Dzimwe Mhuri Dzakabudirira—Chikamu 1
Sezvatoratidzwa neMukai! ino ine nyaya inokosha, mhuri dzinobudirira dzinosanganawo nematambudziko. Izvozvo hazvimboshamisi, nokuti tiri munguva inotsanangurwa neBhaibheri se“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Matambudziko akasiyana-siyana anotomuka chete mumhuri dzose.
Asi yeuka kuti kubudirira hakunei nokuvapo kwemamiriro ezvinhu anonzi nevamwe ndiwo akanaka. Kusiyana naizvozvo, Jesu akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Mhuri dzinogutsa chido chadzo chokunamata nokuita zvinotaurwa neBhaibheri dzakawana chinoita kuti dzibudirire—pasinei nemamiriro ezvinhu asina kunaka. Funga nezvedzimwe mhuri dzakadaro.
Kutarisira mwana akaremara. Bhaibheri rinotaura kuti kutarisira vomumhuri kunokosha chaizvo, uye izvi zvinosanganisira vaya vanoda kunyatsotarisirwa. Rinoti: “Kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.”—1 Timoti 5:8.
Papeji 15, Victor, vamwe baba vokuSouth Africa, anotsanangura kutarisira mwana akaremara kwaave achiita iye nemudzimai wake kwemakore anopfuura 40.
Kurerwa nevabereki vasiri vangu. Zvinotaurwa neBhaibheri zvinobatsira munhu kuti asvike pakunzwa ari munhu—kunyange zvazvo akaraswa nevabereki vake chaivo. Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha Mwari “mubatsiri” wevaya vasina vanababa.—Pisarema 10:14.
Papeji 16, Kenyatta, mukadzi wechidiki wokuUnited States anotsanangura madzidziro aakaita kutsungirira kushungurudzika pamusana pokusamboona vabereki vake chaivo.
Kutsungirira kufirwa nomubereki. Kurwadziwa nokufirwa naamai kana baba kunonetsa kupera. Asi Bhaibheri rinobatsira. Muridzi waro, Jehovha, ndi“Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3.
Papeji 17, Angela, mumwe mukadzi wechidiki wokuAustralia, anotsanangura kubatsirwa kwaakaita nokuva noukama naMwari kuti atsungirire kufirwa kunorwadza kwaakaita.
Mhuri dzose dzine matambudziko adzinofanira kurwisa. Sezvicharatidzwa nenyaya dziri pamapeji anotevera, vaya vanoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri vakawana chinhu chinokosha chinovabatsira kubudirira pakukunda matambudziko avanosangana nawo.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 15]
Kutarisira Mwana Akaremara
Yakataurwa naVictor Maynes, wokuSouth Africa
“Kubvira pakaberekwa Andrew, tisu tave tichifanira kumupfekedza, kumugezesa, uye dzimwe nguva kutomubatsira kudya. Iye zvino ava nemakore 44.”
ANDREW paakanga ava negore asi asati ava kufamba, takaona kuti paiva nechimwe chinhu chakanga chisina kumira zvakanaka. Panenge panguva iyoyo, akagwinha-gwinha. Takamhanya naAndrew kuchipatara, kwatakaudzwa kuti aiva netsviyo. Asi paivawo nemamwe matambudziko. Kumwe kuongorora kwakaratidza kuti Andrew akanga akakanganisika pfungwa.
Pashure pokuedza kurapa kwakasiyana-siyana, takazokwanisa kuita kuti Andrew asabatwa-batwa netsviyo. Kwenguva yakati, aifanira kushandisa mishonga mina katatu pazuva. Chokwadika, kukanganisika kwake pfungwa hakugadziriswi nemushonga. Kunyange iye zvino, Andrew paava nemakore 44, achine pfungwa dzemwana wemakore mashanu kana kuti matanhatu.
Vanachiremba vakatipa zano rokuti tinochengetesa Andrew mune imwe nzvimbo inotarisirwa vakaita saiye, asi takasarudza kusadaro. Taikwanisa kuzviita toga, saka takasarudza kuti tinomutarisira kumba, pasinei nematambudziko aizovapo.
Saka, mhuri yose inomutarisira. Vamwe vana vedu, vasikana vaviri nemukomana vaigara nesu, vakatibatsira chaizvo, uye ndinovaonga! Uyewo, zvatiri Zvapupu zvaJehovha, tinotsigirwa chaizvo nevamwe vomuungano yedu. Dzimwe nguva vanotipa zvokudya kana kuti kunyange kutarisira Andrew isu patinenge tiri muushumiri kana kuti tichiita zvimwe zvinhu.
Tagara tichiyeuka mashoko aIsaya 33:24, ane chipikirwa chaMwari chokuti nerimwe zuva “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” Tinonyatsotenda kuti Mwari achaita zvaanoda zvokuti pave nenyika itsva uye kubvisa kurwara kwose. (2 Petro 3:13) Saka tinotarisira kuvapo kwenguva apo Andrew achapora. Panguva ino, tinotenda mashoko aJesu okuti kana tikaisa Umambo hwaMwari pokutanga muupenyu hwedu, tichapiwa zvatinoda. (Mateu 6:33) Izvozvo ndizvo zvave zvichiitika. Hatina chatakamboshayiwa.
Ichokwadi kuti havasi vose vanokwanisa kutarisira pamba mumwe wemumhuri anenge achirwara. Kune vaya vari kudaro, chandingatanga kuvakurudzira kugara vachinyengetera chaizvo. (1 Petro 5:6, 7) Chechipiri, idai chaizvo uye tarisirai mwana wenyu, uye musambofunga kuti haakwanisi kudzidza kuda Jehovha Mwari. (VaEfeso 6:4) Chechitatu, munhu wese ari mumhuri ngaabatsire pakumutarisira. Chechina, yeukai kuti mwana wenyu achanzwa achidiwa chaizvo ari pamba penyu. Chokwadi, mamiriro ezvinhu anosiyana. Isu hatina kumbodemba kuti takachengeta Andrew kumba. Ndiye mwana wandinoda chaizvo, murume wandinoda chaizvo, wandinoziva.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 16]
Kurerwa Nevabereki Vasiri Vangu
Yakataurwa naKenyatta Young, wokuUnited States
“Kana uine mubereki wako chaiye mumwe chete pavabereki vanenge vachikurera, panenge paine ukama hweropa. Asi ini zvandinorerwa nevabereki vasiri vangu chaivo, zvinhu hazvina kudaro. Handitombozivi kuti ndakafanana nani.”
HANDIMBOZIVI baba vangu, uye handina kumboonana naamai vakandibereka. Amai vaidhakwa nedoro uye nemadhiragi pandaiva mudumbu. Pandakaberekwa, ndakanochengetwa mumusha wevana vasina vabereki uye ndakaiswa mumisha yakadaro inoverengeka ndisati ndatorwa nevabereki vakazondirera ndava kuda kusvitsa makore maviri.
Baba vangu vakandirera vanoti pavakaratidzwa mufananidzo wangu nemushandi aitarisira zvaiva nechokuita neni, vakangonzwa vachida kunditora. Ndakabva ndangoda amai vangu vatsva. Ndakavaudza kuti ndivo vaiva amai vangu uye kuti ndaida kuenda navo kumba.
Kunyange zvakadaro, ndinoyeuka kuti pandaiva mwana, ndaitya kuti ndaizokanganisa ndikadzoserwa kwaichengetwa vana vasina vabereki. Ndaifunga kuti ndaisafanira kuva nezvinyamusi kunyange kurwara sezvaiita vamwe vana. Ndaitoedza kudzivisa kubatwa nefuruu! Vabereki vangu vakaramba vachindivimbisa kuti vaindida uye kuti vaisazondirasa.
Kunyange semunhu akura, dzimwe nguva ndinonetseka nepfungwa dzokuti handikosheswi sezvinoitwa vaya vakarerwa nevabereki vavo chaivo. Pfungwa idzodzo padzinenge dzava kuda kupera, mumwe munhu anonditi, “Unofanira kutenda chaizvo kuti une vabereki vakanaka chaizvo vakanzwa vachida kukurera!” Ndinozvionga, asi mashoko akadaro anoita kuti ndifunge kuti pane chisina kumira zvakanaka pandiri uye kuti rakava basa chairo kuti mumwe munhu andide.
Zvakandiomera kubvuma kuti zvimwe handizombofi ndakaziva baba vangu chaivo. Dzimwe nguva zvinondirwadza kuti amai vangu vakandibereka havana kugadzirisa upenyu hwavo kuitira kuti vandichengete, sezvinonzi ndaisakosha kuti vadaro. Pamwe pacho ndinovanzwira tsitsi. Ndinowanzofunga kuti kana ndikazombosangana navo, ndingada kuvaudza kuti zvinhu zvakandifambira zvakanaka muupenyu uye kuti havafaniri kunetseka nokundisiya kwavakaita.
Vabereki vangu vakandirera Zvapupu zvaJehovha, uye kuziva Bhaibheri ndechimwe chezvipo zvakanyanya kunaka zvavakandipa. Ndinogara ndichinyaradzwa nemashoko ePisarema 27:10 anoti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.” Izvozvo ndizvo zvakaitika kwandiri. Uye kurerwa nevabereki vasiri vangu kwakaguma nezvimwe zvinhu zvakanaka. Somuenzaniso, ndinonakidzwa nevanhu—kwavakabva uye upenyu hwavo—zvichida pamusana pokuti handizivi mhuri yangu chaiyo. Ndinofarira vanhu, uye izvozvo zvinokosha chaizvo muushumiri hwechiKristu. Kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kutaura nezveBhaibheri kunoita kuti ndinzwe ndiri munhu uye ndine chinangwa. Pandinenge ndakaora mwoyo, ndinoenda kunobatsira vamwe. Pandinodzidzisa vanhu nezveBhaibheri, ndinoona kuti ndinova neushamwari navo. Munhu wese ane chokutaura nezvacho chinofadza.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 17]
Kutsungirira Kufirwa Nemubereki
“Baba vangu pavakafa, ndakanzwa ndisisina kudzivirirwa. Munhu aiziva zvose uye aigona kugadzirisa chero chii zvacho muupenyu hwangu akanga asisipo.”
Yakataurwa naAngela Rutgers, wokuAustralia
BABA vangu vakashaya makore gumi akapfuura pandakanga ndichiri kuyaruka. Mwedzi mitanhatu vasati vafa, vakanga vavhiyiwa, uye vachiri muimba yavaipora vari, chiremba akatiudza kuti pakanga pasina chimwe chaigona kuitwa. Amai vaifanira kutowana mamwe mashoko, hanzvadzi yangu yakafenda, uye ndakamomoterwa nepfungwa dzandaisakwanisa kudzivisa. Papera mwedzi mitanhatu, baba vakashaya.
Pane nguva yandakavhiringidzika chaizvo. Ndaida kuti shamwari dzangu dzinzwisise zvaiitika kwandiri, asi ndaisada kubatwa semunhu aitambura. Saka ndakaedza kusavaratidza manzwiro andaiita. Asiwo, ndakafunga kuti kunakidzwa nokushamwaridzana navo kwaizoratidza kuti zvinhu zvaingova senguva dzose, nepo zvakanga zvisina kudaro. Pandinotarira shure, ndinoona kuti shamwari dzangu dzinofanira kuva dzakandishivirira chaizvo!
Ndinotambura nokunzwa ndine mhosva pamusana pokufa kwaBaba here? Ehe! Ndinongoti kudai ndakavaudza kuti “Ndinokudai!” kakawanda. Ndinongoti kudai ndakavambundira kakawanda uye ndakapedza nguva yakawanda ndinavo. Pasinei nokuti ndinozviudza kakawanda kuti, ‘Vaisazoda kuti ndifunge izvozvo,’ zvinongondinetsa.
Semumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinonyaradzwa chaizvo netariro yokumuka iri muBhaibheri. (Johani 5:28, 29) Ndinoedza kufungidzira kuti baba vangu munhu akangoenda parwendo mhiri kwemakungwa uye kuti rimwe zuva vachadzoka kumba, kunyange zvazvo zuva racho chairo risingazivikanwi. Zvinoshamisa ndezvokuti vanhu pavainditi, “Baba vako vachadzoka panomuka vanhu,” izvozvo pakutanga zvaisandikurudzira. Ndaifunga kuti, ‘Ndinoda kuti baba vangu vadzoke iye zvino chaiye!’ Asi muenzaniso werwendo rwemhiri kwemakungwa wakandibatsira. Wairatidza kuti munguva iri mberi vanhu vachamuka, asi uchindibatsira kutsungirira kurasikirwa kwandainzwa panguva iyoyo.
VaKristu vandinonamata navo vave vachinditsigira chaizvo. Ndinoyeuka mumwe akandiudza kuti aisanzwa akasununguka kutaura nezvekufa kwababa vangu, asi akati aigara achifunga nezvangu nemhuri yangu. Ndakaramba ndichifunga nezvemashoko iwayo. Akandibatsira kutsungirira pamazuva ayo pasina munhu akataura chinhu nezvekufa kwababa, nokuti akaita kuti ndizive kuti kunyange zvazvo vasina zvavakataura, vaifunga nezvangu uye mhuri yedu. Izvozvo zvaikosha chaizvo kwandiri!
Kwapera mwedzi mina Baba vashaya, Amai vakatanga kuita zvakawanda muushumiri, uye ndakaona kuti kufara zvakanyanya kwavaiita kwaikonzerwa naizvozvo. Saka ndakabatana navo. Zvinoshamisa kuona kuti kubatsira vamwe kunokubatsira kutsungirira. Kwakasimbisa kutenda kwandinoita Shoko raJehovha uye zvipikirwa zvake, uye kunondibatsira kunyange iye zvino kusangofunga nezvekufirwa kwangu chete.