RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g16 nha. 5 pp. 8-9
  • Kudzidzisa Mwana Wako Nyaya Dzepabonde

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisa Mwana Wako Nyaya Dzepabonde
  • Mukai!—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • ZVAUNOFANIRA KUZIVA
  • ZVAUNGAITA
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuzvibata
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vabereki Vangadzidzisa Sei Vana Vavo Nezvebonde?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—2016
g16 nha. 5 pp. 8-9
Amai vanotaura nemwana wavo vachiyanika hembe

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kudzidzisa Mwana Wako Nyaya Dzepabonde

DAMBUDZIKO

Mukomana ari kutarisa kuti owanepi mazano. Ari kutarisa Bhaibheri, bhuku, TV uye tablet

Kare vabereki ndivo vaiva vanhu vekutanga kuva nemukana wekutaura nevana vavo nyaya dzepabonde. Vaikwanisa kuvatsanangurira zvishoma nezvishoma, zvichienderana nezera ravo.

Iye zvino zvinhu zvachinja. Bhuku rinonzi The Lolita Effect rinoti, “Vana vari kuratidzwa zvinhu zvine chekuita nenyaya dzepabonde vachiri vadiki, uye zvinovavaraidza zviri kuramba zvichiwedzera kubudisa zvinhu zvepabonde.” Izvi zviri kubatsira vana here kana kuti zviri kuvakanganisa?

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Zvinonyadzisira zviri kwese kwese. Mubhuku rinonzi Talk to Me First, Deborah Roffman akati, “nyaya dzinotaurwa nevanhu, zvinoshambadzirwa, mafirimu, mabhuku, nziyo, mapurogiramu epaTV, mameseji, magemhu, mabhodhi ekushambadzira, uye mafoni nemakombiyuta zvizere nemapikicha, mashoko, uye chibhende zvine chekuita nezvepabonde zvekuti [vari kuyaruka, kunyange vana vadiki] vakawanda vanopedzisira vafunga kuti kuita zvepabonde . . . ndiko kunonyanya kukosha.”

Zvinhu zvinoshambadzirwa. Vanotengesa nevanoshambadzira vanokurudzira vechidiki kutenga hembe dzinokwezva, vachiitira kuti vanyanye kufunga nezvemiviri yavo. Bhuku rinonzi So Sexy So Soon rinoti, “Vanoshambadzira vanoziva zvinonyanya kudiwa nevechidiki, uye ndizvo zvavanobva vagadzira. Chavanoda ndechekuti zvinhu zvavo zvitengwe kwete kuti vana vaite zvepabonde.”

Kungova neruzivo hakuna kukwana. Pane musiyano pakati pekuziva mashandiro anoita mota uye kuva mutyairi akanaka. Saka kungoziva nezvenyaya dzepabonde kwakasiyana nekushandisa ruzivo rwacho pakusarudza zvinhu zvine musoro.

Chinonyanya kukosha: Mazuva ano, zvava kutonyanya kukosha kuti mubatsire vana kushandisa “simba ravo rokunzwisisa” kuti vakwanise “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”​—VaHebheru 5:14.

ZVAUNGAITA

Mudzidzisei.Zvingaita hazvo sezvinonyadzisa kutaura nevana venyu nyaya dzepabonde asi ibasa renyu kuvadzidzisa. Musanyara.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 22:6.

Taurai naye kwenguva pfupi. Pane kuti muve nezuva ramuchaswera muchitaura, munogona kutaura naye pamunenge muri vaviri henyu muchifamba kana kuti muchiita mabasa epamba. Kuti asununguke, itai kuti ataure zvaanofunga. Semuenzaniso, pane kumubvunza kuti, “Unofarirawo here izvi zviri kushambadzirwa?” munogona kuti, “Unofunga kuti nei vanoshambadzira vachishandisa mapikicha akadai?” Kana apindura, munogona kuzomuti, “Asi iwe unozviona sei?”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Dheuteronomio 6:6, 7.

Taurai zvinoenderana nezera rake. Vana vekukireshi vanogona kuudzwa mazita enhengo dzakavanzika uye zvavangaita kuti vasashungurudzwa panyaya dzepabonde. Pavanokura, munogona kuvaudza zvinoitika kuti pazova nemwana. Pavanosvika pazera rekuyaruka vanofanira kunge vava kuziva zvakati wandei nezvenyaya dzepabonde uye dzekuzvibata.

Muudzei zvamunoda nezvamusingadi. Tangai kumudzidzisa achiri mudiki kuti zvakanakirei kuva munhu akavimbika uye anoremekedza vamwe. Pamunozotaura nyaya dzepabonde, munenge mava nepekutangira. Muudzei zvamunoda nezvamusingadi. Semuenzaniso, kana muchiti kuita zvepabonde vanhu vasina kuroorana kwakaipa, muudzei. Uye mutsanangurirei kuti zvakaipirei. Bhuku rinonzi Beyond the Big Talk rinoti, “Kakawanda kacho vana vasingaiti zvepabonde ndevaya vanoziva kuti vabereki vavo havavabvumiri.”

Itai zvamunenge madzidzisa. Munoseka majee anonyadzisira here? Munopfeka zvinokwezva here? Munotamba sekunge munodanana nemunhu wamusina kuroorana naye here? Kuita izvi kunogona kuita kuti vana vasaita zvamunovadzidzisa.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaRoma 2:21.

Musataura muchiita sekuti bonde rakashata. Kuita zvepabonde vanhu varoorana kunoita kuti vafare nekuti chipo chinobva kuna Mwari. (Zvirevo 5:18, 19) Muudzei kuti kana akamirira achazonakidzwawo uye haazovi nematambudziko anoitika kuvanhu vanoita zvepabonde vasati varoorana.—1 Timoti 1:18, 19.

MAGWARO EKUYEUKA

  • “Rovedza mukomana [kana kuti mwana] maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.

  • ‘Unofanira kuroverera mirayiro yaMwari muvanakomana vako.’—Dheuteronomio 6:6, 7.

  • “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?”—VaRoma 2:21.

BASA REMUBEREKI

Vakawanda vanofunga kuti vana vanotevedzera zvinoitwa neshamwari dzavo asi kazhinji kacho vanotevedzera vabereki. “Kuti vana vazive mararamiro avanofanira kuita, vanowanzotanga nokutarisa zviri kuitwa nevanhu vakuru vari mumba mavo. Kana vakangoona sekuti hatisi kuvawanira nguva, vanobva vaenda kushamwari dzavo. . . . Zvakabuda muongororo dzakaitwa kwemakore akawanda hazvifaniri kunyanya kutishamisa: vana vanokura vachirayirwa nyaya dzakadai sedzepabonde vanokura vari vana kwavo, vachiita zvinhu zvine musoro, uye chinotonyanya kukosha, havaiti zvinhu zvinogona kuzovakanganisa muupenyu.”​—Talk to Me First.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe