RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 5 pp. 38-45
  • Rusununguko Runofarikanywa Navanamati vaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rusununguko Runofarikanywa Navanamati vaJehovha
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uko Rusununguko Runogona Kuwanwa
  • Kupanga Rumwe Rudzi Rworusununguko
  • Panovambira Zvinetso
  • Rusununguko Rune Vanamati vaJehovha
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Tingava Sei Nerusununguko Rwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Usapotsa Donzo Rorusununguko Runopiwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 5 pp. 38-45

Ganhuro 5

Rusununguko Runofarikanywa Navanamati vaJehovha

1, 2. (a) Ko Mwari akapa rudzii rworusununguko kuvaviri vohunhu vokutanga? (b) Dudza mimwe yemitemo yaidzora mubato wavo.

APO Jehovha akasika vaviri vohunhu vokutanga, ivo vaifarikanya rusununguko runoisvopfuura rupi norupi runa vanhu nhasi. Musha wavo wakanga uri Paradhiso. Hakuna chirwere chaishatsa kufarikanya kwavo upenyu. Rufu rwakanga rwusina kuvamirira. Asi kuremekedzwa kwemitemo yaMwari kwakanga kuri chinhu chinokosha mukupfuurira kwavo kuva norusununguko rwakadaro.

2 Mimwe yemitemo iyeyo ingave isati yakataurwa mumashoko, asi Adhama naEvha vakaitwa nenzira yokuti kwaingova hakwo kwomuzvarirwo bedzi kuiteerera. Nokudaro kunzwa nzara kwairatidzira kudikanwa kwokudya, nyota, kudikanwa kwokunwa. Kunyura kwezuva kwaivakurudzira kuwana zororo rinodikanwa nokurara. Jehovha akataurawo kwavari ndokuvapa mugove webasa. Zvamazvirokwazvo mugove iwowo wakanga uri mutemo, nokuti waizodzora chiito chavo. Asika haiwa waiva mutemo womutsa, unobetsera zvakadini! Wakavapa basa raizova rinogutsa kwazvo, raivagonesa kushandisa mano avo zvizere munzira dzakaisvonaka. Vaizobereka vana, vaizodzora mhuka dzapasi uye pashoma napashoma ndokutambanudza miganhu yeParadhiso kusvikira yafukidza pasi rose. (Gen. 1:28; 2:15) Mwari haana kuvaremedza noudzame hwose hwamashoko asiri madikanwa. Rusununguko rwakaringanira rwakavabvumirwa kuita zvisarudzo. Chiizve chaizogona kukumbirwa nomunhu upi noupi?

3. Ko Adhama angave akabetserwa sei kushandisa nokuchenjera rusununguko rwake rwokuita zvisarudzo?

3 Chokwadi, apo Adhama akabvumirwa ropafadzo yokuita zvisarudzo, ikoku hakuna kureva kuti iye angaita chisarudzo chipi nechipiwo zvacho, pasinei hapo nokuti chakanga chakadini, chaizoparira miuyo yakanaka. Rusununguko rwake rwokuita zvisarudzo rwairatidzira mutoro. Aigona kudzidza kupfurikidza nokuteerera Baba vake vokudenga uye kucherekedza mabasa Avo, uye Mwari akanga apa Adhama ungwaru hwaizomugonesa kushandisa zvaaidzidza. Adhama zvaakasikwa “mumufananidzo waMwari,” murangariro wake womuzvarirwo waizova wokuratidzira mavara oumwari pakuita zvisarudzo. Iye zvamazvirokwazvo aizova anongwarira kuita izvozvo kana iye ainzwisisa zvomenemene izvo Mwari akanga amuitira uye achida kufadza Mwari.—Gen. 1:26, 27; enzanisa Johane 8:29.

4. (a) Ko murairo unoganhurira wakapiwa kuna Adhama wakamunyima rusununguko here? (b) Neiko wakanga uri chinodikanwa chakakodzera?

4 Sechiyeuchidzo chokutsamira kwomunhu pano Musiki wake noMupi Upenyu, Jehovha akaisa uye murairo paari, unoti: “Ungadya hako pamuti uri wose womubindu kusvikira pakuguta. Asi kana uri muti wokuziva chakanaka nechakashata iwe hauzati uchifanira kudya pauri, nokuti muzuva raunodya pauri uchafa zvamazvirokwazvo.” (Gen. 2:16, 17) Ko mutemo iwoyo wakanyima munhu rusununguko here? Nyangwe napaduku pose zvapo. Adhama akanga akasununguka kuteerera kana kuti kusateerera. Kurambidzwa hakuna kuisa mutoro. Akanga ane zvakawandisa zvokudya pasina kubata muti mumwe iwowo. Zvisinei, kwakanga kwakakodzera bedzi kuti iye azive kuti pasi raaigara pariri rakanga riri raMwari uye kuti, soMusiki, Mwari ndiye Mubati ushe ana maruramiro wechisiko chake.—Pis. 24:1, 10.

5. (a) Ko Adhama naEvha vakarashikirwa sei norusununguko rune mbiri rwavakanga vanarwo? (b) Chii chakatora nzvimbo yarwo, uye isu takatapurwa sei?

5 Asika chii chakaitika? Ichisundwa nechinendirini choudyire, imwe ngirozi yakanyengedza Evha kupfurikidza nokuedzesera kuva nhungamiro yechokwadi, ichimusimbisira chimwe chinhu chinopesana nokuda kwaMwari. Panzvimbo pokuteerera Baba vake, Adhama akakumbanira Evha mukudarika. Kupfurikidza nokuva namakaro nokuda kwechimwe chinhu chakanga chisati chiri chavo, Adhama naEvha vakarashikirwa norusununguko rune mbiri rwavakanga vanarwo. Chivi chakava ishe wavo uye, sokunyevera kwakanga kwaita Mwari, rufu rwakavamirira zvamazvirokwazvo. Somuuyo, inhakai yakapfuudzirwa kuvana vavo? Chivi, chinooneka mukombamiro yokuberekwa nayo yokuita chakaipa, muutera hunoita kuti munhu atapurwe nehosha nomukupera simba pakupedzisira kunoitwa nokukwegura. Uyewo rufu. Murangariro unogarwa nhaka wokuita chakaipa, unowedzerwa nepesvedzero yaSatani, wakaparira chaunga umo upenyu hwakava hune ngozi machiri nokuda kwomunhu ari ose. Haiwa musiano wakadini norusununguko urwo Mwari akapa vanhu pakuvamba!—VaR. 5:12; Jobho 14:1; Zvak. 12:9.

Uko Rusununguko Runogona Kuwanwa

6. (a) Ko rusununguko chairwoirwo runogona kuwanwa kupi? (b) Ko Jesu akanga achitaura pana Johane 8:31, 32 pamsoro porudzii rworusununguko?

6 Mukurangarira migariro nhasi, hakuzati kuchishamisa kuti vanhu vanopanga rusununguko rukuru zvikuru runopfuura rwavanarwo. Asika rusununguko chairwoirwo rungagona kuwanwa kupi? Jesu Kristu akati: “Kana muchirambira mushoko rangu, zvamazvirokwazvo imi muri vadzidzi vangu, uye imi muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:31, 32) Urwu rusununguko harusati ruri rudzi rwakaganhurirwa urwo vanhu vanokarira apo ivo vanoramba mumwe mubati ushe wezvamatongerwe enyika kana kuti chimiro chehurumende nokuda imwe. Panzvimbo pakwo, runosvika chaipoipo pachisakiso chezvinetso zvavanhu. Icho Jesu akanga achikurukura chakanga chiri kusunungurwa muchivi, muusungwa hwouranda hwechivi. (Ona Johane 8:24, 34-36.) Nokudaro kana mumwe munhu akava mudzidzi wechokwadi waJesu Kristu, ikoku kunoparira kuchinja kunocherekedzwa muupenyu hwake, kusunungurwa.

7. (a) Mupfungwai, ipapoka, matingagona kusunungurwa muchivi zvino? (b) Kuti tigova norusununguko irworwo, tinofanira kuitei?

7 Ikoku hakuzati kuchireva kuti panguva ino maKristu echokwadi haazati achasitongonzwazve tapuro nomurangariro wokuberekwa nawo womufambiro wokuita chivi. Mukusiana nezvo, vane kurwa nokuda kwako. (VaR. 7:21-25) Asi kana munhu achirarama zvomenemene mutsinhirano nedzidziso dzaJesu, haasati achasitongovazve muranda asina maturo wechivi. Chivi hachisati chichasitongovazve mambo anopa mirairo yaanoteerera. Haasati achasitongozosungwazve mumusungo munzira youpenyu hunoshaiwa donzo uye hunomusiya aine hana inotambudzika. Achafarikanya hana yakachena pamberi paMwari nemhaka yokuti zvivi zvekare zvakanganwirwa pahwaro hwokutenda kwake chibairo chaKristu. Mirangariro inoita chivi ingaedza kuzvizivisa iyo imene, asi apo iye anoramba kuita chinhu pairi nokuti anoyeuka dzidziso dzakachena dzaKristu iye acharatidzira kuti chivi hachizati chiri ishe wake.—VaR. 6:12-17.

8. (a) Ko chiKristu chechokwadi chinotipa rumwe rusunungukoi? (b) Ko irworwu runofanira kutapura sei chimiro chedu chendangariro kuvabati ushe venyika?

8 SamaKristu tinofarikanya rusununguko rukuru. Takasunungurwa mutapuro dzedzidziso dzenhema, muuranda kukudavira mashura nouranda hwechivi. Zvokwadi dzakaisvonaka pamsoro pomugariro wavakafa norumuko zvakatisunungura mukutya kusino mufungo rufu rwamasimba masimba runoparira kuti vanhu vakurire hana dzavo. Kuziva kuti hurumende dzavanhu dzisina kukwana dzichatsiviwa noUmambo hwakarurama hwaMwari kunotisunungura mukusava netariro. Asika rusununguko irworwo harusati ruchiruramisira kuzvidza kwomutemo kana kuti kusaremekedza vakuru vakuru vehurumende pachikonzero chokuti nokukurumidza tsika yekare ichave yapfuura.—1 Pet. 2:16, 17; Tito 3:1, 2.

9. (a) Ko Jehovha anotibetsera sei nenzira yorudo kufarikanya mwero mukurusa worusununguko runobvira zvino nokuda kwavanhu? (b) Mukuita zvisarudzo, tingaratidzira sei kuti tinosanonzwisisa chakava muuyo mukushandisa zvisina kufanira kwaAdhama rusununguko rwake?

9 Jehovha haazati achitisiya kuti tigowana kupfurikidza nokuedza nechikanganiso iri nzira yakanakisisa yokurarama nayo. Anoziva maitirwe atakaitwa, chichatiunzira gutsikano chaiyoiyo nomurangariro wechiremera chomunhu mumwe nomumwe, neicho chichava chinoisvobetsera zvikuru nokusingaperi nokuda kwedu. Iye anozivawo rudungwe rwake amene rwenguva rwokuita donzo rake uye, nokuda kwechikonzero ichecho, mibato iyo iri yakaisvokodzera zvikuru kuti tibatikane mairi. Nenzira imwe cheteyo iye anoziva mufungo nomufambiro zvinogona kushatsa munhu kana kuti kushatsa ukama hwake navamwe, kunyange kumudzivisa zvikomborero zvoUmambo hwaMwari. Nomutoo worudo iye anotizivisa nezvezvinhu izvi kupfurikidza neBhaibheri uye kupfurikidza nesangano rake rinooneka. (VaG. 5:19-23; Marko 13:10; enzanisa 1 Timotio 1:12, 13.) Ipapo mutoro wedu, tichishandisa mano edu okusarudza akapiwa naMwari, kusarudza madavidzire atichaita. Kana takafungisisa izvo Bhaibheri rinotizivisa pamsoro pokuti Adhama akarashikirwa sei norusununguko rwakapiwa vanhu pakutanga, tichaita zvisarudzo izvozvo nokungwarira. Ticharatidzira kuti ukama hwakanaka naJehovha ndihwo itiro hanya yedu huru muupenyu.

Kupanga Rumwe Rudzi Rworusununguko

10. Ko vamwe vaikambira kuva maKristu vakasvasvavira rudzii rworusununguko?

10 Padzimwe nguva vamwe vechiduku vakarerwa seZvapupu zvaJehovha, uyewo vamwe vasati vari vaduku zvikuru, vanosvika pakurangarira kuti ivo vanoda rumwe rudzi rworusununguko. Nyika ingaratidzika kuva inoyevedza, uye kana vachifunga zvikuru pamsoro payo chishuvo chavo chokuita zvinhu izvo nyika inoita chinova chikuru zvikuru. Ivo vangasarongedzera kubatwa nemirimo, kunyanyonwisa zvikuru kana kuti kuita ufeve. Asi vanovamba kupedza nguva pashure pechikoro kana kuti pashure pamaawa ebasa vaina vasonganiri vokunyika. Chokwadika, vanoda kugamuchirwa navasonganiri vavo vatsva, nokudaro vanovamba kutevedzera mutauro wavo nomufambiro wavo.—3 Johane 11.

11. Ko nyengedzo yokuita ikoku padzimwe nguva inobva kupi?

11 Dzimwe nguva kunyengedza kwokupinda mumufambiro wenyika kunobva kuno mumwe munhu anokambira kuva anobatira Jehovha. Ikoko ndiko kwakaitika muEdheni apo Satani akanyengedza Evha, uye tevere apo Evha akakuchidzira Adhama kumukumbanira. Kwakaitikawo pakati pamaKristu apakuvamba, uye chinhu chimwe chetecho chinoitikawo muzuva redu. Vanhu vakadaro vanowanzoda zvinonyandura uye kupanga zvinhu zvinounza mufaro mukuru. Vanokuchidzira vamwe ku“va nezvinosetsa.” Ivo ‘vanovimbisa rusununguko, apo ivo vamene vari varanda kuushati.’—2 Pet. 2:18, 19.

12. (a) Ndeipi iri miuyo inosuruvarisa yomufambiro wenyika? (b) Kana avo vanobatanidzwa vakaziva muuyo wacho, neiko vachisimbirira kuita zvinhu zvakadaro?

12 Chibereko hachisati chichifadza. Vatano isati iri yapamutemo inoguma nokutambudzika kwendangariro. Kungaparirawo hosha, mimba isingadikanwi uye sezvinobvira kuputsika kweroorano. (Zvir. 6:32-35; 1 VaK. 6:18; 1 VaT. 4:3-8) Kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo kunogona kuparirawo kushatirwa, mutauro wakashata, zviono zvakadzikatidzika, dzungu, kuneteswa kwesimba rokufema, madzerere norufu. (Enzanisa Zvirevo 23:29-35.) Kunogona kuparira kupindwa muropa, uko kungaparirawo utsotsi nokuda kwokutsigira muitirowo. Avo vanobatanidzwa mumufambiro wakadaro vanowanzoziva chinogona kuva muuyo. Asi kupanga kwavo kunyanduka uye nokuda kwomufaro wegutsikano yenyama zvinovaparira kudzivira ndangariro dzavo kumiuyo. Vanozvizivisa ivo vamene kuti rusununguko, asi ipapo vanowana kwave kunyanyononoka, kuti ivo varanda vechivi, uye kuti chivi nditenzi anoutsinye hwakadini! Kurangarira pamsoro penhauyo zvino kungatibetsera kutidzivirira pachinoitika chakadaro.—VaG. 6:7, 8.

Panovambira Zvinetso

13. (a) Ko zvishuvo zvinoparira zvinetso izvozvi zvinowanzonyandurwa sei? (b) Kunzwisisa dziri “songaniro dzakashata,” tinoda murangariro waaniko? (c) Zvaunopindura mibvunzo iri pakupera kwendima ino, simbisa murangariro waJehovha. Tsinhira pamsoro pomubvunzo mumwe bedzi panguva imwe neimwe.

13 Imbomira ndokufunga pamsoro peapo zvinetso izvozvi zvinowanzovambira. Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Munhu mumwe nomumwe anoedzwa kupfurikidza nokupesvedzerwa ndokunyengerwa noruchiva rwake amene. Ipapo ruchiva, parunenge rwakura, runobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinovigira rufu.” (Jak. 1:14, 15) Asika kuchiva ikwokwo kunonyandurwa sei? Kupfurikidza nezvinopinda mundangariro, uye kazhinji kazhinji ikoku kunovapo somuuyo wesonganirano navanhu vasingashandisi nheyo dzeBhaibheri. Chokwadi, isu tose tinoziva kuti tinofanira kudzivisa “songaniro dzakashata.” Asika mubvunzo ndouyu, Ndedzipi songaniro dziri dzakashata? Ko Jehovha anorangarira sei nhau yacho? Kurangarira pamsoro pemibvunzo namagwaro zvinotevera kunofanira kutibetsera kusvika pamhedziso dzakafanira.

Ko idi rokuti vamwe vanhu vanoratidzika kuva vanoremekedzeka rinoreva here kuti ivo vachava vasonganiri vakanaka? (Enzanisira Genesi 34:1, 2, 18, 19)

Ko kurukurirano yavo, zvimwe misere yavo, zvinoratidzira here kana isu tiri shamwari chaidzoidzo dzavo? (VaEf. 5:3, 4)

Ko pane chikonzero chipi nechipi here chokuti isu tive vanoitira hanya kana ivo vasingadaviri zvinhu zvimwe chetezvo pamsoro pedonzo raMwari sezvatinoita? (Enzanisa 1 VaKorinte 15:12, 32, 33.)

Ko Jehovha aizorangarira sei kudai taizosarudza songanirano navanhu vasingamudi? (Enzanisa 2 Makoronike 19:1, 2.)

Kunyange zvazvo tingave tichishanda pamwe chete navasingatendi kana kuti kuenda kuchikoro pamwe chete navo, tingagona sei kuratidzira kuti isu hativasarudzi savasonganiri? (1 Pet. 4:3, 4)

Kuona terevhizheni nokurava mabhuku, magazini namapepa nhau inzirawo dzokusonganirana navamwe. Ko pane dikanwo chaiyo yokurinda mazuva ano pamsoro porudzii rwamashoko anobva mumanyuko aya? (Zvir. 3:31; Isa. 8:19; VaEf. 4:17-19)

Ko kusarudza kwedu vasonganiri kunozivisei Jehovha pamsoro porudzi rwavanhu vatiri? (Pis. 26:1, 4, 5; 97:10)

14. Rusunungukoiko rwakaisvonaka rwuri mberi nokuda kwaavo vanoshandisa nomutoo wokutendeka zano reShoko raMwari zvino?

14 Pamberi pedu chaipo apa pane Nhevedzo Itsva yaMwari. Kupfurikidza noUmambo Hwake vanhu vachasunungurwa papesvedzero inovabata mumusungo yaSatani netsika yake yose yakaipa yezvinhu. Pashoma napashoma tapuro dzose dzechivi dzichabviswa pavanhu. Upenyu husingagumi muParadhiso huchava pamberi pavo. Rusununguko runotsinhirana zvizere no“mudzimu waJehovha” pakupedzisira ruchafarikanywa nechisiko chose. (2 VaK. 3:17) Kwaizoita mufungo here kuisa pangozi kurashikirwa nezvose zvaizvozvo nemhaka yokurerutsa zano reShoko raMwari zvino? Kupfurikidza nenzira yatinoshandisa nayo rusununguko rwedu rwechiKristu nhasi isu tose ngatiratidzirei zvakajeka kuti chatinoda zvomenemene ndirwo “rusununguko rune mbiri rwavanakomana vaMwari.”—VaR. 8:21.

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Vaviri vokutanga vohunhu vakafarikanya rudzii rworusununguko? Ko irworwo runoenzanirana sei nourwo vanhu vari kuwana zvino?

● Mukusiana nenyika, maKristu echokwadi ane rudzii rworusununguko? Irworwu runobvira sei?

● Mutengoi unoripirwa naavo vanotsvaka rudzi rworusununguko rwune nyika?

● Neiko kuchikosha zvikuru kudzivisa “songaniro dzakashata”? Mukusafanana naAdhama, zvisarudzo zvaani pamsoro pechiri chakashata zvatinogamuchira?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe