Sumo
Mazuva ano, vanhu vakawanda vakabatikana zvekuti mhuri dzava kuparara uye hadzisisina kubatana.
Tingaita sei kuti tinyatsoshandisa nguva yedu zvakanaka?
Mumwe murume akachenjera akanyora kuti: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6.
Magazini iyi ine mazano anogona kutibatsira kuziva kuti zvinhu zvedu tingazvironga sei.