RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 1 pp. 10-11
  • Nei Tichitambura, Tichichembera, Uye Tichifa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichitambura, Tichichembera, Uye Tichifa?
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tiri Kutambura Nemhaka Yezvakaitwa Nevabereki Vedu Vekutanga
  • Ngirozi Dzakaipa Dzinoitawo Kuti Titambure
  • Zvisarudzo Zvakaipa Zvatinoita, Zvinoitawo Kuti Titambure
  • Tiri Kutambura Nekuti Tiri “Mumazuva Ekupedzisira”
  • Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kutambura
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 1 pp. 10-11
Vanhu vari kutambura, vari kushaya zvekudya uye zvekurarama nazvo.

Nei Tichitambura, Tichichembera, Uye Tichifa?

Musiki wedu anotiona sevana vake. Haadi kuti titambure. Asi vanhu vakawanda mazuva ano vari kutambura. Nemhaka yei?

Tiri Kutambura Nemhaka Yezvakaitwa Nevabereki Vedu Vekutanga

“Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese.”—VAROMA 5:12.

Mwari paakasika vabereki vedu vekutanga, Adhamu naEvha, akavapa pfungwa nemiviri zvisina chivi. Akavapawo musha wakanaka panyika wainzi munda weEdheni. Akavaudza kuti vanogona kudya michero yemiti yese yavanoda kunze kwemuti mumwe chete. Asi Adhamu naEvha havana kuteerera zvavakaudzwa. Vakabva vadya muchero wavakanga varambidzwa vachibva vava nechivi. (Genesisi 2:15-17; 3:1-19) Nemhaka yekusateerera kwavakaita, Mwari akabva avadzinga mumunda weEdheni uye vakatanga kurarama upenyu hwakaoma. Nekufamba kwenguva, vakazobereka vana uyewo vana ivavo vakatangawo kutambura. Adhamu naEvha vakasvika pakuchembera vachibva vafa. Uye ndizvo zvinoitawo vana vavo. (Genesisi 3:23; 5:5) Iye zvino tinorwara, tinochembera, uye tinofa nemhaka yechivi chakaitwa nevabereki vedu vekutanga.

Ngirozi Dzakaipa Dzinoitawo Kuti Titambure

“Nyika yese iri musimba reakaipa.”—1 JOHANI 5:19.

‘Akaipa’ uyu ari kutaurwa ndiSatani. Satani ingirozi yakapandukira Mwari. (Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:9) Pava paya, dzimwe ngirozi dzakabatanawo naye pakupandukira Mwari uye dzinonzi madhimoni. Ngirozi idzi dzakaipa dzinoshandisa simba radzo kunyengera vanhu uye kuvabvisa pana Mwari. (Pisarema 106:35-38; 1 Timoti 4:1) Satani nemadhimoni ake vanonakidzwa nekuona vanhu vachitambura.

Zvisarudzo Zvakaipa Zvatinoita, Zvinoitawo Kuti Titambure

“Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VAGARATIYA 6:7.

Tese tinotambura nenzira dzakasiyana-siyana zvichikonzerwa nechivi chatakaberekwa tiinacho uye nyika yakaipa yaSatani yatiri kurarama mairi. Asi pamwe pacho vanhu ndivo vanoita kuti upenyu hwavo huwedzere kuoma. Sei? Pavanoita zvinhu zvakaipa kana kuti pavanotadza kuita zvisarudzo zvakanaka, zvinhu zvakaipa zvinobva zvaitikawo kwavari. Asi kana vakaita zvinhu zvakanaka, zvinhu zvinovafambirawo zvakanaka. Semuenzaniso, kana baba vachishanda nesimba, vakatendeseka, uye vachida mhuri yavo zvinhu zvichavafambira zvakanaka uye mhuri yavo ichagara ichifara. Asi kana vachiita zvekubheja, vachinwa doro zvakanyanya, uye vasingadi kushanda, zvichaita kuti mhuri yavo itambure. Saka kuteerera zvatinoudzwa neMusiki wedu kunotibatsira. Anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka uye tive ‘nerugare rukuru.’—Pisarema 119:165.

Tiri Kutambura Nekuti Tiri “Mumazuva Ekupedzisira”

“Mumazuva ekupedzisira . . . , vanhu vachava vanozvida, vanoda mari,. . . vasingateereri vabereki, . . . vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka.”—2 TIMOTI 3:1-5.

Zvataurwa mumavhesi aya, ndizvo zvatiri kuona zvichiitika mumazuva ano. Zviri kuitwa nevanhu zvinonyatsoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira.” Bhaibheri rakagara rataurawo kuti mumazuva ano ekupedzisira maizova nehondo, nzara, kudengenyeka kwenyika, uye zvirwere. (Mateu 24:3, 7, 8; Ruka 21:10, 11) Zvese izvi zvinokonzera kuti vanhu vatambure uye vafe.

Iye Zvino Handichanyanyi Kunetseka

“Ndakaremara zvekutadza kufamba ndiine makore 19, ndichibva ndaudzwa kuti urema hwangu huri kukonzerwa nezvinhu zvakaipa zvandakaita ndisati ndaberekwa. Izvi zvakaita kuti ndinetseke uye ndiore mwoyo. Vamwe vakandiudzawo kuti Mwari ndiye anoita kuti titambure. Zvaindiomera kuda Mwari nekuti ndaimuona semunhu ane utsinye. Ndakazodzidza Bhaibheri ndikaona kuti Musiki wedu anotida, asi Satani ndiye anonyanya kuita kuti titambure. Ndakadzidzawo kuti Mwari ava pedyo kuparadza Satani uye kubvisa matambudziko ese atiri kusangana nawo. Iye zvino Mwari ndava kumuda uye handichanyanyi kunetseka.”—Sanjay.

Sanjay.

Dzidza zvimwe:

Kuti unzwe zvimwe nezvekutambura uye mazano angatibatsira kuti titsungirire, enda pajw.org wotarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA > KUTAMBURA.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe