RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 January pp. 18-21
  • Ndingataura sei nevabereki vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingataura sei nevabereki vangu?
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Uchitaura!
  • Ndingataura Sei Nevabereki Vangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinofanira Kutaura Nevabereki Vangu Sei?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Nei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbonakidzwa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 January pp. 18-21

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndingataura sei nevabereki vangu?

“Ndakaedza chaizvo kuudza vabereki vangu manzwiro andaiita, asi zvinhu hazvina kuita sezvandaitarisira—vakangondidimburira panzira. Ndaitofanira kutsunga chaizvo kuti nditaure, asi hapana chandakabura!”—Rosa.a

PAWAIVA muduku, zvichida waimhanyira kunotsvaka mazano kuvabereki vako. Waivaudza chero chii zvacho, chikuru kana chiduku. Waitaura zvawaifunga uye manzwiro ako wakasununguka, uye waivimba nemazano avo.

Asi iye zvino, ungafunga kuti vabereki vako havachakunzwisisi. Mumwe musikana anonzi Edie anoti: “Mamwe manheru tichidya, ndakatanga kuchema ndikadurura mwoyo wangu. Vabereki vangu vakateerera, asi vakaita sokuti havana kunzwisisa.” Zvakaguma nei? “Ndakaenda muimba yangu yokurara ndikawedzera kuchema!”

Dzimwe nguvawo, ungasarudza kurega kuudza vabereki vako. Mumwe mukomana anonzi Christopher anoti: “Ndinotaura nevabereki vangu zvinhu zvakawanda. Asi ndinofarira kuti pane dzimwe nguva havazivi zvose zvandinenge ndichifunga.”

Zvakaipa here kusataura zvimwe zvinhu zvaunenge uchifunga? Aiwa, chero usiri kungonyengera chete. (Zvirevo 3:32) Kunyange zvakadaro, hazvinei kuti vabereki vako vangave vachiita sokuti havasi kukunzwisisa kana kuti uchizeza kuvataurira, chinhu chimwe chete ndechechokwadi: Unofanira kutaura nevabereki vako, uye vanoda kunzwa zviri kuitika kwauri.

Ramba Uchitaura!

Kukurukurirana nevabareki vako kwakada kuti fananei nokutyaira motokari. Kana ukawana pakavharwa mugwagwa, haukandi mapfumo pasi; unongotsvaka imwe nzira. Funga nezvemimwe mienzaniso.

Chipingamupinyi #1: Unoda kutaura, asi vabereki vako vanoita sokuti havasi kuteerera. Mumwe musikana anonzi Leah, anoti: “Ndinozviona zvakaoma kuti ndikurukure nababa vangu. Dzimwe nguva ndinotaura navo kwekanguva vobva vazoti, ‘Ndine urombo, wanga uchitaura neni here?’”

MUBVUNZO: Kana Leah achinyatsoda kutaura dambudziko raanaro angaitei? Ane pfungwa dzinenge nhatu dzaangashandisa.

Pfungwa 1

Kuzhambira baba vake. Leah angazhambatata achiti: “Baba kani, zvinokosha! Teererai!”

Pfungwa 2

Kurega kutaura nababa vake. Leah angangorega kuedza kuudza vabereki vake matambudziko ake.

Pfungwa 3

Kumirira nguva yakanaka otaurazve nyaya yacho. Leah angataura nababa vake, kana kuti angatoita zvokunyora tsamba achitaura dambudziko rake.

Ipfungwa ipi yaunofunga kuti Leah anofanira kusarudza? ․․․․․

Ngationgororei pfungwa yega yega kuti tione kwaingangogumira. Pfungwa dzababa vaLeah dziri pane zvimwe zvinhu—saka havasi kuziva kushushikana kwaari kuita. Saka kana Leah akasarudza Pfungwa 1, vangasanzwisisa chiri kuita kuti azhambatate. Izvi zvichida hazvingaiti kuti baba vaLeah vagamuchire mashoko ake, uye zvaisazoratidza kuti anoremekedza uye anokudza vabereki vake. (VaEfeso 6:2) Saka, chokwadi kuzhambatata kungaita kuti zvinhu zvisamumirira zvakanaka.

Kunyange zvazvo Pfungwa 2 ingava chinhu chiri nyore chokuita, hairatidzi kuchenjera. Nei? Nokuti “pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri, asi pane vanhu vazhinji vanopa mazano pane zvinobudirira.” (Zvirevo 15:22) Kuti abudirire kukunda matambudziko ake, Leah anofanira kutaura nevabereki vake—uye kana vachizomubatsira, vanofanira kuziva zviri kuitika muupenyu hwake. Kurega kutaura hakunawo zvakunobatsira.

Asi Leah akashandisa Pfungwa 3, haazoregi chipingamupinyi chakafanana nemugwagwa wakavharwa chichiva panofira sarungano. Pane kudaro, anoedza kukurukura nyaya yacho pane imwe nguva. Uye kana akasarudza kuita zvokunyorera baba vake tsamba, Leah anganzwa zviri nani ipapo chaipo. Kunyora tsamba kungamubatsirawo kunyatsoronga zvaanenge achida kutaura baba vake vakateerera. Pavanoverenga tsamba yacho, baba vaLeah vachaziva zvaari kuedza kuvaudza, izvo zvingavabatsira kunyatsonzwisisa dambudziko rake. Saka, Pfungwa 3 inobatsira vose, Leah nababa vake.

Ndedzipi dzimwe pfungwa dzingashandiswa naLeah? Ona kana ungafunga imwe chete, woinyora pasi apa. Wadaro, nyora zvingangoguma zvaitika nokushandisa pfungwa iyoyo.

․․․․․

Chipingamupinyi #2: Vabereki vako vari kuda zvekutaura, asi iwe haudi. Mumwe musikana anonzi Sarah anoti: “Hapana chinhu chakaipa kupfuura kunayiwa nemibvunzo pashure pokunge waswera wakaomerwa nezvinhu kuchikoro. Ndinenge ndichida kukanganwa nezvechikoro, asi vabereki vangu vanobva vatanga kubvunza kuti: ‘Waswera sei? Pane matambudziko awasangana nawo here?’” Hapana mubvunzo kuti vabereki vaSarah vanobvunza mibvunzo yakadaro vaine vavariro dzakanaka. Kunyange zvakadaro, iye anochema-chema achiti, “Zvakaoma kutaura nezvechikoro pandinenge ndakaneta uye ndichinetseka.”

MUBVUNZO: Sarah angaitei mumamiriro aya ezvinhu? Kufanana nemuenzaniso wambotaurwa, ane pfungwa dzinenge nhatu dzaangashandisa.

Pfungwa 1

Kuramba kutaura. Angati: “Siyanai neni. Handisi kuda zvokutaura iye zvino!”

Pfungwa 2

Kutaura navo. Zvisinei nokuti ari kunetseka, Sarah angapindura mibvunzo yevabereki vake achiita zvokumanikidzira.

Pfungwa 3

Kumborega kutaura “zvechikoro” asi opfuurira kutaura nezvezvimwe zvinhu. Sarah angati vazotaura nezvechikoro pane imwe nguva, paanoziva kuti anenge ava kunzwa zviri nani. Achiratidza kunyatsoda kuziva, angabva ati, “Ndiudzei kuti mamboswera sei? Zvinhu zvange zvakadini?”

Ipfungwa ipi yaunofunga kuti Sarah anofanira kusarudza? ․․․․․

Zvakare, ngationgororei pfungwa yega yega kuti tione zvingangoguma zvaitika.

Asati asarudza Pfungwa 1, Sarah anonzwa achinetseka uye haadi zvekutaura. Asarudza pfungwa iyi, acharamba achinetseka, asi achanzwawo aine mhosva yekupopotera vabereki vake.—Zvirevo 29:11.

Panguva iyoyowo, vabereki vaSarah vangagumburwa nokupopota kwake—kana kuti nokusataudzana kunozovapo. Vangafungira kuti Sarah ane zvaari kuvanza. Vangatoedza chaizvo kuita kuti ataure, izvo zvichaita kuti iye anyanye kunetseka. Pakupedzisira, kushandisa pfungwa iyi kungaguma nokuita kuti zvinhu zvisamumirira zvakanaka.

Zviri pachena kuti Pfungwa 2 iri nani pane Pfungwa 1. Iri nani pakuti Sarah nevabereki vake vanenge vachitombokurukura. Asi zvavanenge vachikurukura zvazvinenge zvisingabvi pamwoyo, Sarah nevabereki vake vangasawana zvavanoda—kukurukurirana vakadekara, vasingavanzirani.

Asi kana Sarah akashandisa Pfungwa 3, anganzwa zviri nani nokuti nyaya ye“chikoro” inenge yambotsvetwa padivi. Vabereki vake vangaonga kuvavarira kwaari kuita kutaura navo, saka naivowo vangafara. Kushandisa pfungwa iyi kune mikana yakanyanya kunaka yokubudirira nokuti iye nevabereki vake vanenge vachishandisa zvinotaurwa pana VaFiripi 2:4, panoti: “Iva nehanya nezvinofarirwa nemumwe, kwete zvako chete.”—Today’s English Version.

Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti pawww.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

◼ Panyaya yokukurukurirana zvakanaka, kutsvaka nguva yakakodzera kunobatsira papi?—Zvirevo 25:11.

◼ Nei kutaura nevabereki vako kuri kufira zviripo?—Jobho 12:12.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]

KUSANZWISISANA HERE?

Une dambudziko rokukurukura nevabereki vako here? Zvichida vanofunga kuti zvauri kutaura handizvo zvauri kureva.

Paunoti . . .

“Handidi kutaura nezvazvo.”

Vabereki vako vangafunga kuti uri kuti . . .

“Ndichaudza shamwari dzangu zvandinofunga uye manzwiro andinoita ndakasununguka, imi hamunyanyi kukosha muupenyu hwangu kuti ndikuudzei zvandinofunga.”

Paunoti . . .

“Hamuzozvinzwisisi.”

Vabereki vako vangafunga kuti uri kuti . . .

“Machembera chaizvo uye muri vanamakei. Zviri kuitika muupenyu hwangu hamungambozvinzwisisi.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]

ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO

“Ndakaudza vabereki vangu nezvedambudziko randaiva naro kuchikoro, uye ndakashamisika nokunyatsoteerera kwavakaita. Ndakagadzirisa dambudziko racho zviri nyore norubatsiro rwavo!”—Natalie.

“Kukurukura nevabereki vako hakusi nyore nguva dzose, asi paunovaudza zvaunofunga, unonzwa sokuti mutoro wakakura wabva mupfungwa dzako.”—Devenye.

[Bhokisi riri papeji 21]

MASHOKO KUVABEREKI

Somubereki ane hanya, zvimwe unonetseka kana vana vako vachizviona zvakaoma kutaura newe. Funga zvikonzero zvakaudzwa Awake! nevamwe vechiduku zvinoita kuti varege kutaura nevabereki vavo. Zvadaro, zvibvunze mibvunzo iri pasi apa, woverenga magwaro akanyorwa ipapo.

“Ndinozviona zvakaoma kuti ndiende kunotaura naBaba nokuti vane zvakawanda zvokuita, kubasa uye muungano. Zvinoita sokuti hapana kana nguva yakakodzera yokutaura navo.”—Andrew.

‘Ndisingazvizivi, ndingave ndichiita kuti vana vangu vari kuyaruka vafunge kuti ndakabatikana chaizvo zvokusakwanisa kutaura navo here? Kana zvakadaro, ndingaita sei kuti zvinyanye kuvaitira nyore kutaura neni? Inguva ipi yandingagara ndichiisa parutivi kuti nditaure nevana vangu?’—Dheuteronomio 6:7.

“Ndakanoudza amai vangu ndichisvimha misodzi nezvekukakavadzana kwatakaita kuchikoro. Ndaida kuti vandinyaradze, asi vakangonditsiura. Kubvira ipapo, handina kuzombovaudza chero chii zvacho chinokosha.”—Kenji.

‘Ndinoita sei vana vangu pavanouya kuzondiudza matambudziko avo? Kunyange vachifanira kururamiswa, ndingadzidza here kumbomira ndoteerera ndichivanzwira tsitsi ndisati ndapa zano?’—Jakobho 1:19.

“Zvinoita sokuti pose apo vabereki vanoti vanogona kutaura nevana uye havazotsamwi, vanongozogumbuka. Vana vavo vari kuyaruka vanobva vaona sokuti vanyengedzwa.”—Rachel.

‘Kana mwana wangu akandiudza zvinogumbura, ndingazvidzora sei kuti ndisabva ndaratidza kuti ndagumbuka?’—Zvirevo 10:19.

“Kakawanda pandaiudza Amai nyaya dzaisafanira kumbozivikanwa nevamwe, vaibvapo votonoudza shamwari dzavo. Handina kuzovimba navo kwenguva refu.”—Chantelle.

‘Ndinoratidza kuva nehanya nemanzwiro anoita mwana wangu here nokusaudza vamwe zvinhu zvavasingafaniri kuziva zvaanenge andiudza?’—Zvirevo 25:9.

“Ndine zvakawanda chaizvo zvandinoda kutaura nevabereki vangu. Chandinongoda kuti vandibatsire kutanga kutaura nezvazvo.” —Courtney.

‘Ndingatanga ini here kutaura nemwana wangu achiri kuyaruka? Ndeipi nguva yakanyanya kunaka kuti tikurukure?’—Muparidzi 3:7.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Chinhu chinotadzisa kukurukurirana chakaita somugwagwa wakavharwa, hachifaniri kuva panofira sarungano; ungatsvaka imwe nzira yokutaura nevabereki vako!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe