RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 1 pp. 8-9
  • Zvaungaita Kuti Uve Munhu Anogutsikana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Uve Munhu Anogutsikana
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shanda Nesimba
  • Iva Munhu Akatendeseka
  • Usanyanya Kukoshesa Mari
  • Sarudza Dzidzo Inonyatsobatsira
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mari
    Mukai!—2014
  • Tinofanira Kuona Sei Mari Zvinoratidza Kuti Takachenjera?
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 1 pp. 8-9
Amai nemwana wavo vari kufamba mune rimwe guta kuIndia rizere nevanhu vanoda upenyu hwekushamisira, asi ivo vari kuratidza kuti havasi kutombobatikana nazvo.

Zvaungaita Kuti Uve Munhu Anogutsikana

Tingava tiri vakuru kana kuti vadiki, tese tinoda kufara uye kuva vanhu vanogutsikana. Ndizvo zvinodiwawo neMusiki wedu kuti tiite. Saka akatipawo mazano anonyatsoshanda.

Shanda Nesimba

“Ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechekupawo anoshayiwa.”—VAEFESO 4:28.

Musiki wedu anotikurudzira kuti tive vanhu vanofarira kushanda. Nemhaka yei? Munhu anoshanda nesimba anofara nekuti anokwanisa kuriritira mhuri yake. Anogonawo kutobatsira mumwe munhu anenge achitambura. Anofarirwawo nemunhu waanoshandira. Saka kashoma kuti munhu anoshanda nesimba adzingwe basa. Magwaro anoti zvinhu zvakanaka zvinobva pakushanda nesimba kunoita munhu, “chipo chaMwari.”—Muparidzi 3:13.

Iva Munhu Akatendeseka

“Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, sezvo tichida kuva akatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.”—VAHEBHERU 13:18.

Kana tiri vanhu vakatendeseka tinova nechiremerera, tinova nepfungwa dzakagadzikana, uye tinorara hope dzakanaka. Uyewo vamwe vachavimba nesu uye vachatiremekedza. Vanhu vasina kutendeseka havawani zvinhu zvese izvi, uyewo hana yavo inogona kugara ichivanetsa vachityira kuti zvinhu zvavari kuita zvinogona kuzobuda pachena.

Usanyanya Kukoshesa Mari

“Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo.”—VAHEBHERU 13:5.

Mari tinoida kuti titenge zvekudya nezvimwewo zvinhu zvinokosha. Asi “kuda mari” kunogona kutikanganisa. Kunoita kuti munhu ashandise nguva yake yakawanda nesimba rake achitsvaga imwe mari. Kuda mari zvakadai kunogona kukanganisa wanano yake, kumushayisa nguva yekuva nevana vake, uye kunyange kukanganisa utano hwake. (1 Timoti 6:9, 10) Uyewo munhu anoda mari anogona kupedzisira ava kuita zvinhu zvechitsotsi. Mumwe munyori akati: “Munhu akatendeka achawana makomborero akawanda, asi uya anomhanyirira kuda kupfuma haazorambi asina mhosva.”—Zvirevo 28:20.

Sarudza Dzidzo Inonyatsobatsira

“Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa.”—ZVIREVO 3:21.

Dzidzo yakanaka inotibatsira kuti tikure tiri vanhu vanovimbwa navo uye tova vabereki vakanaka. Asi dzidzo yatinowana kuchikoro haisiriyo inoita kuti munhu anyatsofara muupenyu. Kuti tinyatsobudirira pane zvese zvatinoita muupenyu, tinoda dzidzo yatinopiwa naMwari. Magwaro anotaura nezvemunhu anoteerera Mwari achiti: “Zvese zvaanoita zvichabudirira.”—Pisarema 1:1-3.

Ndinofara Uye Ndinogutsikana

“Kwandinogara, vanhu vakawanda vanoita makore nemakore vachidzidza kuti vawane pfuma nemukurumbira. Asi kunyange kana vakaita mari yacho kana kuti vakawana mukurumbira, kakawanda kacho havawani mufaro wechokwadi. Bhaibheri rakandibatsira kuti ndizive kuti ndechipi chinonyanya kukosha muupenyu. Ndakaona kuti mari inogona kutibatsira pane zvimwe zvinhu muupenyu, asi haikwanisi kutenga mufaro, kana rudo rwechokwadi. Ndinofara uye ndinogutsikana nekuti Bhaibheri rinondibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya yemari uye basa.”—Kishore.

Kishore.

Dzidza zvimwe:

Kuti uwane mamwe mazano kubva kuMusiki wedu panyaya yebasa, mari uye dzidzo, enda pajw.org wotarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > RUGARE UYE MUFARO.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe