RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g19 nha. 2 pp. 6-7
  • Kuzvininipisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzvininipisa
  • Mukai!—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUZVININIPISA KUITA SEI?
  • NEI KUZVININIPISA KUCHIKOSHA?
  • MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU
  • Ratidza Kuzvininipisa Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kupfekerei Kuzvininipisa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Jehovha Anokoshesa Vashumiri Vake Vanozvininipisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kudzidzisa Vana Kuzvininipisa
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2019
g19 nha. 2 pp. 6-7
Mukomana ari kurasa marara mubhini

CHIDZIDZO 2

Kuzvininipisa

KUZVININIPISA KUITA SEI?

Vanhu vanozvininipisa vanoremekedza vamwe. Havazvikudzi, kana kutarisira kuti vamwe vavaone sevanhu vanokosha. Pane kudaro, munhu anozvininipisa ane hanya nevamwe uye anoda kudzidza kubva kwavari.

Vamwe vanofunga kuti munhu anozvininipisa akapusa. Asi chokwadi ndechekuti kuzvininipisa kunotobatsira munhu kuti azive paanenge akanganisa uye azive kuti pane zvaasingakwanisi kuita.

NEI KUZVININIPISA KUCHIKOSHA?

  • Kuzvininipisa kunoita kuti vanhu vawirirane. Bhuku rinonzi The Narcissism Epidemic rinoti: “Kazhinji vanhu vanozvininipisa havanetseki nekuwana shamwari.” Rinobva rawedzera kuti vanhu vakadaro “havanyanyi kuomerwa nekukurukura nevanhu vakasiyana-siyana.”

  • Kuzvininipisa kuchabatsira mwana wenyu mune ramangwana. Kudzidza kuzvininipisa kuchabatsira mwana wenyu iye zvino uye mune ramangwana, semuenzaniso, paanenge achitsvaga basa. Dr. Leonard Sax vakanyora kuti: “Wechidiki anozvionera pamusoro, asingabvumi kuti ane zvaasingakwanisi kuita, anogona kukundikana paanoenda kunotsvaga basa. Asi uya anoratidza kuti ari kunyatsoteerera zviri kutaurwa namaneja, anogona kupinzwa basa.”a

MADZIDZISIRO AMUNGAITA MWANA WENYU

Mubatsirei kuti asafunga kuti akakosha kupfuura vamwe.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kana munhu achifunga kuti iye chimwe chinhu asi iye asiri chinhu, ari kunyengera pfungwa dzake.”​—VaGaratiya 6:3.

  • Musataura zvinhu zvisingaitiki. Kutaura zvinhu zvakadai sekuti “Zvese zvaunoshuva uchazviwana” uye kuti “Hapana chinokona kwauri” kunogona kuita sekukurudzira, asi chokwadi ndechekuti zvimwe zvinhu hazviitiki muupenyu. Vana venyu vanogona kubudirira kana vakava nezvinangwa zvavanogona kuzadzisa uye vakashanda nesimba kuti vazvizadzise.

  • Murumbidzei paagona. Kungoudza mwana kuti, “Iwewe uri shasha!” hakumukurudziri kuzvininipisa. Muudzei pacho paagona.

  • Musamurega achinyanya kushandisa social media. Vanhu vanowanzozvikwidziridza pasocial media, vachishambadzira zvinhu zvavanogona uye kubudirira kwavari kuita. Izvi handizvo zvinoitwa nemunhu anozvininipisa.

  • Kurudzirai mwana wenyu kuti akurumidze kukumbira ruregerero. Batsirai mwana wenyu kuona pacho paakanganisa uye kubvuma mhosva yake.

Mukurudzirei kuonga.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ratidzai kuti munoonga.”​—VaKorose 3:15.

  • Kuonga Mwari nekusika kwaakaita zvinhu. Vana vanofanira kudzidza kuonga Mwari nekusika kwaakaita zvinhu zvese uye kuziva kuti tinoda zvinhu izvozvo kuti tirarame. Tinoda mhepo yekufema, mvura yekunwa, uye zvekudya. Shandisai mienzaniso iyi kuti vana venyu vaone kushamisa kwezvinhu zvakasikwa uye varatidze kuonga.

  • Kuonga zvinoitwa nevamwe. Batsirai mwana wenyu kuti asaitira shanje vaya vane unyanzvi hwekuita zvimwe zvinhu kumupfuura. Mubatsirei kuti aone kuti angadzidza sei kwavari.

  • Kuratidza kuti unoonga. Dzidzisai vana venyu kutenda zvavanenge vaitirwa. Vanofanira kuita izvozvo zvichibva pamwoyo kwete zvekungotaurawo. Kuva munhu anoonga kunotibatsira kuti tizvininipise.

Dzidzisai vana venyu zvakanakira kubatsira vamwe.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri, musingangofungi zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.”​—VaFiripi 2:3, 4.

  • Mwana wenyu anofanirawo kuita mabasa epamba. Kana mukaudza mwana wenyu kuti asaita mabasa epamba, zvakafanana nekumuti, ‘Unokosha chaizvo, haufaniri kuita mabasa akadai!’ Anofanira kuita mabasa epamba asati aenda kunotamba. Muratidzei kuti kuita izvozvo kunobatsira sei vamwe, uye kunoita sei kuti vamwe vamuonge nekumuremekedza.

  • Muratidzei kuti kubatsira vamwe kunoratidza kuti ane hanya navo. Kuita izvozvo kunenge kuchitomubatsira kukura mupfungwa. Saka kurudzirai mwana wenyu kuona kuti ndivanaani vanoda kubatsirwa. Taurai naye zvaangaita kuti avabatsire. Murumbidzei uye mutsigirei paanenge achibatsira vamwe.

a Kubva mubhuku rinonzi The Collapse of Parenting.

Mukomana ari kurasa marara mubhini

TANGAI IYE ZVINO KUMUDZIDZISA

Mwana anodzidza kuita mabasa epamba haazoomerwi nekushanda nevamwe paanenge akura

Itai Zvamunovadzidzisa

  • Ndinoita here kuti vana vangu vazive kuti pane pandinotodawo kubatsirwa nevamwe?

  • Ndinotaura zvakanaka nezvevamwe here kana kuti ndinovashora?

  • Vana vangu vanozviona here kuti ndinokoshesa kubatsira vamwe?

Zvatakaita . . .

“Mwanasikana wedu akatiudza kuti mumwe musikana waaidzidza naye aiva neutsinye zvekuti vamwe vaisamufarira. Ndakamuudza kuti afunge kuti musikana iyeye angangodaro aine matambudziko aari kusangana nawo kumba kwavo. Uyezve, marererwo anoitwa vanhu anosiyana. Izvozvo zvakabatsira mwana wedu kuti asazvitarisira pamusoro nekungoti iye akakurira mumhuri inomudzidzisa zvakanaka.”​—Karen.

“Takakurudzira vana vedu kuti vafarire zvavanodzidza uye vashande nesimba kuchikoro, asi vasingazvienzanisi nevamwe. Taida kuti vazive kuti isuwo hatizovaenzanisi nevamwe.”​—Marianna.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe