RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 10 pp. 49-54
  • Kukudziridza Unyanzvi Hwokudzidzisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukudziridza Unyanzvi Hwokudzidzisa
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • Chenjerera ‘Unyanzvi Hwako Hwokudzidzisa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Tevedzera Mudzidzisi Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 10 pp. 49-54

Fundo 10

Kukudziridza Unyanzvi Hwokudzidzisa

1-3. Kudzidzisa kunobatanidzei, uye mikanai yokudzidzisa yatinayo?

1 SavaKristu vechokwadi tinotarira kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu saVadzidzisi vedu Vakuru. Tinokumbanirana nowezvamapisarema uyo akanyengetera kuna Jehovha kuti: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu.” (Pis. 143:10, NW) Tinofungawo zvimwe chetezvo navadzidzi vaya vomuzana rokutanga ramakore vaJesu avo vakamuidza kuti “Mudzidzisi.” Uye Jesu mudzidzisi akadini! Pashure pokunge apa Mharidzo yake paGomo, “mapoka akakatyamadzwa nenzira yake yokudzidzisa; nokuti iye akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera.” (Mat. 7:28, 29, NW) Ivava ndivo Vadzidzisi Vakurusa, uye isu tinotsvaka kuvatevedzera.

2 Kudzidzisa mano anofanira kukudziridzwa. Kunobatanidza kutsanangura kuti ndezvipi, sei, zvikonzero, kuti ndekupi uye rini zvenhau yacho. MuKristu ari wose anofanira kuvandudza mano ake okudzidzisa, zvikurukuru nemhaka yemirayiridzo yaJesu kuvateveri vake: “Itai vadzidzi vevanhu vemarudzi ose, . . . muchivadzidzisa.” (Mat. 28:19, 20, NW) Kuti iri basa rinoda unyanzvi kunogona kuonwa muzano romuapostora Pauro kuna Timotio rokuti: “Rayira, nomwoyo murefu wose nounyanzvi hwokudzidzisa.”—2 Tim. 4:2, NW.

3 Mikana yokudzidzisa vamwe yakawanda zvikuru. Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo. Vazivisi vamashoko akanaka vanofanira kudzidzisa vanhu vachangobva kufarira kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha. Panowanzova nemikana yokurayiridza vaparidzi vatsva. Uye hama zhinji dzine ropafadzo yokukurukura hurukuro dzinosimbaradza, pamusangano webasa kana kuti zvimwe sehurukuro dzavose. Vadzidzi vose vari muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari vanofanira kuva vanodisa kuratidzira fambiro mberi yavo savadzidzisi. Sezvo unokudziridza mano ako okugoverana murutivi urwu rwokudzidzisa rwoushumiri, uchakuwana kuchigutsa zvirokwazvo uye kuchitusa zvikuru. Hapana chinhu chinofadza zvikuru sokudzidzisa mumwe munhu muShoko raMwari dzokonokei womuona achiita fambiro mberi yakaisvonaka yomudzimu.

4, 5. Isu tinofanira kuvimba naani uye nechii mukupa murayiridzo?

4 Kuvimba naJehovha. Chinodikanwa chinokosha chokuva anobudirira somudzidzisi wamashoko akanaka ndechokuvimba naJehovha, kumucherechedza, kutsamira panhungamiro yake uye kukumbira betsero yake. (Zvir. 3:5, 6) Kunyange Jesu akati, “Zvandinodzidzisa ini hazvisati zviri zvangu, asi ndezvaiye wakandituma.” (Joh. 7:16, NW) Iye aigaronongedzera kuShoko raMwari, achinokora mashoko mariri kana kuti kunongedzera kuinenge hafu imwe yamabhuku aMagwaro echiHebheru mukurukurirano dzake dzakanyorwa. Naizvozvo pakudzidzisa vamwe, vimba neShoko raMwari rechokwadi sezvakaita Jesu. Wana mhinduro dzako mariri, nokuti panongova nebhuku rimwe bedzi guru nokuda kwokudzidzisa vanhu kuva vadzidzi vaJesu, uye iroro iBhaibheri Dzvene.—2 Tim. 3:16.

5 Kana uchivimba zvirokwazvo naJehovha, haufaniri kunzwa usingakwanisi. Mwari anotipa nzwisiso yamadonzo ake anoratidzirwa muShoko rake rechokwadi. Kana uchigoverana zivo yako yezvokwadi idzodzi navamwe, Jehovha achakutsigira. Hapana kudikanwa kwokurega, uchiti, “Ini handisi mudzidzisi.” Unogona kuva kana uchivimba naJehovha nenzira yokunyengetera.—2 VaK. 3:5.

6-8. Kugadzirira kunoita rutivii mukudzidzisa kune miuyo?

6 Gadziriro. Chokwadika, hapana chinotsiva kuziva nhau yako. Unoda nzwisiso yakajeka yamashoko acho usati wagona kudzidzisa mumwe munhuwo zvake. (VaR. 2:21) Sezvo ukuru hwezivo yako hunowedzera, sezvinooneka uchava mudzidzisi ari nani. Asika kunyange zvazvo uchiziva bedzi zvokwadi shomanene dzehwaro, unogona kungova mudzidzisi. Taura pamusoro pezvaunoziva. Kunyange vana vaduku vanogona kudzidzisa vokuchikoro biyavo zvokwadi dzavakadzidza kuvabereki vavo. Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chichakubetsera kukudziridza mano ako okudzidzisa.

7 Kana uri kuenda kundoitisa fundo yeBhaibheri kana kuti kukurukura hurukuro, tanga kuita kuti zvibvumikiso zvinotsigira mashoko acho zvijeke mundangariro mako. Edza kusarudza kuti chikonzero nei chimwe chinhu chakadaro. Ona kana uchigona kutaura mifungo yacho namashoko ako umene. Wana nzwisiso yakanaka yezvibvumikiso zvaMagwaro. Iva akagadzirira kushandisa magwaro nenzira inobudirira.

8 Rumwe rutivi rwokugadzirira kurangarira pachine nguva mberi mibvunzo ingadaro ikamuka mundangariro yomudzidzi nemhaka yoruzivo rwake rwekare rworudzidziso. Ikoku kuchakubetsera kuva akagadzirira mashoko achakodzera zvikuru mudzidzi iyeyo. Kurangarira nzwisiso yaanotove nayo kuchakuyamura mukuvanzarika nheyo yamashoko matsva uye kumubetsera kufambira mberi. Mumwe mudzidzi angada zvibvumikiso zvakasiyana nemhaka yoruzivo rwake rwekare. Naizvozvo kuziva mudzidzi wako kunokubetsera kugadzirira.

9. Unogona sei kukurudzira vadzidzi kupindura namashoko avo vamene?

9 Mibvunzo. Mibvunzo inobetsera zvikuru mukudzidzisa kunobudirira, seizvo Jesu Kristu aiwanzoratidzira. (Ruka 10:36) Naizvozvo pakuitisa fundo yeBhaibheri unogona kutevera mutoo wake, uchishandisa mibvunzo yakadhindwa iri muzvinyorwa. Asi kana uri mudzidzisi anokwanisa, hausati uchizogutswa kana mudzidzi achingorava hake mhinduro mubhuku. Muchinoitika chakadaro unoda mibvunzo yokuwedzera inonyandura mudzidzi kutaura mufungo wacho mumashoko ake amene. Pane dzimwe nguva zvaunongofanira bedzi kutaura ndeizvi: “Zvakanaka, asika mungautsanangura sei namashoko enyu mumene?”

10. Tsanangura kushandiswa kwemibvunzo inotungamirira.

10 Uchawanawo mibvunzo inotungamirira kuva inobetsera mukudzidzisa. Iyoyi mibvunzo inokuyamura kutungamira ndangariro yomunhu wacho, pahwaro hwezvaanotoziva, kumhedziso zvichida yaasina kutongofunga nezvayo. (Mat. 17:25, 26; 22:41-46) Chaizvoizvo unoti kwauri umene: ‘Ini ndinoziva kuti uyu mudzidzi anoziva ichi nechecho, naizvozvo kana ini ndikabvunza mibvunzo yakati munhevedzano ine mufungo, iye anogona kusvika pamhedziso yakarurama. Asi kana ini ndikadarika mibvunzo inotungamirira ndokumubvunza nenzira yakananga mubvunzo mukuru, iye angasvetukira kumhedziso isina kururama.’ Namamwe mashoko, mudzidzi ane mashoko ayo anogona kusvika nawo pamhinduro. Asika anoda betsero. Nzira iri nyore, chokwadika, ndeyokumuudza mhinduro yacho. Bva kana uchishandisa mibvunzo inotungamirira, hausati bedzi uchiita kuti mhinduro ive inobvumwa zvikuru nemhaka yokuti mudzidzi anoitaura iye amene, asi kunomubetserawo kukudziridza mano okufunga. Mibvunzo yako ichatungamirira ndangariro yake mumufungo une mufungo kumhedziso yakarurama. Ikoku kuchava kwoukoshi hukuru kuna iye gare gare.

11. Mibvunzo yomurangariro ingashandiswa sei?

11 Padzimwe nguva uchakuwana kwakanaka kubvunza mibvunzo yomurangariro. Kupfurikidza nayo unotsvaka kuwana icho mudzidzi anodavira somunhu oga pamusoro penhau yakati. Somuenzaniso, ungamubvunza uri mutemo waMwari pamusoro poufeve. Iye angakwanisa kunokora mashoko rugwaro rwakati rwunoratidza kuti hahuna kururama. Asi mudzidzi wacho anobvumirana chaizvoizvo here nemhinduro yaapa? Iwoyo ndiwo murangariro wake womunhu oga here? Ungada kubvunza mubvunzo kuti uwane chaanofunga chaizvoizvo pamusoro poufeve. Ungabvunza kuti, “Kunoita musiyanoi kana tikararama nenzira iyeyo kana kuti tikasadaro?” Ipapo ungaziva nzvimbo umo betsero huru inodikanwa uye unogona kuita chimwe chinhu. Mibvunzo yemurangariro inokubetsera kusvika mwoyo womudzidzi.

12, 13. Nei mibvunzo ichibetsera kushandisa mose muri muviri muushumiri hwapaimba neimba napakukurukura hurukuro uri pachikuva?

12 Mibvunzo inobetserawo muushumiri hwapaimba neimba. Somuenzaniso, unoda kuwana icho saimba ari kufunga kuti ugogona kumubetsera zviri nani kunzwisisa zvokwadi dzeBhaibheri. Unobvunzawo mibvunzo ndokukumbira tsinhiro yake nemhaka yokuti unoziva kuti kana iye akapiwa mukana wokutaura murangariro wake, iye achada zvikuru kuteerera zvaunotaura.

13 Kunyange pakukurukura hurukuro pachikuva, pane nguva apo unobvunza mibvunzo yaunoda mhinduro yayo. Naizvozvo unokumbira vateereri kupindura. Asika panewo nguva apo unoshandisa mibvunzo isingapindurwi—mibvunzo inobvunzirwa kunyandura kufunga, isina mhinduro inokarirwa kubva kuvateereri. (Ruka 12:49-51) Unogovera mhinduro iwe umene. Padzimwe nguva ungada kushandisa nhevedzano yemibvunzo, usingapi mhinduro kutozosvikira wasvika kune wokupedzisira wacho. Rudzi rwomubvunzo waunoshandisa rwunotsamira pavateereri vako nepane chauri kudzidzisa.

14, 15. Madonzoi anobatirwa nemienzaniso uye kudzokorora?

14 Mienzaniso. Iyoyi yakaumba rutivi rwunokosha rwokudzidzisa kwaJesu. Nomutoo wakafanana, vadzidzisi vechiKristu nhasi vanogona kushandisa zvinhu uye zvinoitika zvoupenyu nokuda kwemienzaniso ichabetsera kuroverera dzidziso dzakaisvonaka pandangariro dzavateereri vavo. (Mat. 13:34, 35) Shanda kuita kuti mienzaniso yako ive yakapfava, sezvo mikukutu kana kuti yakaoma ingava yakaoma kutevera uye ingatoderedza zvibvumikiso zvako. Tsamba yaJakobho ine mienzaniso mizhinji—fungu regungwa, chikwasvo chengarava, chidzoreso chebhiza, chionioni, zvichingodaro. Yose yakatorwa muzvinhu zvinozivikanwa zvoupenyu. Mudzidzisi akasvinura achatsvaka kuita kuti muenzaniso uve unoshanda kumamiriro ezvinhu omuteereri wake, zera, rudzidziso, tsika, nemimwe yakadaro. Mienzaniso, chokwadika, inogona kushandiswa muhurukuro, pamwe chete naapo unenge uchidzidzisa mumwe munhu.

15 Kudzokorora. Uyu mutoo unokosha nokuda kwokudzidzisa kunobudirira, pasinei zvapo nokuti uri pachikuva kana kuti uri kudzidzisa mumwe munhu pamusha. Tsvaka kuroverera mashoko makuru nezvikamu zvamashoko, uye zvikurukuru magwaro, pandangariro yomudzidzi wako. Kana une hurukuro yomudzidzi ina saimba, ungagona kubvunza mibvunzo yehwirudzuro, nokudaro uchisimbisa mapfundo kupfurikidza nokudzokorora. Kupfurikidza nouyu mutoo unogona kuva nechokwadi kuti mudzidzi awana mufungo wacho. Chaizvoizvo, uchave uchibvunza sezvakaita Jesu kuti: “Ko mawana mufungo wezvinhu zvose izvozvi here?”—Mat. 13:51, NW.

16. Kana mukurukuri ari mudzidzisi akanaka, chii chauchakwanisa kuyeuka pashure pokunzwa hurukuro yake?

16 Hurukuro dzinodzidzisa. Unoyeuka nokuonga hurukuro yawakadzidza zvizhinjisa mairi. Naizvozvo cherechedza chikonzero nei kuri kuti vamwe vakurukuri vadzidzisi vakanaka. Cherechedza chinoita kuti hurukuro dzavo dzive nyore kuyeuka. Kukurukura kwavo hakukurumidzirwi. Ivo vangashandisa mibvunzo, ingava yokuti vateereri vapindure kana kuti mibvunzo isingapindurwi yokunyandura kufunga. Ivo vachakumbira kuzarura magwaro makuru ndokutevera sezvaanoraviwa, vachirangarira pamusoro pawo, vachiatsanangura uye vachisimbisa mifungo mikuru. Vamwe vangashandisa yamuro dzinooneka. Asi muzvinoitika zvose uchacherechedza kuti kuri nyore zvikuru kuyeuka mapfundo mashomanene anosanotsanangurwa kupfuura mazhinji anotaurwa pamusoro pawo nomutoo wokupfupikisa. Apo unyanzvi hwokudzidzisa hunoshandiswa, avo vanonzwa hurukuro yacho nenzira iri nyore vanofanira kukwanisa kutaura musoro, mapfundo makuru uye zvichida rugwaro rwakatanhamara kana kuti maviri ashandiswa.

17, 18. Tinofanira kunangidzira ngwariro kuVadzidzisi Vakuru sei uye nei?

17 Kunangidzira ngwariro kuVadzidzisi Vakuru. Somudzidzisi wechiKristu nguva dzose unofanira kuziva nezvoukoshi hwokunangidzira ngwariro kuna Jehovha Mwari seManyuko oupenyu uye kuna Jesu Kristu somukoto waMwari upenyu nezvikomborero zvinouya kupfurikidza naye. (Joh. 17:3) Edza kukudziridza muvamwe kunzwisiswa kwapachokwadi kwaava Vadzidzisi Vakuru zvirokwazvo.

18 Sezvaunonzwisisa unyanzvi hwokudzidzisa uchanzwisisawo rutivi rwunoitwa norudo. Kana mudzidzi akasvika chaizvoizvo pakuda Jehovha Mwari, ipapo iye achamubatira nokutendeka. Naizvozvo, mukufunda, pamapfundo akakodzera, kwevera ngwariro kurevo yezvakaitwa naMwari uye zvaari kuitira vanhu vanotadza. Simbisa uchenjeri, ruramisiro, rudo uye simba zvaMwari, mavara aya anogarobatana nomutoo unoshamisa kwazvo nokuda kwavanhu vanoteerera. Kana mwoyo womudzidzi wakarurama, munguva yakati iyewo achanzwa ruvimbiko rukuru kuna Jehovha uye chishuvo chokugoverana mukukudza zita rake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe