Zvinotaura Bhaibheri
Zvinoita Here Kuti Munhu Ade Vavengi Vake?
Jesu akati, “Ndinoti kwamuri: Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.”—Mateu 5:44, 45.
UNOONA here chitendero chichiita kuti vanhu vadanane uye vave nerugare kana kuti vavengane uye vaite chisimba? Vazhinji mazuva ano vanoona chitendero sechinoita kuti vanhu vavengane uye vaite chisimba, kunyanya pachinoitawo zvematongerwo enyika, zvemadzinza, kana zvourudzi. Asi, sezvinoratidzwa nemashoko aJesu, ‘vanakomana vaMwari’ vechokwadi vanotevedzera rudo rwaMwari—kunyange kuvavengi vavo.
Mumwe mushumiri waMwari akati: “Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe . . . Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:20, 21) Asi zvechokwadi zvingaita here kuratidza rudo rwakadaro munyika ino yakakamuka-kamuka? Zvapupu zvaJehovha zvinopindura zvisingatendereri kuti hongu! Funga nezvemuenzaniso waJesu uye vadzidzi vake vepakutanga.
Vaida Vavengi Vavo
Jesu akadzidzisa chokwadi nezvaMwari, uye vakawanda vaifarira kumuteerera. Asi, pane vakamushora, vamwe vachizviita nokusaziva. (Johani 7:12, 13; Mabasa 2:36-38; 3:15, 17) Kunyange zvakadaro, Jesu akaramba achiudza vose mashoko anoponesa, kusanganisira vaimushora. (Mako 12:13-34) Nei? Aiziva kuti vamwe vaizochinja mararamiro avo, vobvuma kuti aiva Mesiya, vorarama maererano nechokwadi chine chokuita nekunamata chiri muShoko raMwari.—Johani 7:1, 37-46; 17:17.
Jesu akaratidza kuda vavengi vake kunyange pausiku hwaakasungwa zvisina kururama nevanhu vaimushora vaiva nezvombo. Akatorapa mumwe wevakamusunga, akanga atemwa nebakatwa nomuapostora Petro. Pachiitiko ichocho Jesu akataura chinhu chinokosha chinoratidza zvinofanira kuitwa nevateveri vake mazuva ano. Akati: “Vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:48-52; Johani 18:10, 11) Papera makore anenge 30, Petro akanyora kuti: “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake. . . . Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa [kuna Mwari].” (1 Petro 2:21, 23) Zviri pachena kuti Petro akanga adzidza kuti, kuda vamwe, kwete kutsiva, ndizvo zvinofanira kuitwa nevateveri vechokwadi vaKristu.—Mateu 5:9.
Vose ‘vanonyatsotevera tsoka dzaJesu’ vanoratidza mafungiro ake okuva nerudo uye mutsa. 2 Timoti 2:24 inoti, “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose, . . . anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa.” Izvozvo zvaizoonekwa muupenyu hwemuKristu, hworugare uye hwokuyanana nevamwe.
‘Nhume dzaKristu’ Dzinoita Kuti Pave Norugare
Muapostora Pauro akanyorera vamwe vaainamata navo kuti: “Naizvozvo tiri nhume dzinomiririra Kristu . . . Sevamiririri vaKristu tinokumbira kuti: ‘Yananiswai naMwari.’” (2 VaKorinde 5:20) Nhume hadzipindiri mune zvematongerwo enyika uye zvemauto zvomunyika dzavanenge vari. Asi, dzinoramba dzisina kwadzinotsigira. Basa radzo nderokutaura dzichimiririra uye dzichitsigira hurumende dzadzo.
Izvozvo ndizvo zvakaitawo nhume uye vamiririri vechokwadi vaKristu. Vanoona Jesu saMambo uye vanotsigira Umambo hwake hwokudenga nokuzivisa mashoko akanaka norugare. (Mateu 24:14; Johani 18:36) Saka, Pauro akanyorera vaKristu vepanguva yake kuti: “Hatirwi maererano nezvatiri panyama. Nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvinosimbiswa naMwari kuti zviputse . . . kufunga nechinhu chose chakakwirira chinomutsirwa kupesana nokuziva Mwari.”—2 VaKorinde 10:3-5; VaEfeso 6:13-20.
Pauro paakanyora mashoko iwayo, vaKristu vakanga vachitambudzwa munyika dzakawanda. Chokwadi, vangadai vakatsiva. Asi, vakapfuurira kuda vavengi vavo uye kuudza vose vaizoteerera mashoko okuyanana. Encyclopedia of Religion and War inoti: “Vateveri vepakutanga vaJesu vakaramba zvehondo uye zvechiuto,” vachiziva kuti zvinhu izvozvo “zvaisaenderana nerudo rwaJesu uye murayiro wokuti munhu ade vavengi vake.”a
Kufanana nevaKristu vepakutanga, Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma Jesu saMambo wazvo. Zvinomuonawo saMambo weUmambo hwaMwari—hurumende yekudenga ichaunza rugare nokusingaperi uye ichaita kuti vanhu vagare vakachengeteka pasi pano. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10) Saka, senhume uye vamiririri, zvinozivisa kunaka kweUmambo ihwohwo. Uyewo, vanovavarira kuva vagari vakanaka vomunyika dzavanogara, vachibhadhara mitero uye vachiteerera mitemo painenge isingarwisani nemitemo yaMwari.—Mabasa 5:29; VaRoma 13:1, 7.
Asi, zvinosuruvarisa kuti kufanana nevaKristu vepakutanga, pane dzimwe nguva Zvapupu hazvinzwisiswe, zvinoreverwa nhema, uye zvinotambudzwa. Kunyange zvakadaro, havambotsivi. Pane kudaro, vanoedza kuva “norugare nevanhu vose,” vachitarisira kuti vamwe vanoshora ‘vangazoyananiswa naMwari’ vova netarisiro youpenyu husingaperi.b—VaRoma 12:18; Johani 17:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Encyclopedia of Religion and War inoti, “Vanyori vechiKristu vakararama Constantine [Mambo weRoma 306-337 C.E.] asati avapo, vose zvavo vakataura kuti kuuraya muhondo kwakaipa.” Kuchinja mafungiro kwakavapo apo vanhu vakaramba kunamata kwechokwadi pavakapararira sezvakanga zvafanotaurwa neBhaibheri.—Mabasa 20:29, 30; 1 Timoti 4:1.
b Kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, Zvapupu zvaJehovha zvinodzivirira zviri pamutemo rusununguko rwazvo rwokunamata pazvinenge zvichifanira kudaro.—Mabasa 25:11; VaFiripi 1:7.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
◼ VaKristu vanofanira kubata sei vavengi vavo?—Mateu 5:43-45; VaRoma 12:20, 21.
◼ Paaitambudzwa, Jesu akaita sei?—1 Petro 2:21, 23.
◼ Nei vaKristu vepakutanga vakaramba kuita zvehondo?—2 VaKorinde 5:20; 10:3-5.