RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 July pp. 30-32
  • Ndingaita Sei Kuti Vamwe Vandione Zvakanaka Pavanotanga Kundiona?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Vamwe Vandione Zvakanaka Pavanotanga Kundiona?
  • Mukai!—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1. Chitarisiko Chako
  • 2. Zvaunotaura
  • 3. Zvaunoita
  • Nei Vasikana Vasingandidi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndingapfekei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nei Ndichitya Kutaura Zvandinotenda Kuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 July pp. 30-32

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndingaita Sei Kuti Vamwe Vandione Zvakanaka Pavanotanga Kundiona?

“Bvunzurudzo iyi yebasa iri kufamba zvakanaka! Achazova bhosi wangu anofanira kunge ari kuzviona kuti handisi kutya; ndange ndichimushevedza nezita rake rokutanga kubva zvandapinda muno. Anotondipinza basa chete!”

“Iri ndiro here jaya riya rakaunza tsamba iya yakanaka yokutsvaga basa? Handingambomupi basa! Kana ariwo maitiro aanoita asati awana basa, ko kuzoti ariwana?”

Tarisa mufananidzo uye verenga mashoko ari pamusoro apo. Unogona here kunyora zvinhu zvitatu zvaita kuti munhu ari kutsvaka basa asaonekwe nenzira yakanaka?

  1. ․․․․․

  2. ․․․․․

  3. ․․․․․

Mhinduro dziri pasi apa

1. Zvakapfekwa nejaya iri hazvina kukodzera kupfekwa nemunhu ari kutsvaka basa. 2. Matauriro ake (kushevedza munhu anopinza basa nezita rake rokutanga) haaratidzi ruremekedzo. 3. Magariro aakaita uye zvaari kuita zvinoratidza kuti haana ruremekedzo.

CHIMBOFUNGIDZIRA uchiravidza kokutanga chokudya chausati wambodya. Zvingakutorera nguva yakareba sei kuti uzive kuti unochifarira? Zvimwe unozosara womedza kokutanga wava kutoziva kana uchizoda kuchidya zvakare​—kana kuti kupedzisa chinenge chasara.

Ndizvo zvinongoitikawo paunosangana nemumwe munhu kokutanga. Munguva pfupi unenge watova nezvaunofunga nezvemunhu iyeye. Uye ichi ndicho chokwadi: Panguva imwe chete iyoyo, munhu iyeye anenge atovawo nezvaanofunga nezvako.

Uri kutsvaga basa? shamwari? kana kuti munhu wokuroorana naye here? Kubudirira kwako kunoenderana nokuti pavanokuona vafungei nezvako. Ngatimbotarisei zvinhu zvitatu zvaungada kuvandudza pakugarisana nevamwe zvokuti paunobva pavari vanosara vachikuona zvakanaka.

1. Chitarisiko Chako

Zvingava zvakanaka kana kuti zvisina, maonerwo aunoitwa nevanhu pokutanga anogona kubva pane zvavanotanga kuona, chitarisiko chako. Vanhu pavanofunga nezvokuda kuonekwa zvakanaka kokutanga, kazhinji vanokanganwa nezvekugadzirisa chitarisiko chavo. Mukadzi wechiduku anonzi Clarissaa anoti, “Zvinoita sokuti mazuva ano paunoenda kuresitorendi, hauzivi kana vanhu vachizouya vakapfeka zvinoremekedzeka kana kuti vakapfeka hovhorosi!”

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

“Zvinokosha kuti usarudze nokuchenjera vaunoda kushamwaridzana navo. Ndinoziva kuti shamwari dzangu dzingachinja unhu hwangu sei, saka ndinoedza kusarudza shamwari dzinondikurudzira kuita zvakanaka.”

“Kuva neshamwari hakutemwi nekuti wakanaka sei kana kuti une mari yakawanda sei—zvinhu zvausingakwanisi kudzora iwe pachako—asi unhu hwakanaka ndihwo hunokosha. Unhu hwakanaka unokwanisa kuhudzora!”

Ichokwadi kuti zvaunopfeka zvinofanira kunge zvichienderana nezvinenge zvichiitwa panguva yacho. Somuenzaniso, paunenge uchienda kunobvunzurudzwa nezvebasa haungapfeki mbatya dzaunopfeka uchienda kumunda! Ko kana usina chokwadi kuti wopfeka zvakaita sei? Zvinokosha ndezvokuti uratidze kuti unofunga nokurega kupfeka zvokunyanyisa. Kana usina chokwadi, pfeka zvine chiremera.

YEUKA IZVI! Mapfekero ako uye chitarisiko chako, zvinogona kuratidza zvauri nechomukati kungofanana nemufananidzo weX-ray.

“Pandinoona vanhu vakapfeka zvouyanga panenge pakaungana vanhu, ndinoedza kuvanzvenga. Zvandinenge ndava kuziva nezvavo ndizvo zvinenge zvichiratidzwa nechitarisiko chavo, uye zvavanopfeka zvinonyatsoratidza zvavari.”—Diane.

Bhaibheri rinokurudzira kupfeka “nguo dzakagadzirwa zvakanaka” dzinoratidza kuti une “mwero nepfungwa dzakanaka.”—1 Timoti 2:9.

Zvibvunze kuti: ‘Zvandinopfeka zvinoratidza kuti zvakagadzirwa zvakanaka here, kana kuti ndine uyanga? Munhu angada kundipinza basa, kuva shamwari yangu, kana kuti kuroorana neni angati ndiri munhu asina “pfungwa dzakanaka” here nemhaka yemapfekero angu?’

Zvaungagona kuita: Wana mazano kubva kune munhu waunoremekedza nemhaka yemapfekero ake akanaka.

2. Zvaunotaura

Zvaunotaura zvinoratidza kuti uri munhu anozvininipisa here kana kuti anozvikudza, asingakurumidzi kugumbuka kana kuti anonetsa kugara naye. Gara uchiziva izvozvo kana uchida kuti uonekwe zvakanaka kokutanga nemusikana kana kuti nomukomana. Mumwe musikana anonzi Valerie anoti, “Zvinondishatirisa kana ndichitaura nemukomana anongoda kuramba achitaura nezvake chete.” Anoti zvakare, “Vamwewo vakomana vanobva vada kuziva zvese nezvako ipapo. Izvozvo hazvinakidzi uye zvinoita kuti musikana ade kuchinja nyaya.”

USANYANYISA KUZVIITA!

  • Taura ASI usabva washayisa mumwe mukana wokutaurawo

  • Bvunza mibvunzo ASI usabva wada kuziva zvisinei newe

  • Iva noushamwari ASI usatamba norudo

  • Iva nechivimbo ASI usazvikudza

YEUKA IZVI! Mashoko ako akaita sehwindo rinoratidza vamwe vanhu zvauri chaizvo—saka iva nechokwadi chokuti zvavachaona zvakanaka!

“Kana ndikasangana nemukomana, ndinofarira kuti ave zvaagara ari mazuva ose. Kuonana kokutanga kwamunoita kunokosha. Kana mukomana achizonyanyofunga kuti achatii, kazhinji zviri nani kuti abva arega kuzvitaura.”—Selena.

Bhaibheri rinoti: “Panowanzwa mashoko kutadza hakungashayikwi, asi munhu anodzora muromo wake, muchenjeri.”—Zvirevo 10:19, Bhaibheri Rinoyera.

Zvibvunze kuti: ‘Ndingava sei munhu ari pakati nepakati ndisinganyanyi kutaurisa kana kuti ndisina kunyararisa? Pamatauriro andinoita pane here zvingavhundutsa kana kuti kugumbura vamwe?’

Zvaungagona kuita: Cherechedza vaya vanogona kukurukurirana nevamwe. Unyanzvi hupi hwavanoshandisa kuti kukurukurirana kwacho kurambe kuchienderera mberi? Ungaitawo saizvozvo here?

3. Zvaunoita

Vamwe vanoti, zviito zvinotaura zvakawanda kupfuura mashoko. Somuenzaniso, kana uine unhu, zvaunoita zvinoratidza kuti unoremekedza vamwe. Ndicho chimwe chinhu chokugara uchifunga nezvacho kana wagadzirira kutsvaga wokuroorana naye. Mumwe musikana anonzi Carrie anoti, “Kuita zvinhu zviduku, zvakadai sokuramba wakabata dhoo rakavhurika, zvinoratidza kuremekedza. Zvizhinji zvacho ndiko kuremekedza kwatagara tichingoratidza.”

YEUKA IZVI! Zviito zvako zvakafanana nechikwangwani chokushambadza nacho chinoratidza zvauri nechomukati. (Zvirevo 20:11) Zviito zvako zvinoratidzei nezvako?

“Ndinofunga kuti zvinokosha kuva munhu anonyatsoteerera. Uyezve, zvinoratidza unhu hwakanaka kusagurira mumwe panzira paanenge achitaura, kunze kwokuti zvakakodzera.”—Natalia.

Bhaibheri rinoti: “Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.”—Ruka 6:31, Bhaibheri Dzvene.

Zvibvunze kuti: ‘Ndine unhu here? Ndinoratidza kuti ndinonyatsofarira vamwe here? Ndakavimbika here? Ndinobata nguva here?’

Zvaungagona kuita: Ronga kusvika pamunenge marangana kuzosangana pachine maminitsi anenge gumi nguva yacho isati yakwana kuitira kuti kana pakava nezvimwe zvipingamupinyi zvawanga usingatarisiri, unenge usina kunonoka. Usaita kuti utange nokuzivikanwa somunhu asingabati nguva!

Yambiro: Kuita kuti uonekwe zvakanaka hakurevi kuti unofanira kubva wavanza zvauri chaizvo, nokuti kana ukadaro unenge wava munyengeri. (Pisarema 26:4) Pane kudaro, sarudza unhu hwaunoda kuzivikanwa nahwo, woshandira kuti uve nounhu ihwohwo pachako wozoedza kuhuratidzirawo pane zvose zvaunoita. (VaKorose 3:9, 10) Paunenge uchiita kudaro yeuka kuti ndiwe unozvigadzirira mukurumbira wako. Kana ukangwarira chitarisiko chako, matauriro ako, uye zvaunoita, uchaita kuti vanhu pavanokuona kokutanga vakuone zvakanaka—uye vachagara vachikuona saizvozvo kwenguva refu!

Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti pawww.watchtower.org/ype

a Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

WADII KUBVUNZA VABEREKI VAKO?

Pamaive pazera rangu, zvii zvamakadzidza nezvokuita kuti muonekwe zvakanaka pamunosangana nemunhu kokutanga?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe