RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 3 p. 16
  • Mvere dzeMbiti Yemugungwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mvere dzeMbiti Yemugungwa
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2017
  • Rurimi Rwekatsi
    Zvakangoitika Zvega Here?
Mukai!—2017
g17 nha. 3 p. 16
Mbiti yemugungwa

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mvere dzeMbiti Yemugungwa

MHUKA dzakawanda dzemumvura dzine mafuta akawanda anenge ari nechepasi peganda radzo anoita kuti dzirambe dzichidziyirwa. Mbiti yemugungwa haina mafuta iwayo asi mvere dzayo dzakawanda ndidzo dzinoita kuti idziyirwe.

Chimbofunga izvi: Mbiti yemugungwa ine mvere dzakawanda kupfuura dzimwe mhuka dzose. Pa1 cm2 yega yega yeganda rayo pane mvere dzinosvika 155 000. Mvere idzi dzinochengeta mhepo, zvoita kuti mvura inenge ichitonhora isasvika paganda rayo painenge ichifamba mumvura.

Vesainzi vanofunga kuti vanogona kugadzira zvimwe zvinhu vachitevedzera zvakaita mvere dzembiti. Vakagadzira majasi akasiyana-siyana ane mvere. Mamwe acho aiva nemvere dzakawanda, mamwe shoma, mamwe dzakareba, uye mamwe dzakapfupika. Vakaona kuti “kuwanda uye kureba kwemvere ndiko kunoita kuti dzisapinda mvura.” Saka uwandu hwemvere dzembiti ndihwo hunoita kuti idziyirwe.

Zvavakatsvakurudza izvozvo vanoti zvinogona kubatsira pakugadzira hembe dzisingapindi mvura. Vamwe vanoti kana vanhu vanopinda mumvura inotonhora vakapfeka hembe dzine mvere sedzembiti yemugungwa, zvinogona kuvabatsira kuti vasatonhorwa.

Unofungei? Mvere dzembiti yemugungwa dzakangoerekana dzavako here kana kuti dzakaita zvekusikwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe