-kamura vanhu kuva mapoka asingabvumi zvinofungwa nevamwe. Saka chinotanga kuuya mupfungwa dzevanhu ndechokuzviona sevokuAmerica, vokuRussia, vokuChina, vokuEgypt, kana kuti vokuPeru, zvadaro vozozviona sevanhu kana vachitozombodaro.” Mumwe aichimbova mukuru mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose akanyora kuti: “Saka akawanda ematambudziko edu nhasi anokonzerwa nemafungiro enhema—mamwe acho akatanga vanhu vasingazvizivi. Mamwe eaya mafungiro ipfungwa yekuomerera parudzi rwangu—‘nyika yangu ndiyo chete, hazvinei kuti zvainoita zvakarurama kana kuti hazvina.’”

◼ Bhaibheri rinotii? “Mwari akada nyika [vanhu vose] kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Zvibvunze kuti, ‘Kana Mwari asingasaruri, achida vanhu vemarudzi ose kusanganisira ini, handifaniri here kuvavarira kumutevedzera, kunyanya kana ndichiti ndinomuremekedza?’

Rusaruraganda. Rimwe duramazwi rinoti vane rusaruraganda vanodavira “kuti kuva werudzi rwakati ndiko kunoita kuti vanhu vasiyane pamaitiro kana kuti zvavanokwanisa kuita, uye kuti rumwe rudzi ruri pamusoro pemamwe.” Asi, sezvinotaurwa muThe World Book Encyclopedia, vatsvakurudzi “havasati vawana zvesayenzi zvinotsigira izvozvo zvokuti rumwe [rudzi] ruri nani pane mamwe.” Kusaruramisira kwakaipa chaizvo kunosimudzirwa nerusaruraganda, kwakadai sokungoramba kwevanhu vachinyima vamwe vavo kodzero dzavo, uchapupu hunorwadza hwokuti rusaruraganda runobva panhema nemanyepo.

◼ Bhaibheri rinotii? “Chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) “[Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete.” (Mabasa 17:26) “Maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Zvibvunze kuti: ‘Ndinoedza kuona vanhu vose sezvinoita Mwari here? Ndinoedza here kutsvaka kuti vamwe, zvichida vaya verumwe rudzi kana tsika, kuti vakambonyatsoita sei nokunyatsoziva zvakaita vamwe vavo?’ Patinosvika pakunyatsoziva zvakaita vanhu, tinotanga kurasa maonero asina kururama atinovaita.

Chitendero. Bhuku rinonzi The Nature of Prejudice rinoti: “Kuvenga vamwe kunotovapo chete vanhu pavanoshandisa chitendero chavo kuratidza kuti [zvavanoita zvoudyire] uye udyire hwedzinza ravo hazvina kuipa. Pavanodaro, chitendero nokufungira vamwe zvisizvo zvinobva zvabatana.” Bhuku iroro rinotaura kuti chinonyanya kuoneka kukurumidza kuchinja kunoita vanhu vazhinji vechitendero “kubva pakuva vatsvene kuenda pakufungira vamwe zvisizvo.” Uchapupu hunotsigira mashoko iwayo hunooneka mumachechi anongova nevanhu verudzi rumwe chete, kuvengana uye kuitirana chisimba kwezvitendero zvakasiyana, uye zvinhu zvinotyisa zvinokusvudzirwa nechitendero.

◼ Bhaibheri rinotii? “Uchenjeri hunobva kumusoro [kuna Mwari], . . . hune rugare, hunonzwisisa, . . . hahusaruri.” (Jakobho 3:17) ‘Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi.’ (Johani 4:23) ‘Idai vavengi venyu uye nyengetererai vaya vanokutambudzai.’ (Mateu 5:44) Zvibvunze kuti: ‘Chitendero changu chinosimudzira kuda vanhu vose zvechowadi here, kunyange vaya vangada kundikuvadza? Chechi yangu inogamuchira vanhu vose here, pasinei nerudzi rwavo, ruvara rweganda, mari yavanotambira, chinzvimbo chavo, kuti varume kana kuti vakadzi here?’

Rudado. Rudado kana ruri ruya rwokunyanyisa kuzviremekedza kana kuti kuzvitutumadza, runogona kuita kuti munhu afungire vamwe zvisizvo. Somuenzaniso, rudado rungaita kuti munhu anzwe achikosha kupfuura vamwe kana kuti azvidze vasina kunyanya kudzidza kana kuti varombo. Rungaitawo kuti abvume mashoko enhema anosimudzira rudzi rwake kana kuti dzinza. Vanhu vakachenjera vanoparadzira mashoko enhema, vakadai somudzvinyiriri weNazi, Adolf Hitler, vakasimudzira nemaune kudada nenyika uye nerudzi, kuti mhomho yevanhu ivatsigire uye varevere nhema vaya vainzi vakasiyana uye vaisadiwa.

◼ Bhaibheri rinotii? “Munhu wose ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.” (Zvirevo 16:5) “[Musaita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.” (VaFiripi 2:3) Zvibvunze kuti: ‘Mumwoyo mangu ndinonakidzwa here nemashoko anotaura zvakanaka nezverudzi rwangu kana dzinza kana kuti anozvidza vamwe? Ndinoitira here godo vaya vane unyanzvi hwandisina, kana kuti ndinofarira zvechokwadi zvavanokwanisa kuita?’

Chokwadi, Bhaibheri rine chikonzero chakanaka parinonyevera kuti: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako, nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.” (Zvirevo 4:23) Saka ona mwoyo wako sounokosha zvechokwadi, uye usabvumira chero kai zvako kuushatisa! Uzadze nouchenjeri hunobva kuna Mwari. Kana ukadaro, ‘mano okufunga noungwaru zvichakuchengetedza, kuti zvikununure panzira yakaipa, pamunhu anotaura zvinhu zvakatsauka.’—Zvirevo 2:10-12.

Zvakadini kana uriwe ari kufungirwa zvisizvo kana kuti ari kusarurwa? Nyaya inotevera ichakurukura izvozvo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Patinosvika pakunyatsoziva zvakaita vanhu, tinotanga kurasa maonero asina kururama atinovaita

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe