RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g22 nha. 1 pp. 7-9
  • 2 | Chengetedza Zvinhu Zvako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 | Chengetedza Zvinhu Zvako
  • Mukai!—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • Zvaunofanira Kuziva
  • Zvaunogona Kuita Iye Zvino
  • Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma
    Dzimwe Nyaya
  • Nzira Yokuramba Nayo Usina Chikwereti
    Mukai!—1997
  • Shandisa Mari Yako Zvakanaka
    Mukai!—2025
  • Kushandisa Mari Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2022
g22 nha. 1 pp. 7-9
Munhu anoveza ari kuroverera chipikiri papuranga.

NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO

2 | Chengetedza Zvinhu Zvako

NEI ZVICHIKOSHA?

Vanhu vakawanda vari kutamburira kuti vawane chekurarama nacho. Zvinosuwisa kuti matambudziko ari munyika ari kutoita kuti zviwedzere kuomera vanhu kuwana chekurarama nacho. Nei tichidaro?

  • Matambudziko anoitika munyika anowanzokonzera kukwira kwemitengo yezvekudya uyewo marendi edzimba.

  • Mamwe matambudziko anoita kuti vanhu vashaye mabasa kana kuti vatambiriswe mari shoma.

  • Njodzi dzinoparadza mabhizinesi evanhu, dzimba dzavo uyewo zvimwe zvinhu zvavanenge vainazvo, uye izvozvo zvinopedzisira zvaita kuti vakawanda vasare vava varombo.

Zvaunofanira Kuziva

  • Kana munhu akashandisa mari yake zvakanaka, hazvizonyanyi kumuomera kana pakauya dambudziko.

  • Yeuka kuti zvinhu zvauinazvo, mari yaunotambira kana yawakachengeta zvinogona kungoderera ukoshi.

  • Pane zvimwe zvinhu zvisingagoni kutengwa nemari zvakadai semufaro uye kuwirirana nevamwe vemumhuri.

Zvaunogona Kuita Iye Zvino

Bhaibheri rinoti: “Kana tiine zvekudya nezvekupfeka, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8.

Kana tichigutsikana, tichafara kana tikawana zvinhu zvinokosha zvatinoda kuti tirarame. Zvinokosha kuti tigutsikane kunyanya kana tisina mari yakawanda.

Kuti uve munhu anogutsikana, unenge uchitofanira kudzidza kushandisa mari shoma. Kana ukashandisa mari yakawanda kupfuura yaunowana, zvinhu zvichatowedzera kukuomera.

ZVAUNGAITA KUTI UZVICHENGETEDZE​—Mazano Anobatsira

Panoitika matambudziko, chengetedza zvinhu zvako nekuita zvinhu izvi

DEREDZA ZVINHU ZVAUNOTENGA

  • Mukadzi wechikuru ari kukohwa kerotsi mugadheni.

    Deredza zvinhu zvaunotenga

    Usashandisa mari kutenga zvinhu zvisingakoshi zvausiri kunyanya kuda panguva yacho. Zvibvunze kuti: ‘Handikwanisi kurarama ndisina mota here? Ndinokwanisa kurima gadheni here?’

  • Usati watenga chimwe chinhu, zvibvunze kuti: ‘Chinhu ichi chinokosha here? Ndine mari yacho here?’

  • Kana zvichiita, kumbira kubatsirwa nehurumende kana nemamwe masangano anobatsira vanhu.

“Takagara pasi semhuri tichibva tanyatsotarisa mashandisiro ataiita mari. Takaronga kushandisa mari shoma pazvinhu zvekuzvivaraidza nazvo. Takatangawo kutenga zvekudya zvisingadhuri.”—Gift.

RONGA KUTI UCHASHANDISA SEI MARI YAKO

Mukadzi ari kunyora pasi kuti zvinhu zvaatenga zvinoita marii.

Ronga kuti uchashandisa sei mari yako

Bhaibheri rinoti: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire, asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.” (Zvirevo 21:5) Kuronga kuti uchashandisa sei mari yako kunokubatsira kuti usashandisa mari yakawanda kupfuura yaunowana.

  • Chekutanga, nyora pasi mari yaunowana pamwedzi.

  • Chechipiri, nyora zvinhu zvaunoda pamwedzi wonyorawo kuti zvinoita marii.

  • Chechitatu, enzanisa mari yaunowana nemari yauchada kutenga zvinhu zvese zvawanyora. Kana ukaona kuti mari yako haisi kukwana, bvisa zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha.

“Mwedzi wega wega, tinonyora pasi mari yatichawana uyewo zvinhu zvatinoda. Tinochengeta mari yekuzotenga zvimwe zvinhu zvinokosha uyewo yekuzoshandisa kana pakangoerekana paitika chimwe chinhu. Kuita izvi kunoita kuti tisanyanya kunetseka nekuti tinenge tichitoziva kuti tichashandisa sei mari yedu.”—Carlos.

USAPINDA MUZVIKWERETI / CHENGETEDZA MARI

  • Amai vari kubatsira mwanasikana wavo kuisa mari mugaba.

    Usapinda muzvikwereti / chengetedza mari

    Kana uine chikwereti, ronga kuti uchachibhadhara sei. Kana zvichiita, dzivisa kutora chikwereti. Kana uine chauri kuda kutenga gara uchichengeta mari kusvikira yakwana.

  • Mwedzi nemwedzi gara uchichengeta mari yekuzoshandisa pane zvimwe zvinhu zvauchada kana kuti zviya zvinongoerekana zvamuka.

SHANDA NESIMBA / CHENGETEDZA BASA RAKO

Bhaibheri rinoti: “Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira.”—Zvirevo 14:23.

  • Munhu anoveza ari kuroverera chipikiri papuranga.

    Shanda nesimba / chengetedza basa rako

    Iva nemaonero akanaka nezvebasa raunoita. Kunyange kana risiri iro rawaida, yeuka kuti basa rauri kuita riri kukuwanisa chekurarama nacho.

  • Shanda nesimba uye iva munhu anovimbwa naye. Kuita izvi kunogona kukubatsira kuti urambe uri pabasa, asi kana kuri kuti warasikirwa nebasa rako zvichakuitirawo nyore kuti uwane rimwe.

“Ndinobvuma mabasa andinenge ndawana, kunyange kana risiri iro randinoda kana kuti ndisiri kuzotambiriswa mari yandinenge ndichida. Ndinoshanda nesimba ndichinyatsoita basa rangu nemazvo sekunge kuti zvinhu zvandiri kushanda ndezvangu.”—Dmitriy.

Kana uri kutsvaga basa . . .

  • Usangogara uchimirira kuti uchariwana. Enda unobvunza kumakambani akasiyana-siyana kunyange vasina kutaura kuti vari kuda munhu webasa. Udza hama neshamwari kuti uri kutsvaga basa.

  • Usaomerera pane zvaunenge uchida. Kashoma kuti uwane basa rine zvese zvaunoda.

Vabereki vari kuronga kuti vachashandisa sei mari yavo. Vana vavo vari kutamba panze.

DZIDZA ZVIMWE. Verenga nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Urarame Kana Uine Mari Shoma.” Tsvaga nyaya yacho pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe