RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 1 pp. 4-5
  • Mazano Anobatsira Kuti Mhuri Ifare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazano Anobatsira Kuti Mhuri Ifare
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Varume, Idai Madzimai Enyu
  • Madzimai, Remekedzai Varume Venyu
  • Iva Akavimbika Kune Mumwe Wako
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu
  • Vana, Teererai Vabereki Venyu
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Upenyu Hwemhuri Hunofadza Mwari
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 1
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 1 pp. 4-5
Mhuri iri pamusika.

Mazano Anobatsira Kuti Mhuri Ifare

Wanano uye vana zvipo zvinokosha zvinobva kuMusiki wedu. Anoda kuti mhuri dzifare. Saka akatipa mazano mubhuku dzvene rakanyorwa kare anotibatsira kuti mhuri dzedu dziwedzere kufara. Mamwe emazano acho ndeaya:

Varume, Idai Madzimai Enyu

“Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Murume anoda mudzimai wake anozvida, nekuti hapana murume akambovenga muviri wake, asi anoupa zvekudya uye anouchengeta.”—VAEFESO 5:28, 29.

Murume ndiye musoro wemba. (VaEfeso 5:23) Asi murume akanaka haabati mudzimai wake zveutsinye. Anokoshesa mudzimai wake uye anomupa zvaanoda pakurarama asingaiti zvinhu zvinoita kuti ashungurudzike. Anoedzawo kuita zvinoita kuti afare pane kungosimbirira pane zvaanoda iye. (VaFiripi 2:4) Anonyatsomuudza zviri pamwoyo pake uye anoteererawo zvinotaurwa nemudzimai wake. ‘Haashatirirwi’ mudzimai wake kana kumurova kana kumuudza magaramwoyo.—VaKorose 3:19.

Madzimai, Remekedzai Varume Venyu

‘Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.’—VAEFESO 5:33.

Kana mudzimai achiremekedza murume wake uye achimutsigira pane zvaanenge asarudza, anoita kuti mumba muve nerugare. Kana murume wake akakanganisa, haamushori asi anoramba ari munyoro achimuremekedza. (1 Petro 3:4) Kana aine zvaanoda kutaura nemurume wake, anonyatsotsvaga nguva yakanaka yekuti adaro, otaura naye achimuremekedza.—Muparidzi 3:7.

Iva Akavimbika Kune Mumwe Wako

“Murume . . . achanamatira kumudzimai wake, uye vachava nyama imwe.”—GENESISI 2:24.

Murume nemudzimai pavanoroorana, vanobva vava neushamwari hwepedyo. Saka vari muwanano vanofanira kushanda nesimba kuti vasimbise ushamwari ihwohwo nekugara vachitaurirana zviri pasi pemwoyo yavo uye kuitiranawo tunhu tunoratidza kuti vanodanana. Vanofanirawo kuratidza kuti vakavimbika nekusaita bonde nemumwe munhu wavasina kuroorana naye. Kuita gumbo mumba gumbo panze kunorwadzisa mumwe wako. Kunoita kuti asavimba newe uye imba inogona kutoparara.—VaHebheru 13:4.

Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu

“Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo; kunyange kana akwegura haazobvi mairi.”—ZVIREVO 22:6.

Mwari akapa vabereki basa rekudzidzisa vana vavo. Izvi zvinosanganisira kuvadzidzisa kuva neunhu, vachivaratidza muenzaniso wakanaka. (Dheuteronomi 6:6, 7) Kana mwana akaita musikanzwa, mubereki akachenjera haakurumidzi kuita hasha. ‘Anokurumidza kuteerera, ononoka kutaura, uye ononoka kutsamwa.’ (Jakobho 1:19) Kana mubereki akaona kuti mwana ari kuda kutsiurwa kana kurangwa, anozviita nerudo kwete akatsamwa.

Vana, Teererai Vabereki Venyu

“Vana, teererai vabereki venyu . . . ‘Kudza baba vako naamai vako.’”—VAEFESO 6:1, 2.

Vana vanofanira kuteerera vabereki vavo uye kuvaremekedza zvikuru. Kana vana vachikudza vabereki vavo, mumba munova nemufaro nerugare. Vana vanenge vakura vanoratidza kuti vanokudza vabereki vavo nekuva nechokwadi chekuti zvavanoda vazviwana. Izvi zvinosanganisira kuona kuti musha wavo wagara wakanaka kana kuvabatsirawo nemari.—1 Timoti 5:3, 4.

Ndava Murume Akanaka

“Nemhaka yemarererwo andakaitwa, ndaida kuti mudzimai wangu aite zvese zvandinenge ndataura. Asi ndakazodzidza kuti semusoro wemba, ndinofanirawo kuteerera zvinotaurwa nemudzimai wangu kwete kungoita zvakandinakira chete. Kuna Mwari tiri nyama imwe, saka ndinofanira kumubata semabatiro andinoita muviri wangu. Mazano aya andibatsira kuti ndive murume akanaka uye ndive nemhuri inofara.”—Rahul.

Rahul nemudzimai wake.

Dzidza zvimwe:

Kuti uwane mamwe mazano ezvaungaita kuti mhuri yako iwedzere kufara, enda pajw.org wotarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI>WANANO UYE MHURI.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe