RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 94
  • Anoda Vana Vaduku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anoda Vana Vaduku
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Nharo Dzinomuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rimwe Zano Rokuonekana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Chidzidzo Chinokosha Chekuzvininipisa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kukanganisa Kutenda Kwevamwe Uye Zvokuita Kana Hama Yaita Chivi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 94
Jesu akabata mwana

NHAU 94

Anoda Vana Vaduku

TARIRA Jesu akagumbatira kakomana. Ungaziva kuti Jesu anotarisira zvomenemene vaduku. Varume vanoona vaapostora vake. Jesu ari kutii kwavari? Ngatiwanei.

Jesu navaapostora vake vachangobva kudzoka parwendo rurefu. Munziramo vaapostora vakava nepokanidzano pakati pavo vamene. Nokudaro pashure porwendo Jesu anovabvunza kuti: ‘Mave muchipokanidzana pamsoro pei panzira? Asi anobvunza mubvunzo kuti agoona kana vaapostora vangamuzivisa.

Vaapostora havapinduri, nokuti panzira vaipokanidzana pamsoro pokuti ndiani ari mukurusa. Vamwe vaapostora vanoda kuva vanokosha kupinda vamwe. Jesu achavaudza sei kuti hakuna kururama kuda kuva mukurusa?

Anodana kakomana, anokamisa pamberi pavo vose. Ipapo ndokuti kuna vadzidzi vake: ‘Ndinoda kuti muzive izvi zvechokwadi, Kutoti mukachinja ndokuva savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwaMwari. Munhu mukuru muumambo ndiye anova somwana uyu.’ Unoziva here kuti nei Jesu akataura izvi?

Eya, vana vadukusa havanetsekani pamsoro pokuva mukuru zvikuru kana anokosha zvikuru kupinda vamwe. Nokudaro vaapostora vanofanira kudzidza sevana nenzira iyi ndokusapokanidzana pamsoro pokuva mukuru kana kuti anokosha.

Pane dzimwewo nguva, apo Jesu anoratidzira kuti anotarisira zvikuru sei vana vaduku. Mwedzi mishoma gare gare vamwe vanhu vanounza vana vavo kuzoona Jesu. Vaapostora vanoedza kuvadzivisa. Asi Jesu anoudza vaapostora vake kuti: ‘Regai vana vauye kwandiri, uye musavadzivise, nokuti umambo hwaMwari ndohwavanhu vakadai saivo.’ Ipapo Jesu anombundira vana, ndokuvakomborera. Hakuzati kwakanaka here kuziva kuti Jesu anoda vana vaduku?

Mateo 18:1-4; 19:13-15; Marko 9:33-37; 10:13-16.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe