ZVAUNGAITA KANA MITENGO ICHIKWIRA
Iva Nerupo
Kana uchinetseka nekukwira kunenge kuchiita mitengo, unogona kuona sekuti kupa hakushandi. Asi chokwadi ndechekuti kupa kunokubatsira panguva dzakaoma kudaro. Unokwanisa kuva munhu ane rupo uku uchichengetedza mari.
NEI ZVICHIKOSHA?
Patinopa vamwe kunyange chinhu chidiki, tinofara uye tinonzwa kuti taitawo chimwe chinhu kuti tivabatsire. Vamwe vanachiremba vanoti kupa kunobatsira pautano hwedu. Semuenzaniso, kunogona kuita kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo uye tideredze BP nemamwewo marwadzo. Kunogona kubatsirawo kuti tirare zvakanaka.
Patinobatsira vamwe, kungava kuvapa mari kana kuti zvimwe zvinhu zvavanenge vachida, zvinozotiitirawo nyore kubvuma kubatsirwa. Howard uyo anogara kuEngland anoti: “Ini nemudzimai wangu tinotsvaga nzira dzekuva nerupo uye kubatsira vamwe, uye izvozvo zvinoita kuti tisazonyare kana tava kudawo rubatsiro.” Izvi hazvirevi hazvo kuti vanhu vanopa vamwe vanenge vachitarisira kuti vazopiwawo. Asi kupa kwavanoita vamwe kunogona kuita kuti vawane shamwari dzechokwadi dzinoda kuvabatsira panguva yavanenge vava kuda kubatsirwa.
ZVII ZVAUNGAITA?
Ipawo vamwe zvauinazvo. Kunyange usina zvinhu zvakawanda muupenyu, haungamboshayi chekupawo vamwe. Unogona kuvakoka kumba kwenyu kuti muzodya zvacho zvaunenge uinazvo. Duncan nemhuri yake avo vanogara kuUganda, havasi vanhu vanonzi vanowana, asi vane mwoyo wekupa. Duncan anoti: “Misi yeSvondo, ini nemudzimai wangu tinowanzokoka mumwe munhu kumba kuti tizodya naye chero zvatinenge tiinazvo. Tinonakidzwa nekutandara nevamwe.”
Asiwo zvinoda kungwarira pakupa. Haufaniri kuzopa zvekuti mhuri yako inosara isisina chekubata.—Jobho 17:5.
Edza izvi: Ipa mumwe munhu chekudya kana kuti chekunwa. Kana uine zvimwe zvinhu zvausingachashandisi, unogona kuzvipa vanhu vakadai seshamwari dzako kana kuti vavakidzani, kunyanya vaya vaunoziva kuti vachazvifarira.
Tsvaga dzimwe nzira dzekupa. Pane zvimwe zvipo zvatinogona kupa zvisingadi mari. Tinogona kuwanira vamwe vanhu nguva tichiratidza kuti tine hanya navo nekuvabatsirawo pane zvimwe zvinhu. Kunyange mashoko edu chaiwo anogona kubatsira vamwe. Saka udza vamwe kuti unovakoshesa chaizvo uye kuti unovada.
Edza izvi: Batsira vamwe pamabasa avo epamba, pakugadzirisa zvinoda kugadziriswa, kana pakuenda kunovatengera zvavanenge vachida. Nyorera shamwari yako kadhi, kana kuti mutumire meseji. Unogona kungonyora mashoko mashoma anoratidza kuti uri kumufunga.
Kana ukava munhu ane rupo, uchawedzera kufara.