RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 3 pp. 10-13
  • Zvinotaurwa neBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvisingataurwi neBhaibheri
  • Mwari Akatanga Riini Kusika Denga Nenyika?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Sayenzi Inopikisa Nhoroondo Iri Muna Genesisi Here?
    Mukai!—2006
  • Genesisi 1:1—“Pakutanga Mwari Akasika Denga Nenyika”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Upenyu Hwakatanga Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 3 pp. 10-13

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Iyi inhoroondo yedenga nenyika pazvakasikwa.” (Genesisi 2:4) Izvi ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuti nyika yakabva kupi. Zvinotaurwa neBhaibheri zvinoenderana nezvinotaurwa nenyanzvi dzesainzi here? Ona mienzaniso inotevera.

Pakutanga: Denga nenyika zvinosikwa

Zvinhu zviri muchadenga zvagara zvingoriko here?

Genesisi 1:1 inoti: “Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.”

Makore ekuma1950 asati asvika, nyanzvi dzesainzi dzakawanda dzakakurumbira dzaifunga kuti zvinhu zviri muchadenga zvakangogara zviripo. Asi nemhaka yeongororo dzichangobva kuitwa, nyanzvi dzakawanda dzesainzi dzava kubvuma kuti zvinhu zvakawanda zviri muchadenga zvine pazvakatangira.

Nyika yakanga yakaita sei pakutanga?

Genesisi 1:2, 9 inoti pakutanga nyika yakanga “isina kugadzirwa, isina chinhu” yakazara mvura.

Nyanzvi dzesainzi dzinobvumirana nemashoko iwayo. Imwe nyanzvi yesainzi inonzi Patrick Shih inoongorora zvinhu zvipenyu, inoti nyika yedu yakatanga “isina kana mhepo yatinofema yeoxygen . . . uye yakanga isina chinhu.” Bhuku rinonzi Astronomy rinoti: “Ongororo dziri kuitwa mazuva ano dziri kuratidza kuti nyika yakatanga yakazara mvura, uye pakaoma pakanga pari padikidiki.”

Mhepo yakapoteredza nyika yakachinja sei nekufamba kwenguva?

Genesisi 1:3-5 inoratidza kuti pakutanga mhepo yanga yakapoteredza nyika, yakanga yakakora zvekuti kudai munhu aiva panyika aizotadza kuona kuti chiedza chiri kubva kupi. Zvakatora nguva kuti zuva nemwedzi zvioneke panyika.—Genesisi 1:14-18.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvese zvipenyu zviri panyika zvakasikwa mumazuva 6 ane maawa 24

Nyanzvi dzesainzi dzekuSmithsonian Environmental Research Center dzinoti pakutanga mhepo yakapoteredza nyika yakanga yakakora zvekuti chiedza chishomanana ndicho chaisvika panyika. Dzinoti: “Pakutanga nyika yanga yakaita kuputirwa negasi rinonzi methane. Nekufamba kwenguva, gasi iri rakaita richipera denga richibva raita blue.”

Chii chakatanga kuvapo panyika?

1​—Zuva Rekutanga: Chiedza chishoma chinosvika panyika.—Genesisi 1:3-5

2​—Zuva Rechipiri: Nyika yakazara mvura uye yakaputirwa nemhute. Mvura nemhute zvinobva zvaparadzaniswa.—Genesisi 1:6-8

3​—Zuva Rechitatu: Mvura haisisina kuzara nyika yese, nyika yakaoma yava kuoneka.—Genesisi 1:9-13

4​—Zuva Rechina: Zuva nemwedzi zvava kukwanisa kuoneka panyika.—Genesisi 1:14-19

5​—Zuva Rechishanu: Mwari anosika zvisikwa zvemumvura nezvinobhururuka zvichikwanisa kuberekana maererano nemarudzi azvo.—Genesisi 1:20-23

6​—Zuva Rechitanhatu: Mhuka dzakakura uye diki dzepanyika, dzinosikwa. Zuva racho rinopera nekusikwa kwemurume nemukadzi vekutanga.—Genesisi 1:24-31

Genesisi 1:20-27 inoti hove ndidzo dzakatanga kuvapo, pachibva pazova neshiri, mhuka dzepanyika, vanhu vachibva vazopedzisira. Nyanzvi dzesainzi dzinoti hove ndidzo dzakatanga kuvapo pasati pava nemhuka dzepanyika uye vanhu.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvipenyu hazvikwanisi kuchinja nekufamba kunenge kuchiita nguva

“Tsanangudzo yekusikwa kwezvinhu inotaurwa muna Genesisi chitsauko 1 ipfupi, asi zvinoshamisa chaizvo kuti inoenderana nezvakaonekwa nenyanzvi dzesainzi mazuva ano.”—Gerald L. Schroeder, nyanzvi yesainzi.

Zvisingataurwi neBhaibheri

Vamwe vanhu vanoti zvinotaurwa muBhaibheri hazvipindirani nezvakawanikwa nenyanzvi dzesainzi. Asi mafungiro iwayo anokonzerwa nekuti vanhu havanyatsonzwisisi zvinotaurwa neBhaibheri.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zviri muchadenga kana kuti nyika zvava nemakore 6 000 zviripo. Rinongotaura kuti nyika uye zvinhu zviri muchadenga zvakasikwa “pakutanga.” (Genesisi 1:1) Haritauri kuti izvozvo zvakaitika riini.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvese zvipenyu zviri panyika zvakasikwa mumazuva 6 ane maawa 24. MuBhaibheri shoko rekuti “zuva” rinogona kureva nguva yakareba zvakasiyana-siyana. Semuenzaniso, rinodana nguva yese yakatorwa pakusika nyika nezvinhu zviri pairi richiti “zuva rakaitwa denga nenyika naJehovhaa Mwari.” (Genesisi 2:4) Zuva iroro rinosanganisirawo mazuva 6 ekusika anotaurwa muchitsauko 1 chaGenesisi. Saka zuva rimwe nerimwe remazuva 6 ekusika rakashandiswa naMwari kugadzira nyika kuti iraramike uye kusika zvinhu zvese zvipenyu zviri pairi rinogona kunge rakareba chaizvo.

Bhaibheri haritauri kuti zvinhu zvipenyu hazvikwanisi kuchinja nekufamba kunenge kuchiita nguva. Bhuku raGenesisi rinotaura kuti mhuka dzakasikwa “maererano nemarudzi adzo.” (Genesisi 1:24, 25) Shoko rekuti “marudzi” riri muBhaibheri harisi shoko resainzi, asi rinogona kunge richireva mhando dzakasiyana-siyana dzechinhu cherudzi rumwe chete. Tichitarisa zvinoreva shoko iri, mhando dzakasiyana-siyana dzechinhu cherudzi rumwe chete, dzinogara munzvimbo imwe chete, dzinogona kuramba dzichiwanda uye dzichichinja nekufamba kunenge kuchiita nguva.

Unofungei?

Sezvataurwa pamusoro apa, Bhaibheri rakatsanangura zvakarurama uye zvakajeka kuti nyika yanga yakaita sei pakutanga, uye matangiro akaita upenyu nezvinhu zviri muchadenga. Haufungiwo here kuti Bhaibheri rinotiudzawo chokwadi nezvekuti ndiani akasika zvinhu izvozvo? Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti: “Pfungwa yekuti pane mumwe munhu ane simba rinopfuura revanhu akaita kuti upenyu huvepo inobvumirana nezvinodzidziswa nesainzi.”b

Funga izvi:

Verenga Genesisi 1:1–2:4. Zvinodzidziswa neBhaibheri nezvekusikwa kwezvinhu zvakasiyana chaizvo nezvaitaurwa kare. Semuenzaniso, vaBhabhironi vaitenda kuti, zvinhu zviri muchadenga uye vanhu, zvakagadzirwa nemutumbi wemumwe mwarikadzi uye ropa remumwe mwari. VaIjipiti vaiti mwari anonzi Ra akasika vanhu achishandisa misodzi. KuChina, vamwe vanhu vaifunga kuti mutumbi wemumwe munhu anga akakura ainzi Pangu ndiwo wakabuda zvimwe zvinhu zvakazoumba nyika uye kuti zvipembenene zvakabuda mumuviri make ndizvo zvakazova vanhu. Zviri pachena kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvekusikwa kwezvinhu zvakasiyana chaizvo nengano idzi. Zvarinotaura zvinoenderana nezvinotaurwa nesainzi.

Ona vhidhiyo yemaminitsi 4 inonzi, Denga Nenyika Zvakasikwa Here? Unogona kuiwana pawebsite inonzi jw.org.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

b Encyclopædia Britannica haitsigiri pfungwa yekuti zvinhu zvakaita zvekusikwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe