RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 4 pp. 10-11
  • Kana Vana Vabva Pamba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Vana Vabva Pamba
  • Mukai!—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DAMBUDZIKO
  • NEI ZVICHIITIKA?
  • ZVAMUNGAITA
  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvingaitwa Nevanhu Vechikuru Kuti Vasarambana
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Kuroorana Ngakukudzwe”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 4 pp. 10-11
Murume ari kuona TV, mukadzi achisona ari kwakewo ega

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | VAKAROORANA

Kana Vana Vabva Pamba

DAMBUDZIKO

Vabereki vanowanzoita dambudziko vana pavanokura, vobva pamba. Vana pavanenge vasisiri pamba, vabereki vanogona kusara vava kuita sevanhu vasingatombozivani. Mumwe chipangamazano anonzi M. Gary Neuman anoti, “Ndinopa mazano kuvanhu vakawanda vanenge vasisazivi kuti votanga seizve kuwirirana nevavakaroorana navo. Vana pavanenge vabva pamba, [vabereki] vanosara vasisina nyaya dzekutaura kana chekuita vari pamwe chete.”a

Izvozvo ndizvo zviri kuitika kwamuri here? Kana zvakadaro, munogona kuzvigadzirisa. Asi ngatimboonai zvimwe zvinhu zvinoita kuti vakaroorana vasawirirana kana vana vabva pamba.

NEI ZVICHIITIKA?

Vana ndivo vaikosheswa vachiri pamba. Vabereki vakawanda vanonyanyofunga zvinodiwa nevana vavo nekuti vanovada. Saka vanopedzisira vabatikana nekurera vana zvekuti vanoshaya nguva yekuva pamwe chete semurume nemudzimai uye vanozozviona vana pavanobva pamba. Mumwe mudzimai ane makore 59 anoti, “Vana pavakanga vachiripo, taiita zvinhu semhuri. Asi pavakangoenda, takanga tava kuita mazvake mazvake.” Pane imwe nguva akatomboudza murume wake kuti, “Kugara newe hakuchandinakidzi.”

Vamwe vakaroorana vanonetseka nekuchinja kunenge kwaita zvinhu. Bhuku rinonzi Empty Nesting rinoti, “Vakaroorana vakawanda vanobva vanzwa sekuti vachangobva kuroorana.” Vachiona sekuti havafariri kuita zvinhu zvakafanana, varume nevakadzi vakawanda vanopedzisira vava kuita sevanhu vakangogarisanawo zvavo, kwete sevakaroorana.

Chinofadza ndechekuti munogona kuita kuti izvi zvisaitika, motonakidzwa nekuva pamwe chete muri mega. Bhaibheri rine mazano anobatsira. Ngationei kuti ndeapi.

ZVAMUNGAITA

Bvumai kuti zvinhu zvachinja. Bhaibheri richitaura nezvevana vanenge vakura rinoti: “Murume achasiya baba vake naamai vake.” (Genesisi 2:24) Basa renyu sevabereki raiva rekudzidzisa vana venyu pavaikura, muchivabatsira kuti vazokwanisa kuzvimiririra. Kana mukafunga izvozvo, munogona kutonzwa kudada kuti makaita basa renyu zvakanaka panobva vana venyu pamba.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Mako 10:7.

Kana vana vabva pamba, hazvirevi kuti hamusisiri vabereki vavo. Munogona kuramba muchivapawo mazano. Izvi zvinoita kuti murambe muri pedyo navo asi muchiisa wamakaroorana naye pekutanga.b—Zvinotaurwa neBhaibheri: Mateu 19:6.

Udzanai zviri kukunetsai. Taura nemumwe wako zviri kukunetsa pakuchinja kwaita zvinhu uye teerera zviri kumunetsawo. Iva munhu ane mwoyo murefu uye anonzwisisa. Zvinogona kutora nguva kuti mutangezve kunyatsowirirana semurume nemudzimai, asi kunenge kuri kushandira zviripo.—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaKorinde 13:4.

Tsvagai zvinhu zvekuita muri pamwe chete. Taurai zvinhu zvinokunakidzai zvamunoda kuita mese. Mune ruzivo rwamakawana pakurera kwamaiita vana venyu. Saka munogona kurwushandisa kubatsirawo vamwe.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Jobho 12:12.

Simbisai rudo rwenyu. Funga nezvezvinhu zvakaita kuti ude mumwe wako. Mese muri vaviri, fungai nezvematambudziko amakambosangana nawo mukaakunda. Pakupedzisira, upenyu hwamava nahwo hunogona kukunakidzai. Munenge mava nemukana wekuita kuti wanano yenyu iwedzere kunakidza uye wekusimbisazve rudo rwakaita kuti muroorane.

a Mashoko aya atorwa mubhuku rinonzi Emotional Infidelity.

b Kana muchiri kurera vana, yeukai kuti muri “nyama imwe” newamakaroorana naye. (Mako 10:8) Vana vanonyanyonzwa vakachengeteka kana vachiona kuti vabereki vavo vanowirirana.

MAGWARO EKUYEUKA

  • “Murume achasiya baba vake naamai.”—Mako 10:7.

  • “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mateu 19:6.

  • “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.”—1 VaKorinde 13:4.

  • “Hapana here uchenjeri pakati pevakura?”—Jobho 12:12.

Salvatore naAurora

Salvatore naAurora

“Takaona kuti takanga tava nenguva yakawanda uye kuti taitofanira kuishandisa zvakanaka. Saka takafunga kubatsira mhuri dzine vana uyewo varume nevakadzi vachangoroorana. Tinonakidzwa nekubatsira vamwe uye kuvaudza zvakaitika kwatiri.”

Carlo naCaterina

Carlo naCaterina

“Zvakatitorera nguva kuti tibvume kuti upenyu hwedu hwachinja. Kwemakore, tainyanyotaura nezvevana vedu. Iye zvino, nekugara tichiita zvinhu tese, tava kutojaira kutaura nezvedu uye zvatinofarira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe