RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 3 pp. 6-7
  • Nzwira Vamwe Tsitsi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwira Vamwe Tsitsi
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Zvakanakira Kunzwira Vamwe Tsitsi
  • Zvaunogona Kuita
  • Tsitsi—Musimboti Womutsa Netsiye Nyoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Nzwira Vanhu Tsitsi
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mwari Ane Tsitsi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Kuwirirana Mumhuri Uye Neshamwari
    Mukai!—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 3 pp. 6-7
Varume vemarudzi akasiyana vagere vese mundege. Vari kuita nyaya vachifara.

Nzwira Vamwe Tsitsi

Dambudziko

Kana tikanyanya kuisa pfungwa dzedu pakusiyana kwatakaita nevamwe vanhu, tinogona kuona setiri nani kana tichizvienzanisa navo. Tinogona kupedzisira tava kutovatarisira pasi. Kana tava nemaonero aya asina kunaka, zvinogona kutiomera kuti tinzwire vamwe tsitsi. Kana tisinganzwiri vamwe tsitsi, zvinoratidza kuti tine dambudziko rakakura rerusarura.

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Farai nevanofara; chemai nevanochema.”—VAROMA 12:15.

Zvinorevei? Chazvinongoreva ndechekuti, nzwira vamwe tsitsi. Kunzwira mumwe munhu tsitsi zvinoreva kutora dambudziko rake woriita rako.

Zvakanakira Kunzwira Vamwe Tsitsi

Patinochema nemumwe munhu anenge ari mudambudziko, tinenge tichiratidza kuti takangofanana nemunhu iyeye. Nekuti mangwana tinogona kungowirwawo nedambudziko iroro. Kuratidza vamwe tsitsi kunotibatsira kuona kuti tese takangofanana pasinei nekwatinobva. Kana tikaisa pfungwa dzedu pakufanana kwatakaita navo, kashoma kuti tizovatarisira pasi.

Kunzwira vamwe tsitsi kuchaita kuti tivaremekedze. Anne-Marie wekuSenegal, aimbotarisira pasi vanhu verumwe rudzi. Kunzwira vamwe tsitsi kwakamubatsira. Anoti: “Pandakaona kutambura kwaiita vanhu ava, ndakazvibvunza kuti kudai ndiri ini ndaizonzwa sei. Izvi zvakaita kuti nditange kuona kuti hapana pandakanga ndakasiyana nevanhu ivavo.” Kana tikanzwisisa dambudziko remumwe munhu zvichaita kuti timunzwire tsitsi torega kumushora.

Zvaunogona Kuita

Edza kuona pamakafanana nevanhu vaunotarisira pasi. Semuenzaniso, edza kufunga kuti vanonzwa sei

Kunzwira vamwe tsitsi kunoita kuti tione kuti tese takangofanana

  • pavanenge vachidya nemhuri yavo

  • pavanenge vashanda nesimba zuva rese

  • pavanenge vaine shamwari dzavo

  • pavanenge vachiteerera nziyo dzavanofarira

Edza kutora dambudziko remumwe woriita rako. Zvibvunze kuti:

  • ‘Dai ndiri ini werudzi irworwo ndaizonzwa sei kana mumwe munhu akanditarisira pasi?’

  • ‘Ndaizonzwa sei kana vamwe vanhu vakandishora ivo vasati vatomboziva zvakawanda nezvangu?’

  • ‘Kudai ndaiva werudzi rwandinotarisira pasi ndaizoda kuti vamwe vandibate sei?’

Varume vaya vari kuratidzana mapikicha emhuri dzavo, emitambo yavanofarira uye emabasa avanoita.

Zvakaitika Kune Vamwe: Robert (Singapore)

“Kare ndaifunga kuti matsi vanhu vasinganzwisisiki, vasina kudzidza, uye vanongokurumidza kutsamwa. Saka ndaitambira kure navo. Ndaisaona sendine rusarura nekuti hapana wandairwadzisa.

“Kunzwira tsitsi vanhu vasinganzwi kwakaita kuti ndibvise rusarura rwandaiva narwo. Kare ndaivaona sevanhu vasina kudzidza nekuti pandaitaura navo vaingoramba vakanditarisa. Saka ndakaedza kufungidzira kuti ndaizonzwa sei kudai mumwe munhu aizotaura neni ndisiri kunzwa zvaari kutaura. Ndaizongorambawo ndakamutarisa!

“Kufungidzira manzwiro andaizoita dai ndaiva matsi kwakandibatsira kuti ndibvise rusarura.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe