RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g22 nha. 1 pp. 4-6
  • 1 | Chengetedza Utano Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 | Chengetedza Utano Hwako
  • Mukai!—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • Zvaunofanira Kuziva
  • Zvaunogona Kuita Iye Zvino
  • Zvaungaita Kuti Uve Noutano
    Mukai!—2015
  • Zvaungaita Kana Wava Kunyanya Kurwara
    Dzimwe Nyaya
  • Kudzivirira Kwaungaita Utano Hwako
    Mukai!—1999
  • Chengeta Kutenda Kwako Noutano Hwomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Mukai!—2022
g22 nha. 1 pp. 4-6
Zvekudya zvine utano zviri patafura.

NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO

1 | Chengetedza Utano Hwako

NEI ZVICHIKOSHA?

Matambudziko atinosangana nawo anogona kukanganisa utano hwedu munzira dzakasiyana-siyana.

  • Matambudziko anoita kuti vanhu vashungurudzike uye kana vanhu vakashungurudzika kwenguva yakareba vanopedzisira varwara.

  • Kupararira kunoita zvirwere kunoita kuti vanoshanda muzvipatara vawandirwe uyewo mishonga nezvimwe zvekushandisa zviite zvishoma.

  • Mamwewo matambudziko anoita kuti vanhu vasare vasina mari yakakwana yekutenga zvekudya zvine utano uyewo kuenda kuchipatara.

Zvaunofanira Kuziva

  • Kurwara zvakanyanya uye kushungurudzika kunogona kuita kuti utadze kuita zvisarudzo zvakanaka, wopedzisira usisachengetedzi utano hwako. Izvi zvinoita kuti utowedzera kurwara.

  • Kana munhu akasarapwa, anotowedzera kurwara uye anogona kutopedzisira afa.

  • Kana uine utano hwakanaka iye zvino, zvichakubatsira kuzoita zvisarudzo zvakanaka paunosangana nematambudziko.

  • Pasinei nekuti une mari here kana kuti unoshayiwa, une zvaunogona kuita kuti uchengetedze utano hwako.

Zvaunogona Kuita Iye Zvino

Pese pazvinenge zvichiita, munhu akangwara anofunga nezvenjodzi dzinogona kuitika, obva atora matanho ekudzivisa njodzi dzacho. Izvi zvinogonawo kushanda panyaya dzeutano. Kana munhu akaita kuti pamba pake pagare pakachena, kakawanda kacho haazonyanyi kubatwa nezvirwere uye kana kuri kuti abatwa nacho haazonyanyi kurwara. Kugara wazvidzivirira kuri nani pane kuda kuzoenda kuchipatara.

“Kugara takachena uye pamba pedu pakachena kunoita kuti tichengetedze mari yataizoshandisa kuenda kwachiremba uye kutenga mishonga.”—Andreas.a

a Mamwe mazita ari mumagazini ino akachinjwa.

ZVAUNGAITA KUTI UZVICHENGETEDZE​—Mazano Anobatsira

Panoitika matambudziko, chengetedza utano hwako nekuita zvinhu izvi

IVA NEUTSANANA

Murume ari kugeza maoko nemvura nesipo.

Iva neutsanana

Bhaibheri rinoti: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda.” (Zvirevo 22:3) Gara waona zvinhu zvinogona kukanganisa utano hwako, wozvidzivisa.

  • Gara uchigeza maoko nesipo nemvura kunyanya usati wabata zvekudya kana kuti wabva kuchimbuzi.

  • Pamba ngapagare pakachena uye gara uchishandisa mishonga inouraya utachiona kupukuta zvinhu uye nzvimbo dzinogara dzichibatwa nevanhu.

  • Pese pazvinenge zvichiita, usava pedyo nemunhu ane chirwere chinotapukira.

IDYA ZVEKUDYA ZVINE UTANO

Zvekudya zvine utano zviri patafura.

Idya zvekudya zvine utano

Bhaibheri rinoti: “Hapana [munhu] akambovenga muviri wake, asi anoupa zvekudya uye anouchengeta.” (VaEfeso 5:29) Tinoratidza kuti tinoda miviri yedu nekungwarira zvinhu zvatinodya kana kuti zvatinonwa.

  • Inwa mvura yakawanda.

  • Idya michero nemiriwo zvakasiyana-siyana.

  • Usanyanya kudya zvinhu zvine mafuta, zvine munyu wakawanda uye zvinonyanya kutapira.

  • Usaputa, usanwisa kana kuita zvemadhiragi.

“Kuti tisarwara-rwara tinoedza kudya zvekudya zvine utano uye zvinoitawo kuti kamari kedu katinowana kasaperera kuchipatara. Tinoona zviri nani kushandisa mari yedu kutenga zvekudya zvine utano pane kuti izoenda kumishonga.”—Carlos.

ITA MAEKISESAIZI UYE ZORORA ZVAKAKWANA

Murume ari kumhanya.

Ita maekisesaizi

Bhaibheri rinoti: “Zviri nani kumboti zororei pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri uchidzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Tinofanira kushanda asi tinofanira kuvawo nenguva yekuzorora.

  • Gara uchiita maekisesaizi. Unogona kutanga nekumbopota uchifamba. Kunyange kana wachembera, wakaremara, kana kuti uchigara uchirwara, kuita maekisesaizi kunogona kuvandudza utano hwako.

  • Mukadzi akarara masikati.

    Zorora zvakakwana

    Wana nguva yakakwana yekuzorora. Kana munhu akasawana nguva yakakwana yekurara anogona kupedzisira ava kushungurudzika uye ava kuomerwa nekuisa pfungwa pane zvaanenge achiita. Kana akaita nguva yakareba asingawani nguva yakakwana yekurara, anogona kutopedzisira ava kurwara.

  • Ronga kuti ucharara nguvai uye kana nguva iyoyo yakwana ibva waenda kunorara. Edza kuti usachinja-chinja nguva dzaunorara uye dzaunomuka.

  • Usaona TV kana kushandisa foni paunenge uri mumagumbeze uchida kurara.

  • Kana wava kunorara usanwa zvinhu zvine caffeine, kana kunwa doro kana kudya zvinhu zvakawanda.

“Ndinoona kuti kurara kune zvakunoita pautano hwangu. Kana ndikasawana nguva yakakwana yekurara, dzimwe nguva ndinotemwa nemusoro uye muviri wangu wese unorwadza. Asi kana ndikanyatsorara ndinonzwa ndiine simba rekuita zvese zvandinenge ndichida kuita uye handinyanyi kurwara-rwara.”—Justin.

Chikamu chevhidhiyo inonzi “Kupararira Kwezvirwere—Zvii Zvaungaita?” Mukadzi ari kuvhura dhoo remba yake kuti utachiona hupinde.

DZIDZA ZVIMWE. Ona vhidhiyo inonzi Kupararira Kwezvirwere—Zvii Zvaungaita? Uyewo verenga nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Uve Noutano.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe