RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 2 pp. 10-12
  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Wanano Yako?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Wanano Yako?
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVAUNOFANIRA KUZIVA
  • ZVAUNOGONA KUITA
  • Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Zvamungaita Kuti Basa Riperere Kubasa
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Ivai Nenguva Yakawanda Muri Pamwe Chete
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Zvingaitwa Nevanhu Vechikuru Kuti Vasarambana
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 2 pp. 10-12
Murume ari panhandare yendege ari kutaura pafoni nemudzimai wake ari kumba.

Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Wanano Yako?

Mafoni anogona kubatsira vakaroorana. Semuenzaniso, vanogona kuashandisa kutaura vese muswere wezuva pavanenge vasiri vese. Izvi zvinoita kuti wanano yavo iwedzere kusimba.

Asi vamwe vanotadza kuashandisa zvakanaka. Izvi zvinopedzisira zvaita kuti . . .

  • vashaye nguva yekuva pamwe chete.

  • vaite zvinhu zvekubasa pavanenge vari kumba.

  • vasavimbana.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Murume nemudzimai vari pamafoni avo vari mumagumbeze pakati peusiku.

NGUVA

Mumwe murume anonzi Michael anoti: “Dzimwe nguva pandinenge ndiine mudzimai wangu, zvakangofanana nekuti ndiri ndega. Anenge angori pafoni pake uye anowanzoti, ‘Ufunge nhasi wese handina kumbowana mukana wekutarisa mameseji angu.’ ” Mumwe murume anonzi Jonathan akati: “Murume nemudzimai vanogona kunge vari mumba mumwe chete asi mupfungwa, mumwe nemumwe anenge ari kwake.”

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Zvinomboitika here kuti unopindura mameseji kana kuita zvimwe zvinhu pafoni yako panguva yaunofanira kunge uine mumwe wako muchitandara?—VAEFESO 5:33.

BASA

Nemhaka yemabasa avo, vamwe vanhu vanofanira kudaira mafoni avo kunyange usiku kana kuti pavanenge vari pamba. Vamwe vanhu havana mabasa akadaro, asi vanongoramba vachiita zvinhu zvekubasa pavanenge vari kumba. Mumwe murume anonzi Lee akati: “Zvinondiomera kuti ndirege kutarisa mameseji ane chekuita nebasa patinenge tichitandara nemudzimai wangu.” Mumwe mudzimai anonzi Joy akati: “Ndinoshandira pamba, saka ndikasangwarira ndinogona kuramba ndichingoshanda.”

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Unonyatsoteerera here mumwe wako paanenge achitaura newe?—RUKA 8:18.

KUVIMBIKA

Imwe ongororo yakaratidza kuti vanhu vakawanda vari muwanano vanonetsana nemhaka yezvinenge zvakaiswa nemumwe wavo pasocial media. Paongororo iyoyo, vanhu 10 pa100 vega vega vakabvuma kuti vane zvimwe zvinhu zvavakaisa pasocial media zvavasingadi kuti mumwe wavo azive nezvazvo.

Ndosaka vanhu vakawanda vachifunga kuti social media inogona kukanganisa wanano uye kuti inoita kuti zvive nyore kuti vari muwanano vaite upombwe. Magweta chaiwo ari kutotaura kuti social media iri kuita kuti vanhu vakawanda varambane.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Pane mumwe munhu waunotaura naye pasocial media asi usingadi kuti wawakaroorana naye azive here?—ZVIREVO 4:23.

ZVAUNOGONA KUITA

ZIVA ZVINONYANYA KUKOSHA

Kana munhu akarega kudya haazovi neutano hwakanaka. Ndizvowo zvinoitika kana munhu akasava nenguva yekutandara newaakaroorana naye. Vanogona kupedzisira vasisawirirane.—VaEfeso 5:28, 29.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHIERI: ‘Ivai nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’—VAFIRIPI 1:10.

Pazvinhu zviri pasi apa, kurukurai kuti ndezvipi zvamungada kushandisa uye nyoraiwo pasi zvimwe zvamunofunga kuti zvinogona kukubatsirai kuti mafoni asakanganisa wanano yenyu.

  • Idyai mese kunyange kamwe chete pazuva

  • Ivai nenguva dzamunombosiya mafoni enyu

  • Rongai nguva yekumbova mega mungori vaviri

  • Dzimai mafoni kana kuaisa kure pamunenge makarara

  • Zuva rega rega rongai kuva nemaminitsi 15 ekuti mungokurukura musina mafoni enyu

  • Ivai nenguva yamunoti kana ikakwana hamuendi paIndaneti kana pasocial media

ZVAMUNOFANIRA KUKURUKURA SEMURUME NEMUDZIMAI

Mumwe nemumwe wenyu ngaaverenge mibvunzo iri pasi apa ofunga nezvayo, mozokurukura mhinduro dzacho.

  • Mungashandisa sei mafoni kusimbisa wanano yenyu?

  • Mafoni ari kukanganisa zvakadii wanano yenyu?

  • Zvii zvamunogona kuita kuti mafoni asakanganisa wanano yenyu?

  • Zvinokuomera here kusaita zvinhu zvebasa paunenge uri kumba? Mumwe wako anobvumirana nezvawataura here?

  • Ungaratidza sei kuti uri munhu anonzwisisa panyaya yenguva yaunotarisira kuti mumwe wako ave newe?

    ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.”—1 VAKORINDE 10:24.

Jason naAlexandra.

“Ndinoshandira pamba, saka ndine nguva yandakaronga kuti ndiyo yandinopedza basa. Ndinewo nguva yandakaronga kuti foni yangu isandiratidza maemail anenge apinda kuitira kuti ndikwanise kuishandisa kuita zvinhu zvakadai sekutarisa nguva asi ndisingavhiringidzwi nezvinhu zvebasa.”​—JASON, NEMUDZIMAI WAKE ALEXANDRA.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe