RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 25
  • Mhuri Inotamira Egipita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhuri Inotamira Egipita
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Haana Kukanganwa Josefa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • ‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Vakoma vaJosefa Vanomuvenga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Ndapota, Teererai Hope Idzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 25
Jakobho naJosefa vanochema pavanoonana muIjipiti

NHAU 25

Mhuri Inotamira Egipita

JOSEFA haangagoni kudzorazve makunzwa ake. Anoudza vabatiri vake vose kubuda mukamurimo. Apo iye ari oga navakoma vake, Josefa anovamba kuchema. Tingafungidzira mashamisikire ari kuita vakoma vake, nokuti havazi kuziva kuti nei ari kuchema. Pakupedzisira anoti: ‘Ndini Josefa. Baba vangu vachiri vapenyu here?’

Vakoma vake vanoshamiswa kwazvo zvokuti havagoni kutaura. Vanotya. Asi Josefa anoti: ‘Ndapota swederai pedyo.’ Pavanodaro, anoti: ‘Ndini munin’ina wenyu Josefa, wamakatengesera muEgipita.’

Josefa anopfuurira kutaura nomutsa: ‘Musazviwanira mhaka nokuti makanditengesera muno. Zvomenemene aiva Mwari akanditumira Egipita kuponesa upenyu hwavanhu. Farao akandiita mubati ushe wenyika yose. Zvino dzokerai nokuchimbidza kuna baba vangu ndokuvaudza izvi. Uye vaudzei kuti vauye ndokugara muno.’

Ipapo Josefa anombundira vakoma vake, uye anovagumbatira achivatsvoda vose. Apo Farao anonzwa kuti vakoma vaJosefa vauya, anoudza Josefa, kuti: ‘Ngavatore ngoro vagondotora baba vavo nemhuri dzavo ndokudzokera kuno. Ndichavapa nyika yakanakisisa muEgipita yose.’

Ndozvavakaita. Unogona kuona Josefa pano achisangana nababa vake pavakasvika Egipita nemhuri yavo yose.

Vakoma vaJosefa nemhuri dzavo vachitamira kuIjipiti

Mhuri yaJakobho yakanga yakura kwazvo. Pamwe chete paiva ne70 pavakatamira Egipita, kuverenga Jakobho navana vake navazukuru. Asi kwaivawo navadzimai, uye zvichida navabatiri vazhinjiwo. Vose vakagara muEgipita. Vainzi vaIsraeri, nokuti Mwari akachinja zita raJakobho kuva Israeri. VaIsraeri vakava rudzi chairwo zvikuru kuna Mwari, sezvatichaona gare gare.

Genesisi 45:1-28; 46:1-27.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe