RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 52
  • Gidheoni Navarume Vake 300

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gidheoni Navarume Vake 300
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Gidhiyoni Akakunda vaMidhiyani
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vakuru—Dzidzai Pamuenzaniso waGidhiyoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Jehovha iShamwari Yedu Yepamwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 52
Gidhiyoni anokamura mauto ake kuti ave mapoka mapoka

NHAU 52

Gidheoni Navarume Vake 300

UNOONA chiri kuitika pano here? Iri rose iuto raIsraeri. Varume vakafugama vari kunwa mvura. Mutongi Gidheoni ndiye amire pedyo navo. Ari kuona manwire avanoita mvura.

Nyatsotarisa mitoo yakasiana iri kunwa nayo varume vacho mvura. Vamwe vakanatira mvura. Asi mumwe ari kukapa mvura noruoko kuti agoona chiri kuitika paari. Kunokosha, nokuti Jehovha akaudza Gidheoni kusarudza bedzi varume vanoramba vakatarira vachinwa. Vamwe, Mwari akati, vanofanira kudzorerwa kumusha. Ngationei kuti nei.

VaIsraeri vari mudambudziko guruzve. Chikonzero ndechokuti havana kuterera Jehovha. VaMidhia vakawana simba pavari uye vari kuvakuvadza. Saka vaIsraeri vanodanidzira betsero kuna Jehovha, uye Jehovha anoterera makudanidzira avo.

Jehovha anoudza Gidheoni kutora uto, Gidheoni anounganidza pamwe chete uto revane 32 000. Asi kune uto revarume 135 000 rokurwisa Israeri. Asika Jehovha anoudza Gidheoni kuti: ‘Unavarume vazhinjisa.’ Neiko Jehovha akataura kudaro?

Imhaka yokuti kudai Israeri aikunda hondo, vaizofunga kuti ivo vamene vakakunda. Vaizofunga kuti havasati vaida betsero yaJehovha yokukunda. Saka Jehovha anoti kuna Gidheoni: ʼUdza varume vose vanotya kudzoka kumusha.ʼ Gidheoni paanoita izvi, vane 22 000 veuto rake vanodzoka kumusha. Kunomusiira bedzi varume 10 000 vokurwisana namasoja aya ose ane-135 000.

Asika, terera! Jehovha anoti: ʼUchina varume vazhinjisa.ʼ Nokudaro anoudza Gidheoni kuita kuti varume vanwe paurwu rwizi ibvei odzosa kumusha vanhu vose vanonatira mvura. ʼNdichakupa rukundo navarume vane 300 vakaramba vachitarira vachinwa,ʼ Jehovha anopikira.

Masoja aGidhiyoni akangwarira ari kunwa mvura achitarisa zviri kuitika

Nguva yokurwa yasvika. Gidheoni anoisa varume vake 300 mumapoka matatu. Anopa murume mumwe nomumwe hwamanda, nechirongo chinezhenje machiri. Panenge pakati pousiku, vose vanokomba musasa wamasoja omuvengi. Ipapo, panguva imweyo, vanoridza vose hwamanda dzavo ndokuputsa zvirongo zvavo, ndokudanidzira vachiti: ʼMunondo waJehovha nowaGidheoni!ʼ Panomuka masoja omuvengi, anovhiringidzika ndokutya. Ose anotiza, uye vaIsraeri vanokunda hondo.

Vatongi ganhuro 6 kusvikira ku 8.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe