RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/13 pp. 13-14
  • Mungaita Sei Kana Mwana Achishusha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mungaita Sei Kana Mwana Achishusha?
  • Mukai!—2013
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • ZVAMUNGAITA
  • Kudzidzisa Vana Kuti Vateerere
    Mukai!—2015
  • “Muchina Unoshamisa Kupfuura Yose”
    Mukai!—2011
  • Kuzvidzora
    Mukai!—2019
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—2013
g 9/13 pp. 13-14

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Mungaita Sei Kana Mwana Achishusha?

DAMBUDZIKO

Mwana wenyu ane makore maviri, paanogumbuka anotanga kuikwetsura mhere, achijamba-jamba achirasa-rasa zvinhu uye achikurovai. Munotanga kunetseka kuti: ‘Chii chiri kuitika kumwana wangu? Kushusha kwake asi inyaya yokuti pane chandakanganisa here? Zvichapera here?’

Unogona kubatsira mwana wako kuti achinje maitiro ake. Chokutanga chaunofanira kuziva ndechokuti nemhaka yei mwana wako achishusha.

CHINOZVIKONZERA

Vana vaduku havanyatsozivi zvokuita kana zvinhu zvisiri kuvafambira zvakanaka. Izvozvo zvinogona kukonzera kuti mwana ashushe. Asi hazvisi izvo zvoga.

Funga nezvekuchinja kunenge kuchiitika kumwana paanenge ari pazera iri. Kubvira musi waakazvarwa vabereki vake vaimuitira zvose zvaaida. Somuenzaniso, paaichema vabereki vaiuya vachimhanya. ‘Kuti mwana ari kurwara here? Ane nzara here? anoda kunyararidzwa here? anoda kuchinjwa napukeni here?’ Vabereki vaiita zvose zvaidiwa nemwana. Hapana chakanga chakaipa nokuzviita nokuti kumwana mucheche zvose zvaanoda anoitirwa nevabereki vake.

Mwana paanosvika makore maviri anotanga kuona kuti vabereki vake havachamuitiri zvose zvaanoda. Panzvimbo pokuti vabereki vamuitire zvaanoda, iye ndiye ava kufanira kuita zvinodiwa nevabereki. Masamba asiyana, uye mwana uyu anogona kusafadzwa nezviri kuitika obva atanga kushusha achida kuitirwa zvaanoda.

Nokufamba kwenguva mwana anotanga kuziva kuti vabereki varipo kuti vamudzidzise kwete kungomupa zvose zvaanoda. Chinofadza ndechokuti anotanga kuziva kuti semwana anofanira ‘kuteerera vabereki vake.’ (VaKorose 3:20) Panguva ino, mwana anogona kunetsa nenzira dzakasiyana-siyana achida kuona kuti vabereki vake vanoita sei.

ZVAMUNGAITA

Ivai munhu anonzwisisa. Mwana wenyu haasi munhu mukuru. Nemhaka yokuti haasati ava noruzivo muupenyu, kana zvisiri kumufambira zvakanaka anogona kugumbuka zvokuti nyangwe nemi munoshamisika. Edzai kuona zvinhu nemaonero ake.—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaKorinde 13:11.

Dzikamai. Mwana wenyu paanotanga kushusha, kana mukagumbuka hazvina zvazvinobatsira. Nepose pazvinogoneka, musanetseka nokushusha kwake, gadzirisai zvinhu makadzikama. Kuziva kuti sei mwana achishusha ndiko kuchakubatsirai kuti mudzikame.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 19:11.

Musachinja zvamunenge mataura. Kana mwana wenyu akatanga kuchema momupa zvaanoda, mangwana kana pane zvaanoda achakuchemerai. Makadzikama ratidzai kumwana wenyu kuti zvamataura ndizvozvo hazvichinji.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Mateu 5:37.

Kuziva kuti sei mwana achishusha ndiko kuchakubatsirai kuti mudzikame

Ivai nomwoyo murefu. Musatarisira kuti kunetsa kunoita mwana wenyu kuchakurumidza kupera kunyanya kana manga muchiti akangochemera chimwe chinhu motomupa. Kushusha kwemwana kuchaderera kana musingachinji-chinji zvamunenge mataura uye muchiita zvimwe zvataurwa pamusoro apa. Nokufamba kwenguva zvichapedzisira zvapera. Bhaibheri rinoti: “Rudo rune mwoyo murefu.”—1 VaKorinde 13:4.

Edzai zvinotevera:

  • Kana mwana wenyu akatanga kunetsa, achirasa-rasa zvinhu kana kuti achikurovai mubatei mumaoko (kana zvichiita) asi mochenjerera kumukuvadza. Musamupopotera. Mirirai kusvika adzikama. Nokufamba kwenguva anozotanga kuona kuti kushusha kwake hakuna zvakwabatsira.

  • Ivai nenzvimbo yokuti kana mwana wenyu akanetsa munomuisa imomo, yakadai semubhedhurumu. Muudzei kuti achazobuda imomo kana anyarara.

  • Kana mwana wenyu akatanga kunetsa pazere vanhu, ibvai naye ipapo. Musangoita zvaanoda muchinyara vanhu varipo. Izvozvo zvichaita kuti mwana wenyu azive kuti kuchema hakuna kwakunomusvitsa.

MAGWARO ANOKOSHA

  • “Ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana.”—1 VaKorinde 13:11, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

  • “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.”—Zvirevo 19:11.

  • “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.”—Mateu 5:37.

MUSACHINJA-CHINJA ZVAMATAURA!

“Ndinoseka nechemumwoyo pandinonzwa mubereki achiti mwana wake anonetsa kunyange akamutsiura. Izvi zvinondiratidza kuti mubereki wacho munhu akaita sei. Kazhinji kana mwana achishusha, iwe mubereki ndiwe usinganyatsotsiura zvakajeka. Chinoita kuti mwana arambe achinetsa inyaya yokuti hausi kumupa zvikonzero zvine musoro zvokuti asaita zvaari kuita.”—John Rosemond, New Parent Power!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe