RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 4 p. 16
  • Ruvara Runopenya rweBlue rwePollia Berry

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ruvara Runopenya rweBlue rwePollia Berry
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2017
  • Kuongorora Ruvara Nemicheka Zvinotaurwa muBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Ruvara Runoita Kuti Uite Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Mukai!—2017
g17 nha. 4 p. 16
MaPollia berries

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ruvara Runopenya rweBlue rwePollia Berry

Pollia Berry muchero unowanika muAfrica unoberekwa nekamuti kanonzi Pollia condensata. Kunyange zvazvo usina muto weblue, muchero uyu ndiwo chete une ruvara rweblue runopenya kupfuura rwemimwe michero yese. Saka chii chinoita kuti uve neruvara runoyevedza kudaro?

Chimbofunga izvi: Mukati memasero eganda remuchero uyu, mune tutambo tunenge twakarongwa tuchiita zvekuturikidzana. Tutambo utwu hatusi tweblue. Asi ruvara urwu rwunenge ruchibva pamarongerwo anenge akaitwa tutambo twacho. Saka izvi ndizvo zvinoita kuti muchero wacho uve neruvara rwunopenya. Masero akawanda acho anenge achioneka sekuti ndeeblue. Asi kana ukatarisa maPollia berries aya uri pakasiyana-siyana, mamwe anenge aine ruvara rwegreen, pink kana kuti yellow, zvichienderana nekuti tutambo twawo twakawanda zvakadii. Uyewo kana ukatarisa michero iyi uri padhuze, mavara acho anenge asinganyatsooneki zvakanaka, kungofanana nekubuda kunoita mavara epikicha isiri kunyatsooneka pakombiyuta.

Sezvo maPollia berries asina muto, izvi zvinoita kuti ruvara rwawo rwusachinja kunyange paanenge adonha pasi. Mamwe maberries akatanhwa makore 100 adarika, achiri kungoita seatanhwa nhasi! Vamwe vatsvakurudzi vakataura kuti kunyange zvazvo maberries aya asingadyiwe uye achingova nemhodzi, kupenya kwaanoita kunoita kuti shiri dziuye padhuze dzichifunga kuti paita zvechikafu.

Masayendisiti anofunga kuti sezvo maPollia berries asina muto une ruvara, izvozvo zvinogona kuita kuti pazogadzirwa madhayi asingaperi ruvara uye mapepa asingaiti kufojera.

Unofungei? Ruvara rweblue runopenya rwemuchero wePollia berry rwakangoerekana rwavapo here kana kuti rwakaita zvekusikwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe