RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g22 nha. 1 pp. 10-12
  • 3 | Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 3 | Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe
  • Mukai!—2022
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA?
  • Zvaunofanira Kuziva
  • Zvaunogona Kuita Iye Zvino
  • Shamwari Dzakanaka—Shamwari Dzakaipa
    Mukai!—2004
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kugutsa Chido Chedu Chokuva Neshamwari
    Mukai!—2004
  • Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2022
g22 nha. 1 pp. 10-12
Murume nemudzimai vechikuru vachinyemwerera vakambundirana.

NYIKA YAZARA NEMATAMBUDZIKO

3 | Simbisa Ushamwari Hwako Nevamwe

NEI ZVICHIKOSHA?

Kuwedzera kuri kuita matambudziko munyika kuri kuita kuti vakawanda vapedzisire vasisina ushamwari hwakasimba nevamwe.

  • Vamwe vanopedzisira vasingachatauri neshamwari dzavo.

  • Varume nemadzimai mudzimba vanopedzisira vasisawirirani.

  • Vabereki vanopedzisira vasisina hanya nezviri kusangana nevana vavo.

Zvaunofanira Kuziva

  • Kuva neshamwari kwakanaka nekuti kunotibatsira kuti tive neutano hwakanaka uye kuti tisanyanya kunetseka zvinhu pazvinooma.

  • Kunetseka nezviri kuitika munyika kunogona kukonzera matambudziko amanga musingambofungiri mumhuri.

  • Nhau dzezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika dzinogona kuvhiringidza vana venyu kupfuura zvamungafungira.

Zvaunogona Kuita Iye Zvino

Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Shamwari dzinogona kutibatsira uye kutipa mazano akanaka. Kungoziva kuti pane mumwe munhu anokuda uye ane hanya newe kunogona kukubatsira kutsungirira matambudziko auri kusangana nawo.

ZVAUNGAITA KUTI UZVICHENGETEDZE​—Mazano Anobatsira

Panoitika matambudziko, simbisa ushamwari hwako nevamwe nekuita zvinhu izvi

SIMBISA WANANO YAKO

Murume nemudzimai vechikuru vachinyemwerera vakambundirana.

Simbisa wanano yako

Bhaibheri rinoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete . . . Nekuti kana mumwe akawa, mumwe wacho anobatsira mumwe wake kusimuka.” (Muparidzi 4:9, 10) Murume nemudzimai vanofanira kuita zvinhu zvavo pamwe chete, kwete kudhonzerana.

  • Kana uine zviri kukunetsa, usapedzera shungu pane mumwe wako. Edza kuva nemwoyo murefu.

  • Edzai kuti kamwe chete pavhiki, mukurukure matambudziko anenge amuka. Isai pfungwa pakugadzirisa dambudziko racho, kwete pakupomerana mhosva.

  • Wanai nguva yekuva pamwe chete muchiita zvinhu zvamunofarira.

  • Taurai nezvezvinhu zvinofadza zvakaitika muupenyu hwenyu. Pamwe pacho, munogona kutarisa mapikicha amakatorwa pamuchato wenyu kana pane chimwe chiitiko chinofadza.

“Murume nemudzimai vanogona kusabvumirana pane imwe nyaya, asi izvozvo hazvirevi kuti havagoni kushanda pamwe chete vakabatana. Vanogona kuisa musoro pamwe chete pakuita chisarudzo, voshanda nesimba kuti zvavanenge vasarudza zvibudirire.”—David.

RAMBA UCHIKURUKURA NESHAMWARI DZAKO

  • Vakadzi vemarudzi akasiyana-siyana vari kuseka vachitaura nyaya.

    Ramba uchikurukura neshamwari dzako

    Kunze kwekungotsvaga rubatsiro kubva kushamwari dzako, fungawo nezvenzira dzaungavabatsira nadzo. Kana ukasimbisa vamwe, unenge uchitozvisimbisawo.

  • Zuva rega rega, edza kutaura nedzimwe shamwari dzako kuti unzwe kuti dziri sei.

  • Bvunza shamwari dzako kuti zvii zvavakaita kuti vatsungirire matambudziko akafanana neauri kusangana nawo.

“Paunosangana nematambudziko, shamwari dzinogona kukupa mazano anobatsira. Dzinogona kukuyeuchidza zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira kuti uite zvisarudzo zvakanaka. Shamwari dzechokwadi dzinokuda, uye dzinoziva kuti newe unodzidawo.”—Nicole.

WANIRA VANA VAKO NGUVA

Murume nemudzimai vakagara nevana vavo vaviri vachiyemura zvinhu zvakavapoteredza.

Wanira vana vako nguva

Bhaibheri rinoti: ‘Tinofanira kukurumidza kuteerera, tononoka kutaura.’ (Jakobho 1:19) Pakutanga, vana venyu vanogona kuzeza kutaura zviri kuvanetsa asi kana mukanyatsovateerera, vachakuudzai zviri pamwoyo pavo.

  • Itai kuti vana venyu vanzwe vakasununguka kutaura zviri pamwoyo pavo. Vamwe vana vanobudisa zviri pamwoyo pavo pavanenge vachinzwa vakasununguka, zvakadai sepaya pamunenge muchifamba zvenyu kana kuti muri mumota pane kunge makagara makaita zvekutarisana.

  • Edzai kuita kuti vana venyu vasanyanya kuona nhau dzezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika.

  • Udzai vana venyu zvamakaronga kuita kuti mudzivirire mhuri yenyu.

  • Garai makaronga zvamuchaita kana mukangoerekana mawirwa nenjodzi uye potai muchiedzesera zvacho zvamuchaita nevana venyu.

“Taurai nevana venyu, uye itai kuti vanzwe vakasununguka kutaura manzwiro avo. Vanogona kunge vari kuzeza kutaura zvavari kutya, zviri kuvanetsa, kana kuti zviri kuvarwadza. Vaudzei kuti nemiwo munombonzwawo saizvozvo, uye vaudzei zvamuri kuita kuti musanyanya kunetseka.”—Bethany

Chikamu chevhidhiyo inonzi “Mhuri Yenyu Inogona Kufara.” Murume nemudzimai vari kunyemwerera vachifamba vakabatana maoko.

DZIDZA ZVIMWE. Ona vhidhiyo yakanzi Mhuri Yenyu Inogona Kufara.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe