RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 10 pp. 78-86
  • Umambo “Husingazotongoparadzwi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo “Husingazotongoparadzwi”
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunzvera Kunonyandura Mwoyo
  • Nharidzano Dzahwo—Mawanirwe Adzo
  • Zvinoitwa Zvava Kutooneka
  • Vara Rinogarisa Roumambo
  • Umambo ‘Husingazomboparadzwi’
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Umambo hwaMwari—Utongi Hutsva Hwepasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 10 pp. 78-86

Ganhuro 10

Umambo “Husingazotongoparadzwi”

1, 2. (a) Iidii rinosimbiswa zuva rimwe nerimwe nezvinoitika zvenyika, uye sei? (b) Ndechipi chiri chigadzikiso bedzi?

ZVINOITIKA zvenyika zuva rimwe nerimwe zvinosimbisa idi rokuti vanhu havazati vawana mufaro kupfurikidza nokuramba uchangamire hwaJehovha uye, panzvimbo pakwo, vachiedza kuzvidzora ivo vamene. Hakuna gadziriro yehurumende yavanhu yakaunza betsero mukusasarura kuvanhu. Kunyange zvazvo vanhu vakakudziridza ruzivo rwesayenzi kusvikira kutambanuko isingaenzanisirwi, ivo vave vasingakwanisi kudzura chivi, kukurira chirwere ndokugumisa rufu, kwete kunyange nokuda kwomumwe wavadzorwi vavo. Mukusiana, marudzi anopfuurira kugadzira zvombo zvitsva nezvakawanda zvinotyisa. Masimba masimba outsotsi anopararira. Ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu, makaro nokusaziva zvinobatana mukushatsa nyika, mvura nemhepo. Kukwira kwemitengo nourovha zviri kukuita kunyanyoomera vazhinji kuwana zvinodikanwa zvoupenyu. Vanhu vapererwa nezano rose zvaro nokuda kwenzira yokubuda nayo.—Muparidzi 8:9.

2 Ndeipi iri mhinduro? Umambo hwaMwari uhwo Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera. (Mat. 6:9, 10) Haiwa tinofanira kuva vanoonga sei kuti sunungurwo yahuchaunza zvino yava pedyo zvikuru!

3. (a) Pamsoro pouhu Umambo, chii chakaitika mudenga muna 1914 N.V.? (b) Neiko ikoko kuri kunokosha kwatiri?

3 Chifo cha 1914 N.V., Umambo hwaMwari hunodzorwa naJesu Kristu hwave huchitobata ushe.a Mugore irero zvinoitika izvo Dhanieri akanga aona muchiono chechiporofita zvakaitika chaizvoizvo mudenga. “Akakwegura paMazuva,” Jehovha Mwari, akapa Mwanakomana womunhu, Jesu Kristu, “ubati ushe nechiremera noumambo, kuti ndudzi, mapoka orudzi nendimi vose vagobatira kunyange iyeyu.” Achishuma pamsoro pechionocho, Dhanieri akanyora, kuti: “Ubati ushe hwake ndihumwe ubati ushe hunogara kusvikira kunguva isingazivikanwi husati huchizoguma, uye umambo hwake ndihumwe husingazoparadzwi.” (Dhan. 7:13, 14) Mwari achagonesa vanoda kururama kufarikanya zvinhu zvisingaverengeki zvakanaka zvaakarongedzera apo iye akaisa vabereki vedu vokutanga muParadhiso kupfurikidza nouhu Umambo.

4. Mashokoi oudzame pamsoro poUmambo atinofarira zvikurukuru, uye neiko?

4 Vadzorwi vakavimbika voUmambo vanofarira zvikurukuru chimiro nokushanda kweiyi hurumende. Vanoda kuziva zvairi kuita iko zvino, zvaichaita munguva yemberi uye nechainoda kwavari. Vanosanoinzvera, uye sezvavanodaro, kuinzwisisa kwavo kunowedzera nokudaro vanozvishongedzera vamene kundozivisa vamwe pamsoro payo.—Pis. 48:12, 13.

Kunzvera Kunonyandura Mwoyo

5. (a) Ko Magwaro anoratidzira sei ane uchangamire hunoratidzirwa kupfurikidza noUmambo hwaMesia? (b) Naizvozvo isu tinotapurwa sei nezvatinodzidza pamsoro poUmambo?

5 Chimwe chezvinhu zvokutanga icho kunzvera kwakadaro kunowadzanyura ndechokuti uhu Umambo hwaMesia iratidzirwo youchangamire hwaJehovha amene. Iye ndiye akapa “ubati ushe nechiremera noumambo” Mwanakomana wake. Nokuda kwechikonzero ichecho, pashure pokunge Umambo uhu hwavamba kubata ushe, manzwi mudenga akazivisa nomutoo wakakodzera, kuti: “Umambo hwenyika hwakava umambo hwaIshe wedu [Jehovha Mwari] uye hwaKristu wake, uye iye [Jehovha] achabata ushe samambo nokusingaperiperi. (Zvak. 11:15) Naizvozvo chinhu chiri chose chatinocherekedza pamsoro pouhu Umambo nezvahunoita chinotiswedza pedyo naJehovha iye amene. Chinoroverera matiri chishuvo chokuzviisa pasi pouchangamire hwake nokusingaperi.

6. Neiko kuri kwefariro chaiyoiyo kwatiri kuti Jesu Kristu ndiye mubati ushe anotevedzera waJehovha?

6 Haiwa kwakaisvonaka sei kuti Jehovha akaisa Jesu Kristu pachigaro choumambo somubati ushe Wake anotevedzera! SeMhizha iyo Mwari akashandisa kuita pasi nomunhu, Jesu anoziva zvinodikanwa zvedu zviri nani zvikuru kupinda zvinoita upi noupi wedu. Kupfuurirazve, iye akaenzanisira kubvira pamavambo enhau yavanhu ‘kuda vanakomana vavanhu’ kwake. (Zvir. 8:30, 31; VaK. 1:15-17) Rudo irworwo rukuru zvikuru zvokuti iye amene akauya kupasi ndokupa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwavo. Naizvozvo iye akaita kuti mutoo wokusunungurwa muchivi norufu uwanikwe nokuda kwedu, uye banza nokuda kwoupenyu husingagumi.—Mat. 20:28.

7. (a) Mukusiana noubati ushe hunoitwa navanhu vapi navapi, neiko iyi hurumende ichizogara nariini? (b) Ko “muranda akatendeka nowakangwara” ane wiriranoi nehurumende yokudenga?

7 Iyi ihurumende yakatsiga, inogara nariini. Vara rayo rokugara nariini rinosimbiswa neidi rokuti Jehovha iye amene haafi. (Hab. 1:12; Pis. 146:3-5, 10) Mukusiana namadzimambo avanhu, Jesu Kristu, uyo Mwari akaronzesa umambo kwaari, haafiwo. (VaR. 6:9; 1 Tim. 6:15, 16) Vanobatanidzwa naKristu pazvigaro zvoumambo zvokudenga vachava vamwe vane 144 000, vabatiri vakavimbika vaMwari vakatorwa mu“ndudzi iri yose nendimi navanhu norudzi.” Ivavawo, vanopiwa upenyu husingafi. (Zvak. 5:9, 10; 1 VaK. 15:42-44, 53) Vazhinjisa zvikuru vavo vatova mumatenga, uye vakasarira vavo vachiri pasi pano vanoumba “boka romuranda akatendeka nowakangwara,” avo vanofambisira mberi mukuvimbika fariro dzoUmambo ihwohwu pano.—Mat. 24:45-47.

8, 9. (a) Ipesvedzeroi dzinokamuranya, dzinoshatsa dzichabviswa noUmambo? (b) Naizvozvo, kana tichizodzivisa kuva vavengi voUmambo hwaMwari, mumasangano api nemibato mataizodzivisa kuva vanobatanidzwa?

8 Nokukurumidza zvino, panguva yakagadzwa yaJehovha, mauto ake okuponda achaita chiito chokuchenura pasi. Iwo achaparadza nokusingaperi vanhu avo nokuda kwechisarudzo chavo vamene havazivi Mwari, vachiramba kubvuma uchangamire hwake, uye vanoseka gadziriro dzorudo dzaanoita kupfurikidza naJesu Kristu. (2 VaT. 1:6-9) Iri richava zuva raJehovha, nguva yanguve yakamirirwa nokuda kwokurevererwa kwake saChangamire weChisiko Chaposepose.

9 Rudzidziso rwose rwenhema, uyewo hurumende dzose dzavanhu namauto adzo, dzave dzichishandiswa nomubati ushe akaipa asingaoneki wenyika ino, dzichaparadzwa nokusingaperi. Vose vanozviratidzira ivo vamene kuva rutivi rwenyika ino kupfurikidza nokuronda mararamire oudyire, okusatendeseka, outere vachaurawa. Satani namadhemoni vachabviswa mukubatana navagari vapasi, vachapfigirwa zvakakotsekana kwamakore ane chiuru. Haiwa ichava sununguko yakadini kuna vose avo vanoda kururama!—Zvak. 18:21, 24; 19:11-16, 19-21; 20:1, 2.

Nharidzano Dzahwo—Mawanirwe Adzo

10. (a) Ko Umambo hwaMesia huchaita sei donzo raJehovha nokuda kwapasi iro rimene? (b) Ko ikoko kucharevei nokuda kwavanhu vanorarama pasi pano panguva iyeyo?

10 Uhu Umambo hwaMesia huchaita zvizere donzo rapakuvamba raMwari nokuda kwapasi. (Gen. 2:8, 9, 15; 1:28) Kusvikira kuzuva rino, munhu akundikana kuita donzo iroro. Zvisinei hazvo, “pasi rinogarwa rinouya” rakaiswa pasi poMwanakomana womunhu, Jesu Kristu. Vose vanopukunyuka kuitwa kworutongeso rwaJehovha patsika ino yekare vachashanda vakabatana mukudzora kwaKristu saMambo, vachiita nomufaro zvipi kana zvipi zvaanoraira zvokuti pasi richava Paradhiso yedenderedzwa rapasi rose. (VaH. 2:5-9) Vanhu vose vachafarikanya basa ramaoko avo ndokubetserekana zvizere nokuwanda kwezvibereko zvapasi. (Pis. 72:1, 7, 8, 16-19; enzanisa Isaya 65:21, 22.

11. (a) Ko kukwana mundangariro nomumuviri kuchaitwa sei nokuda kwavadzorwi voUmambo? (b) Ko ikoku kuchabatanidzei?

11 Apo Adhama naEvha vakasikwa vakanga vakakwana, uye rakanga riri donzo raMwari kuti pasi rive rinozadzwa navana vavo, ivo vose vane kukwana mundangariro nomumuviri. Mukudzora kwoUmambo, donzo irero richazadzika mumbiri. Ikoku kunoda kubviswa kwetapuro dzose dzechivi, uye kuti agoita ikoku Kristu anobatira saasati achingova bedzi saMambo asiwo soMuprista Mukuru. Nomutoo wokushivira achabetsera vadzorwi vake vanoteerera kubetserekana noukoshi hunoyananisira chivi hwechibairo choupenyu hwake humene hwohunhu. Meso asingaoni achasvinudzwa. Nzeve dzisinganzwi dzichadziurwa. Nyama yakashatswa nokukwegura kana kuti nehosha ichava itsva zvikuru kupinda iyo yomwana. Utera husingaperi huchatsiviwa noutano hwakasimba. Zuva richasvika apo kusino munhu uchava nechikonzero chokuti, “ndinorwara,” nokuti vanhu vanotya Mwari vachasunungurirwa mutoro wechivi netapuro dzacho dzinotambudza. Enzanisa naIsaya 33:22, 24; 35:5, 6; Jobho 33:25; Ruka 13:11-13.

12. (a) Ko kukwana kwavanhu kunodeizve? (b) Ko ikoko kuchawanwa sei, uye chii chichaparirwa naikoko?

12 Zvisinei, kuwana kukwana kunobatanidza kuwana zvizhinji zvinopfuura kuva nomuviri wakanaka nendangariro yakanaka. Kunobatanidza kusanoratidzira mavara ohunhu hwaJehovha, nokuti munhu akaitwa ‘mumufananidzo waMwari, mukuwirirana norutodzano rwake.’ (Gen. 1:26) Nokuda kwaikoko, kudzidza kukuru kuchadikanwa. Iyi iNhevedzo Itsva umo “kururama kuchagara,” naizvozvo, sokudeya kuzivisa kwakaita muporofita Isaya, “kururama ndiko kuchadzidzwa zvamazvirokwazvo navagari venyika inobereka zvibereko.” (2 Pet. 3:13; Isa. 26:9) Vara iri rinoparira rugare—pakati pavanhu vamarudzi ose, pakati peshamwari chaidzoidzo, mumhuri yako uye, kupfuura zvose, naMwari iye amene. (Isa. 32:17; Pis. 85:10-13) Avo vanodzidza kururama pashoma napashoma vachadzidziswa kuda kwaMwari nokuda kwavo. Kuda nzira dzaJehovha zvakunosvika pakuva kwakatsiga zvikuru mumwoyo yavo, vachatevera idzodzi murutivi rwuri rwose rwoupenyu hwavo. Munhu akakwana Jesu aikwanisa kutaura kuti, ‘Ini ndinogaroita zvinhu zvinofadza Baba vangu.’ (Johane 8:29) Haiwa upenyu huchava hunofarikanyika sei apo ikoku kunoitika kuvanhu vose!

Zvinoitwa Zvava Kutooneka

13. Shandisa mibvunzo iri pamusoro apa kusimbisa zvinoitwa zvoUmambo uye nokudaro zvatinofanira kuve tichiita.

13 Zvinoitwa zvinoorora zvoUmambo zvinotosanooneka kuna vanhu vane meso okutenda. Mibvunzo inotevera naMagwaro akarongwa zvichakuyeuchidza nezvezvimwe zvaizvozvi, uyewo nezvezvinhu izvo vadzorwi vose voUmambo vanogona uye vanofanira kuve vachiita zvino:

Ko Mambo akatanga kuita chiito mukurwisana naani, uye nomuuyoi? (Zvak. 12:7-10, 12)

Kuunganidzwa kwemitezo yokupedzisira yebokai kwakapiwa ngwariro yokukurumidzira pashure pokunge Kristu agadzwa pachigaro choumambo? (Mat. 24:31; Zvak. 7:1-4)

Pana Mateo 25:31-33, ko Jesu akadeya kuzivisa rimwe basai raaizoita pashure pokunge agara pachigaro chake choUmambo uye pamberi pokuparadza vakaipa?

Ko basa iri riri kuitwa sei? Ndivanaani vari kutora rutivi mariri? (Mat. 24:14; Pis. 110:3; Zvak. 14:6, 7)

Neiko vashori vezvamatongerwe enyika nevorudzidziso vave vasingakwanisi kurimisa? (Mabasa 5:38, 39; Zek. 4:6)

Somuuyo webasa redzidzo riri kuitwa, kuchinjai kwakatoitika muupenyu hwavanhu vanozviisa pasi poubati ushe hwoUmambo? (Isa. 2:4; 1 VaK. 6:9-11)

Vara Rinogarisa Roumambo

14. (a) Ko Jesu achabata ushe kusvikira riini? (b) Chii chichapedzwa mukati menguva iyeyo?

14 Pashure pokuiswa mugomba rakadzika dzika kwaSatani namadhemoni ake, Jesu Kristu navadyi venhaka vake vane 144 000 vachabata ushe kwamakore ane chiuru. (Zvak. 20:6) Mukati menguva iyeyo vanhu vachasvitswa pakukwana. Hurumende yose nechiremera nesimba rinoshora Jehovha zvichabviswa. Kana ikoku kwaitwa, Jesu achadzosera Umambo kuna Baba vake, “kuti Mwari agova zvinhu zvose kuno munhu ari wose.”—1 VaK. 15:24, 28.

15. Ndekwechokwadi sei kuti uhu Umambo hahuzo‘tongoparadzwi?’

15 Nzvimbo yaJesu amene pamusoro papasi nokuda kwaizvozvo ichachinja. Hunyanguvezvo, ubati ushe hwake huchava “hunogara kusvikira kunguva isingazivikanwi” uye Umambo hwake “hahuzoparadzwi.” (Dhan. 7:14) Munziraiko? Mukuti chiremera chokubata ushe hachizopindi mumaoko avamwe vane vavariro dzakasiana. Zvinoitwa zvoUmambo hazvi‘chazotongoparadzwi.’ Izvo Umambo hunoita kureverera zita raJehovha nedonzo rake pamsoro pepasi rino zvichagara nokusingaperi.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona bhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come,” peji 127-139.

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Neiko Umambo hwaMwari huri chigadzikiso bedzi chezvinetso zvavanhu? Ko ihwo hwakavamba riini kubata ushe?

● Chii chinoudzisira zvikurukuru kwauri pamsoro poUmambo hwaMwari nezvahuchaita? Neiko?

● Ndizvinoitwai zvoUmambo zvatinogona kutoona? Rutivii rwatinarwo muna izvozvi?

[Mufananidzo uri papeji 84, 85]

Kururama ndiko kuchadzidzwa navanhu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe