Kufarira Zvokurwisana
NYIKA yanhasi yakazara nokurwisana. Chokwadi ndechokuti kurwisana kwagara kuchibudiswa muzvinhu zvinovaraidza. Asi, “mumakore ano pane zvinhu zvachinja pakubudiswa kunoitwa kurwisana mumaTV nezvimwe zvinobudisa mashoko,” rinodaro sangano rinonzi Media Awareness Network. “Chimwe chacho ndechokuti kurwisana kwazara.” Uyewo “hapachisina chichavanzwa pakurwisana, vanhu vari kurwiswa vachimanikidzwa kuita zvebonde, uye kumwe ndekweutsinye hwakanyanya.” Funga izvi:
Mimhanzi: Nziyo dzine mashoko okurwisana dziri kuwedzera uye “dzava kugamuchirwa mune zvemimhanzi,” rinodaro sangano rataurwa pamusoro apa. Dzichishandisa mashoko akaora, dzimwe nziyo dzinokurudzira kuuraya uye kubata chibharo kunyange mudzimai wako kana kuti mai vako.
Mavideo Game: Magazini yokuBritain yevanhu vanonyanya kufarira mavideo game yakati: “Chinhu chinosuruvarisa ndechokuti mavideo game azere nokuurayana.” Yakawedzera kuti: “Kazhinji munhu anofarira mavideo game ndeuya anofarira zvokurwisana.” Somuenzaniso rimwe video game rinofarirwa nevakawanda rinotambwa richiratidza vakadzi vachirohwa nedanda kusvikira vafa. Vamwe vanoongorora nyaya idzi vanoti sezvo vana vari ivo vanenge vachidzvanya-dzvanya pamavideo game vachiita zvavanoda, mitambo yerudzi urwu ine simba kupfuura zvavanoona paTV.
Mafirimu: Ongororo dzinoratidza kuti kurwisana, zvebonde, uye mashoko akaora zvawedzera chaizvo mumafirimu, uye zera rinonyorwa kuti ndiro rinofanira kuona firimu racho harisisiri rechokwadi. Mumafirimu vanhu vanoekita vari vanhu vakaipa havasi ivo voga vanenge vachiita zvokurwisana. Inenge hafu yekurwisana kunobudiswa mumafirimu nemavhidhiyo enziyo kunotokonzerwa nevanhu vanoekita vari vanhu vakanaka, yakadaro imwe ongororo.
Nhau: “Nhau dzinoratidza kurwisana dzinofarirwa nevakawanda” uye ndizvo zvinoshandiswa nevanhu vanobudisa nhau. Nhau ibhizimisi rakakura, uye vanobudisa nhau vanoziva kuti zvokurwisana zvinofarirwa nevanhu uye kuwanda kunoita vanhu vanoona nhau kunoita kuti vanoshambadza vade kushambadza zvinhu zvavo, izvo zvinoita kuti vanobudisa zvirongwa zvepaTV vaite mari munyika dzakawanda.
Nzvimbo dzepaIndaneti: PaIndaneti pazere nemifananidzo inogadzirwa nemakombiyuta uye yevanhu chaivoivo vanenge vachitambudzwa, vachidamburwa nhengo dzemuviri, vachipondwa, uye vachiurayiwa. Vana vakawanda vanofarira kuenda panzvimbo dzakadaro.
Kurwisana Kunobudiswa pamaTV Nezvimwewo Kunogona Kukukanganisa Here?
Kurwisana kunobudiswa pamaTV, mafirimu, mabhuku, mimhanzi, uye mune zvimwe zvinovaraidza kunokanganisa vanhu here? Vaya vari kuita mari nokubudisa zvokurwisana muzvinhu izvi vanowanzoti zvinhu zvavanobudisa hazvikanganisi. Asi funga izvi: Kuti vanhu vemabhizimisi vabate pfungwa dzevanhu, vanobhadhara makutukutu emari kuti vashambadze zvinhu zvavo uye kazhinji kushambadza kwacho ndekwemasekondi 30. Kana zvinoshambadzwa kwemasekondi 30 zvichibata pfungwa dzevanhu, zvakadini nemafirimu akareba maminitsi 90 anobudisa vanhu vanenge vachiita zvounzenza uye vachirwisana, angatadza here kukanganisa pfungwa dzevanhu kunyanya vana?
Musiki wedu Jehovha Mwari, anoziva mashandiro anoita pfungwa dzevanhu kutipfuura. Zvii zvaanotaura pamusoro pokushamwaridzana nevanhu vanoda zvokurwisana, uye pfungwa iyoyo tinogona kuishandisa sei pane zvatinoona pamaTV nezvimwewo? Ona zvinotaurwa nendima idzi dziri muBhaibheri:
● “Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa, mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.”—Pisarema 11:5.
● “Usashamwaridzana nomunhu asingatani kutsamwa; uye usafambidzana nomunhu ane hasha kwazvo, kuti urege kudzidza nzira dzake woteyera mweya wako musungo.”—Zvirevo 22:24, 25.
Hatigoni kunzvenga zvinhu zvose zvinogona kutikanganisa. Asi tinogona kusarudza zvinotivaraidza uye vanhu vatinoda kushamwaridzana navo. Saka zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kuva munhu akaita sei?’ Chibva washamwaridzana nevanhu vakadaro, vane mararamiro uye zvinangwa zvaunoda kuva nazvo.—Zvirevo 13:20.
Vanhu vatinosarudza kushamwaridzana navo uye mhando dzezvinhu zvinovaraidza zvatinosarudza zvinogona kukanganisa mafungiro edu panyaya yokurwisana, asi pane zvimwewo zvinhu zvinogona kutikanganisa. Zvingava zvii izvozvo?
[Mufananidzo uri papeji 5]
Mhando dzezvinhu zvinovaraidza zvatinosarudza zvinogona kukanganisa mafungiro edu panyaya yokurwisana