RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 3 p. 3
  • Rusarura Rwakakubatawo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rusarura Rwakakubatawo Here?
  • Mukai!—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Rusaruro—Dambudziko Riri Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Rusaruro Ruchapera Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Uri Nyajambwa Wekufungira Mano Akaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Panotangira Rusaruro
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 3 p. 3
Varume vaviri vari kufamba. Mumwe ari kuona mupfungwa dzake mumwe aine mumvura wakakura unotyisa.

Rusarura Rwakakubatawo Here?

Rusarura rwakafanana nechirwere chinokuvadza. Chinogona kukubata asi wotadza kuziva kuti unacho.

Vanhu vanogona kusarura vanhu vekune dzimwe nyika, vemumwe mutauro kana kuti verimwe dzinza. Asi hazvingogumiri ipapo, vanosarurawo vanhu vezvimwe zvitendero, vanotarisa kuti uyu munhurume here kana kuti munhukadzi, mupfumi here kana kuti murombo. Vamwe vanotarisira vamwe pasi nemhaka yezera ravo, dzidzo, chitarisiko, kana kuti urema hwavainahwo. Pavanenge vachiita izvi vanenge vachiona sekuti havana rusarura.

Iwe ungadarowo here wakabatwa nechirwere ichi? Zviri nyore kuona rusarura runoitwa nevamwe, asi zvakaoma kuti uzvione kuti une rusarura. Chokwadi ndechekuti tese pane patinombosarurawo. Mumwe chiremba anonzi David Williams akati: “Kana vanhu vachitarisira vanhu verumwe rudzi pasi, pavanozosangana nemumwe munhu werudzi irworwo, kazhinji kacho vanoita kakumusarura uye dzimwe nguva vasingatombozvioni.”

Semuenzaniso, mumwe murume anonzi Jovica, uyo anogara munyika mune rumwe rudzi runotarisirwa pasi anoti: “Ndaifunga kuti vanhu vese verudzi irworwo vaiva vanhu vakaipa. Handina kumbofunga kuti ndaiva nerusarura nekuti ndaiona sekuti vanhu vacho ndozvavari.”

Hurumende dzakawanda dzinoisa mitemo yekurwisa kuti pasave nerusarura. Asi rusarura harusi kupera. Nemhaka yei? Nekuti mitemo yavanogadza inongotaura zvisingafaniri kuitwa nevanhu. Haibatsiri vanhu kuchinja mafungiro avanoita, nekuti rusarura runotangira mupfungwa nemumwoyo. Izvi zvinoreva here kuti rusarura harufi rwakapera?

Nyaya dzinotevera dzichataura zvinhu 5 zvakabatsira vakawanda kuti vabvise rusarura mupfungwa uye mumwoyo mavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe