RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 7/13 pp. 3-4
  • Kudzidzisa Mwana Kuti Akuteererei

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisa Mwana Kuti Akuteererei
  • Mukai!—2013
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • Kupa Mitemo Mwana Wenyu Ari Kuyaruka
    Mukai!—2013
  • Taura Nemwana Ari Kuyaruka—Musingaiti Nharo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kana Mwana Akaita Zvinhu Zvinoita Kuti Musamuvimba
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Betserai Wechiduku Wenyu Kubudirira
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—2013
g 7/13 pp. 3-4

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kudzidzisa Mwana Kuti Akuteererei

DAMBUDZIKO

Pamba penyu mutemo ndewokuti kana 9:00 dzemanheru dzachaya mafoni anofanira kudzimwa, asi kanokwana kaviri muvhiki imwe chete makabatikidza mwanasikana wenyu achitumira mameseji pakati pousiku. Mwanakomana wenyu makamuti anofanira kunge asvika pamba na10:00 dzemanheru asi usiku hwapfuura akanonoka zvekare achibva asvika 11:00 dzachaya.

Ichokwadi kuti mwana wenyu ane zvaanokanganisa. Asi zvakanaka kuti mutange maona kuti chii chiri kuita kuti asaita zvamunenge mamuudza. Zvakanakirei kuita izvi? Zvimwe muchaona kuti mhosva yaaita hazvirevi hazvo kuti haatombodi kukuteererai zvachose.

CHINOZVIKONZERA

Kusataura zvakajeka mitemo yenyu. Chimwe chinoita kuti vana vasateerera zvamunovaudza ndechokuti vanenge vachida kuona kuti munoita here zvamunenge mataura. Somuenzaniso, kana mubereki akaudza mwana kuti asaita chakati akangochiita vachamuranga, mwana anogona kusateerera zvataurwa nemubereki achida kuona kuti ichokwadi here kuti mubereki wake ndizvo zvaachaita. Vana vakadaro vanganzi vakaoma musoro here? Kwete hazvo. Chokwadi chiripo ndechokuti, kana mubereki akasapa chirango chaanenge ataura kana kuti mitemo yake isina kujeka, vana vanobva vaita zvavanoda.

Kuomesa zvinhu. Vamwe vabereki vanopa vana vavo mitemo isingaperi. Kana mwana akasateerera, mubereki anogumbuka obva atowedzera mimwe mitemo. Kazhinji kuita izvi kunotoita kuti zvinhu zviwedzere kuipa. “Pamunowedzera mitemo, mwana wenyu ndipo paanowedzerawo kuoma musoro,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Parent/Teen Breakthrough, uye rinowedzerawo kuti: “Kunyanya kuomesa zvinhu kwakafanana nokuedza kuzora dovi rakaoma pachingwa, chingwa chacho chinomwauka-mwauka, unotofanira kuzora zvishoma nezvishoma.”

Kurayira kwakanaka kunogona kubatsira. Kurayira hakungorevi kuranga. Chinangwa chokurayira ndechokudzidzisa mwana wenyu kwete kuda kumurwadzisa.

ZVAMUNGAITA

Jekesai mitemo yenyu. Vana vanoda kujekeserwa zvavanofanira kuita uye zvavasingafaniri kuita uyewo chirango chinozovapo kana vakasateerera.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaGaratiya 6:7.

Zvamungagona kuita: Nyorai pasi mitemo yenyu. Chizvibvunzai kuti: ‘Mitemo yangu yakawandisa here? Mitemo yangu yakanyanya kuita mishoma here? Pane imwe isingachadiwi here? Nokuteerera kuri kuita mwana wangu, ndinofanirawo here kuchinja zvimwe zvinhu pamitemo iyi?’

Musachinja-chinja zvamunenge mataura. Kana vana vakaita chimwe chinhu vorega kurangwa asi rimwe zuva voita chinhu chavakamboita vobva varangwa zvinoita kuti vatadze kuziva kuti saka mubereki chaanoda ndechipi.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Mateu 5:37.

Zvamungagona kuita: Edzai kumuranga zvinoenderana nokukanganisa kwaaita. Somuenzaniso kana mwana akatadza kusvika pamba nenguva dzamakawirirana munofanira kumuudza kuti nguva inotevera anofanira kukurumidza kusvika kutodarika nguva yaanga achifanira kusvika.

Ivai munhu anonzwisisa. Ratidzai kuti muri mubereki anonzwisisa nokupa mwana wenyu rusununguko zvichienderana nokuteerera kwaari kuita.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaFiripi 4:5.

Zvamungagona kuita: Garai pasi mokurukura mitemo yenyu nemwana wenyu. Munogona kumubvunzawo kuti iye anofunga kuti chirango chipi chaangapiwa kana akasaterera mitemo yacho. Kazhinji vana vanowanzoteerera kana vachinge vakabatanidzwawo pakugadza mitemo yacho.

Vakai mwana wenyu. Chinangwa chenyu hachisi chokungoti mwana ateerere mitemo asi kuti munoda kumubatsira kuti azova munhu anogona kuzoshandisa hana yake pakuita zvisarudzo zvakarurama. (Onai bhokisi rakanzi “Batsirai Mwana Wenyu Kuva Neunhu Hwakanaka.”)—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 Petro 3:16.

Zvamungagona kuita: Shandisai Bhaibheri kuti mumubatsire. Ndiro rine ‘kurayira kunopa njere,’ uye uchenjeri hurimo hunogona kupa ‘vasina mano njere uye kujaya kana kuti kumhandara mano okufunga.’—Zvirevo 1:1-4.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

  • “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.”—Mateu 5:37.

  • “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe.”—VaFiripi 4:5.

  • “Ivai nehana yakanaka.”—1 Petro 3:16.

BATSIRAI MWANA WENYU KUVA NEUNHU HWAKANAKA

Batsirai mwana wenyu kuti afunge nezveunhu hwaanoda kuzivikanwa nahwo. Vechiduku pavanosangana nedambudziko vanogona kudzidza kuita zvisarudzo zvakanaka kuburikidza nokuzvibvunza mibvunzo inotevera:

  • Ndinoda kuva munhu akaita sei?—VaKorose 3:10.

  • Munhu ane unhu hwakaita sohwaKristu aizoita sei kana akasangana nedambudziko rakaita seiri?—Zvirevo 10:1.

Bhaibheri rine mienzaniso yevarume nevakadzi vakanzi vaiva vanhu vakanaka kana kuti vakaipa zvichibva pazvisarudzo zvavakaita. (1 VaKorinde 10:11; Jakobho 5:10, 11) Shandisai mienzaniso iyi kuti mubatsire mwana wenyu kuti ave neunhu hwakanaka.

(Onai Mukai! yeChirungu yaOctober 2012)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe