RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 1 p. 16
  • Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2017
  • Mutsipa Wesvosve
    Mukai!—2016
  • Kuzvichenesa Kunoita Svosve
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Uchenjeri hwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 1 p. 16
Svosve rekuSahara rinonzi silver ant

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva

SVOSVE rekuSahara rinonzi Silver ant (Cataglyphis bombycina) rinoshingirira kupisa kwezuva. Zuva parinenge rava kugocha, mhuka dzinodya masvosve aya dzinoenda mumumvuri. Masvosve acho anobva abuda mumwena achinotsvaga zvekudya, zvakadai setupukanana tunenge twafa nezuva.

Mvere dzesvosve rinonzi silver ant dzinoribatsira kuti risanyanya kutsva nezuva

[50] μm

Chimbofunga izvi: Svosve iri harinyanyi kutsva nezuva nekuti rine tumvere tunopenya muviri wose, kunze kwepadumbu. Kamvere kamwe nekamwe kane shepi yetriangle. Divi repasi ndiro rakaserera, asi mamwe maviri akakwasharara. Izvi zvinobatsira svosve racho munzira mbiri. Chekutanga, kupenya kwetumvere utwu kunoita kuti risanyanya kutsva nezuva. Chechipiri, tumvere utwu tunobatsira kuti risanyanya kutsva nekudziya kunenge kuchibva pazvinhu zvinenge zviri mugwenga. Zvakaita dumbu resvosve iri zvinoita kuti risatsva nekupisa kunenge kuchibva mujecha.a

Mvere dzesvosve rinonzi silver ant dzine shepi yetriangle kana ukatarisa nemicroscope

[10] μm

Kana svosve iri rikapiswa zvekupfuura 53.6°C rinofa, saka mvere dzaro dzinoribatsira kuti tembiricha yaro isasvika ipapo. Pashure pekuongorora svosve iri, vatsvakurudzi vari kuedza kugadzira pendi inogona kuita kuti zvinhu zvirambe zvichitonhorera pasina zvinhu zvakadai semafeni.

Unofungei? Mvere dzesvosve rekuSahara Desert dzakangovapo dzega here kana kuti pane akadzigadzira?

a Svosve iri rinewo imwe mhando yemaproteins asingakurumidzi kutsva. Rinewo makumbo akareba anoita kuti dumbu risapiswa nejecha uye rimhanye nekukurumidza. Harikanganwi pane mwena waro uye rinokwanisa kudzoka nenzira dzekudimbudzira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe