Chinokosha 4: Kuremekedzana
‘Kupopota kwose nokutuka kwose ngazvibviswe kwamuri.’—VaEfeso 4:31.
Zvakunoreva. Kusawirirana kunowanika mumhuri dzine matambudziko uye kunowanikawo mumhuri dzinobudirira. Asi mhuri dzinobudirira dzinokurukura zvinhu dzisinganyombane, dzisingazvidzane, uye dzisingashandisi mashoko okutuka. Vomumhuri vanoitira vamwe vavo sezvavaizoda kuitirwawo.—Mateu 7:12.
Nei kuchikosha. Mashoko angava sezvombo zvinoparadza. Chimwe chirevo chemuBhaibheri chinoti: “Zviri nani, kugara murenje, pano kugara nomukadzi anonetsa, ane pamuromo.” (Zvirevo 21:19, Bhaibheri Rinoera) Chokwadi, zvakafanana zvingataurwawo nezvemurume ane pamuromo. Uye panyaya yokurera vana, Bhaibheri rinoti: “Musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Vana vanogara vachishorwa vangasvika pakufunga kuti havakwanisi kufadza vabereki vavo. Vangatokanda mapfumo pasi.
Edza kuita izvi. Ona kuti unoremekedza mhuri yako zvakadini nokupindura mibvunzo iri pasi apa.
◼ Mumhuri yangu, kusawirirana kunowanzoguma nomumwe achibuda mumba akatsamwa here?
◼ Pandinotaura nemumwe wangu kana kuti vana, ndinoshandisa mashoko okuzvidza, akadai sokuti “zibenzi,” “fuza,” kana kuti mashoko akafanana here?
◼ Ndakakurira munzvimbo yaiva nevanhu vaigara vachingotuka here?
Sarudza zvokuita, wozviita. Funga chinhu chimwe chete kana zviviri zvaungavavarira kuita panyaya yokuratidza kuremekedza pamatauriro ako. (Zvimwe zvaungaita: Tsunga kushandisa mashoko okuti “ini” pane kuti “iwe.” Somuenzaniso ungati “Zvinondirwadza pauno. . . ,” pane kuti “Unogara uchi. . . ”)
Wadii kuita kuti mumwe wako azive zvauri kuvavarira kuita? Panopera mwedzi mitatu, bvunza mumwe wako kuti uone kubudirira kwaunenge waita.
Funga zvimwe zvinhu zvichakubatsira kuti urege kutuka paunenge uchitaura nevana vako.
Wadii kukumbira vana vako ruregerero nokuda kwokutaura navo nehasha kana kuti kuvanyomba kwaungave wakaita?
[Mufananidzo uri papeji 6]
Mashoko anorwadza angaita kuti mhuri ive zinyekenyeke, sezvinoita mafungu egungwa anochera dombo rakasimba