Ganhuro 20
Upenyu Neropa—Unozvibata Sezvitsvene Here?
1. (a) Ko Mwari anorangarira sei upenyu? (b) Tingaenzanisira sei kuti tinoonga chipo chaMwari choupenyu?
HAKUSATI KUCHIFANIRA kutishamisa kuti murangariro waMwari paupenyu wakasiana zvikuru nowowo wenyika. Kuna Mwari, upenyu hwomunhu hutsvene. Ko iwe unohurangarira nenzira iyeyo here? Isu tinotsamira chose chose pana Mwari, uyo “anopa vanhu vose upenyu nechifemo nezvinhu zvose.” (Mabasa 17:25-28; Pis. 36:9) Kana tine murangariro waMwari, tichataviridzira upenyu hwedu. Asika hatizati tichizoputsa mutemo woumwari mukutamburira kuponesa upenyu hwedu hwazvino. Tinokoshesa chipikirwa chaMwari choupenyu husingaperi nokuda kwaavo vanotenda zvomenemene muMwanakomana wake.—Mat. 16:25, 26; Johane 6:40; Judhasi 21.
2. Ko nyika inoratidzira chimiro chendangariro chaani kuupenyu, uye ko ikoku padzimwe nguva kunowanzoparira rudzii rwokurangarira?
2 Mukusiana, Jesu akataura kuti Satani Dhiabhorosi, mubati ushe wenyika ino, “akanga ari muurayi paakavamba.” (Johane 8:44; 12:31) Kubvira pamavambo pamene penzira yake yokupanduka akaunza rufu kuvanhu. Nhau yamasimba masimba yenyika inoratidzira mudzimu wake. Asika Satani anogonawo kupa chitarisiko chinoratidzika kuva chakasiana. Nenzira iyeyo vanhu vanopesvedzerwa kupfurikidza nokufunga kwake vanotaura kuti, kunyange zvazvo kungava kwakanaka chose kuva worudzidziso, apo upenyu hunova pamutanhiko ungabetserekana kupfurikidza nokutetekera pangiro yavo yo“unyanzvi” panzvimbo pokunokora mashoko Bhaibheri. (Enzanisa 2 VaKorinte 11:14, 15.) Pakunangana nechinoratidzika kuva mugariro woupenyu kana kuti rufu, ko mwoyo wako ucharerekera kunzira ipi? Chokwadika, chishuvo chedu chinofanira kuva chokufadza Jehovha.
3. (a) Neiko tichifanira kufarira zvikurukuru chinorehwa neBhaibheri pamsoro peropa? (b) Rava Genesi 9:3-6 naMabasa 15:28, 29, uye ipapo pindura mibvunzo yakarongwa pamsoro apa namagwaro aya.
3 Shoko raMwari rinozivisa wirirano chaiyoiyo iri pakati poupenyu neropa, richiti: “Mweya [kana kuti upenyu] wenyama uri muropa.” Sezvo upenyu huri hutsvene, saizvozvowo, Mwari akaita kuti ropa rive dzvene. Ndichimwe chinhu chiri chake, chinofanira kushandiswa bedzi nomutoo waanotendera. (Revh. 17:3, 4, 11; Dheut. 12:23) Naizvozvo tinoita zvakanaka kusanorangarira zvaanoda kwatiri pamsoro peropa.
Rava Genesi 9:3-6
Miitiroi iri munharaunda yenyu inoda kuti iwe uve anosvinurira kuti ugorega kudya ropa remhuka?
Mukurangarira zvinotaurwa Ge 9 mundima duku 4 pamsoro peropa remhuka, iwe ungaita sei kukunwa ropa romunhu (uko kwakanga kuchiitwa pamitambo yavanorwisana navanhu nemhuka yeRoma)?
Sezvinoratidzirwa Ge 9 mundima duku 5 ne 6, ko munhu anofanira kuzvipindurira nokuda kwokuteurwa kweropa zvikurukuru kuna ani?
Rava Mabasa 15:28, 29
Ko ikoku kunorondedzera here kuti zvinodikanwa zvaizoshanda kwenguva yakaganhurirwa bedzi? Zvinoshanda kwatiri here?
Ko ropa romunhu haribatanidzwi kupfurikidza nomutauro unoshandiswa pano here?
Ko rugwaro runoratidzira kuti kusia kungaitwa mune zvinoitika zvengozi here?
4. Sezvarondedzerwa pano, ko Magwaro anoratidzira chiitoi icho munhu angada kushandisa kuti agorega kupinda mumhaka yeropa?
4 Kana toreva nezveropa romunhu, hatingagoni kubvuma kuti kurega bedzi kuuraya kunotiita kuti tirambe tisina mhaka. Magwaro anoratidzira kuti kana tiri rutivi rwesangano ripi neripi rine mhaka yeropa pamberi paMwari, tinofanira kugura kubatana kwedu naro kana tisingadi kuva nezvivi zvaro. (Zvak. 18:4, 24; Mika 4:3) Chiito chakadaro chinoda ngwariro yokukurumidzira.
5. Ko rushingairo mubasa romumunda runobatana sei nokuva asitongorina mhaka yeropa?
5 Muchinoitika chavabatiri vaMwari avo iye akatuma kundonyevera nezveruparadziko runouya mudambudziko guru, kuramba kwavo vasitongorina mhaka yeropa kunoda kuti vazivise mukutendeka shoko irero. (Enzanisa Ezekieri 3:17-21.) Muapostora Pauro akazvirangarira amene kuva ane ngava kuvanhu vamarudzi ose nokuda kwoushumiri hwakamugoverwa. Iye akanzwa asitongorina mutoro weropa ravo pashure bedzi pokunge iye asanopupurira kwavari pamsoro pegadziriro yaMwari yoruponeso. (VaR. 1:14, 15; Mabasa 18:5, 6; 20:26, 27) Ko rushingairo rwako muhushumiri hwomumunda runoratidzira kusvinurira kumwe cheteko mutoro uri pana vose veZvapupu zvaJehovha here?
6. Ibatanoi iripo pakati pokudzivirira tsaona nokuremekedza utsvene hwoupenyu?
6 Tsaona dzinouraya dzinofanira kuva dzinoitirwa hanya nesu. Mumutemo waMosesi vanhu vaiparira rufu rwomunhu biyavo vaisarangarirwa kuva vasina mhaka. Zvirango zvaiiswa. (Eks. 21:29, 30; Dheut. 22:8; Num. 35:22-25) Kana tikafungisisa nheyo inobatanidzwa, tichangwarira kudzivisa kupira kutsaona ipi neipi inouraya kupfurikidza nenzira yatinochaira nayo motokari, kupfurikidza nokuzvipinza kwedu mungozi kwakati kuti kana kuti kupfurikidza nokubvumira migariro isina kukotsekana kuti ive mumisha yedu kana kuti kunzvimbo yebhizimisi. Ko chimiro chako chendangariro pamsoro pezvinhu izvozvi chinoratidzira kunzwisisa kuzere nokuda kwoutsvene hweropa here?
Zvakadiniko Nokushandiswa Kweropa Mukurapa?
7. (a) Ko kuisirwa ropa romumwe munhu muno mumwe kunowirirana noutsvene hweropa here? (b) Neiko kuri kusina mufungo kuganhurira murairo woku‘rega ropa’ kumiitiro yakanga ichizivikanwa muzana ramakore rokutanga?
7 Kunyange zvazvo muitiro wacho usati uri mutsva, zvikurukuru muzana ramakore rechimakumi maviri ropa rave richishandiswa zvakafara nokuda kwokuisirwa ropa, nedonzo rokutsigira upenyu. Zvose zviri zviviri ropa rose nezvinoumba ropa zvinokosha zvinoshandiswa nenzira iyi. Chokwadika, miitiro yakadaro yokurapa haisimbisiri kuti murwere haazofi. Dzimwe nguva, idika, rufu runotevera somuuyo wakananga wokushandiswa kwakadaro kweropa. Asi chinotoitirwa hanya zvikuru kwazvo—Ko chinodikanwa cheBhaibheri chokuti ti“rege ropa”chinoshanda kunouyu muitiro wokurapa here? Hungu! Kupinza ropa mumuviri wako rinobva kune chimwe chisikwa chipi nechipi, munhu kana kuti mhuka, kunoputsa mutemo woumwari. Kunoratidzira kuzvidza utsvene hweropa. (Mabasa 15:19, 20) Hakuna hwaro hwokuganhurira murairo woku‘rega ropa’ kumiitiro yakanga iripo muzana rokutanga ramakore uye nenzira iyeyo ndokusabatanidza unyanzvi hwazvino uno hwokurapa. Rangarira pamsoro penhau: Ndianiko aizokambira kuti murairo weBhaibheri unorwisana nokuponda hauna kubatanidza kuuraya munhu kusiri pamutemo kupfurikidza nepfuti, sezvo unga husina kuitwa kutozosvikira muzana ramakore rechi 10? Uye kwaizova kunomufungo here kuita nharo kuti kurambidzwa kwokuraradza kwaishanda bedzi mukuwirirana nezvinwiwa zvaizivikanwa muzana rokutanga ramakore uye kusati kuri kuzvinwiwa zvinoraradzisa zvomuzuva razvino uno? Kuna vanhu vanoda zvomenemene kufadza Mwari, shoko rakapiwa kupfurikidza nomurairo roku“rega ropa” rakajeka.
8. (a) Ungagona sei kutema kana muitiro wokurapa wakati kuti wakakodzera muKristu? (b) Kana chiremba akanga achida kubvisa rimwe reropa rako umene, ndokurichengeta dzokonokei oridzorera mumuviri wako mukati mokuvhiya, inheyoi dzeBhaibheri dzingakubetsera kuita chisarudzo chakanaka? (c) Ko munhu angarangarira sei pamsoro pokurapwa kunoda kuti ropa ritenderedzwe nomumuchina uri kunze kwomuviri?
8 Hunyanguvezvo, kuoma kwemimwe miitiro yokurapa kungamutsa mibvunzo. Ko ikoku kungagadzikiswa sei? Kutanga, kumbira chiremba wako nokuda kwokutsanangurwa kwakajeka kwomuitiro unokarakadzwa. Ipapo kamuranisa mumunyengetero mukubetserwa nenheyo dzeBhaibheri. Chiremba angakarakadza kuti rimwe reropa rako umene ribviswe ndokuchengetwa nokuda kwokushandiswa, kana kuri madikanwa, mukati mokuvhiiwa kwapashure. Ungabvumira here? Yeuka kuti, mukuwirirana noMutemo waMwari wakapiwa nokuna Mosesi, ropa raibviswa muchisikwa raifanira kudururirwa muvhu. (Dheut. 12:24) Isu nhasi hatizati tiri pasi pebumbiro roMutemo, asi shoko rinokosha nderokuti ropa idzvene uye, parinobviswa mumuviri wechisikwa, rinofanira kudzorerwa kuna Mwari kupfurikidza nokuridururira pachitsiko chetsoka dzake, pasi. (Enzanisa Mateo 5:34, 35.) Naizvozvo kungagona sei kuva kwakakodzera kuchengeta ropa rako (kunyange nokuda kwenguva pfupi yakati kuti) dzokonokei rodzorerwa mumuviri wako? Asika zvakadiniko kana chiremba akataura kuti, mukati mokuvhiya kana kuti munguva yokumwe kurapa, ropa rako ringafambiswa nomumuchina uri kunze kwomuviri wako, uye ipapo, rodzorerwa mukati? Ungabvumira here? Vamwe vakarangarira havo kuti, kupfurikidza nehana yakajeka, vangabvumira havo ikoku, kana muchinawo wakaiswa mvura dzisina ropa. Ivo vakarangarira muchina wokunzewo sefutunuro yegadziriro yokuyerera kweropa. Chokwadika, migariro inosiana, uye ndiwe anofanira kusarudza. Asi chisarudzo chako chinofanira kukusiya une hana yakachena pamberi paMwari.—1 Pet. 3:16; 1 Tim. 1:19.
9. (a) Kusimbisira ruremekedzo nokuda kwechisarudzo chako choku‘rega ropa,’ ingwariroi yaunofanira kuita? (b) Kunyange muchinoitika chengozi, ko kunangana kusingafadzi padzimwe nguva kungadziviswa sei? (c) Kana chiremba kana kuti dare rikaedza kugombedzera kuisirwa ropa, ungaitei?
9 Kusimbisira kuti chiremba wako acharemekedza chisarudzo chako choku‘rega ropa,’ taura naye ngozi ipi neipi yokurapa isati yamuka. Kana kuri madikanwa kunzvera muchipatara nokuda kwokurapwa, shandisa kungwarira kwokukumbira mukunyora kuti hapana ropa rinofanira kushandiswa, uyewo taura pamsoro pakwo iwe umene nachiremba uyo achatarisira chirwere chako. Asika zvakadiniko kana pane ngozi isingakarirwi? Kunangana kusingafadzi kunogona kuwanzodziviswa kupfurikidza nokuva nekurukurirano inoremekedza, ino mufungo nachiremba, uchimukuchidzira kushandisa unyanzvi hwake kubetsera, asi achiremekedza hana yako yechiKristu. (Zvir. 15:1; 16:21, 23) Zvisinei, kana zvimwe vashandi vezvokurapa vane vavariro dzakanaka vakaomerera kuti kuramba ropa kungapinza mungozi upenyu hwedu nokudaro ndokuedza kutigombedzera kubvuma, ipapo toitei? Kutenda kururama kwenzira dzaJehovha kunofanira kutitsigisa. Kuvimbika kuna Jehovha kunotofanira kutiita kuti tirambe chose chose, nokuti tinosarudza kuteerera Mwari panokuteerera vanhu.—Mabasa 5:29; enzanisa Jobho 2:4; Zvirevo 27:11.
Ko Nhau Yacho Yakakomba Zvakadini?
10. Ko nei kukambira kuti kuisirwa ropa kunodikanwa kuponesa upenyu kusati kwaizochinja kurangarira kwedu nhauyo?
10 Kuna vanhu vachigere kuziva Jehovha, nharo nokuda kwokuisirwa ropa padzimwe nguva dzingaratidzika kuva dzinoratidzira kurangarira zvikuru nokuda kwoutsvene hwoupenyu. Asika hatikanganwi kuti vazhinji vanoita nharo neiyi nzira vanoregererawo kuparadzwa kwoupenyu kupfurikidza nokubvisa nhumbu. Jehovha anoziva zvakawanda pamsoro poupenyu neropa kupinda “gorokotera” ripi neripi rokurapa. Mirairo Yake yose yakabvumikisa kuva inotibetsera, inotaviridzira upenyu hwedu hwazvino uno nekariro dzedu dzomunguva yemberi. (Isa. 48:17; 1 Tim. 4:8) Ko murairo woku“rega ropa” wakasiana here?
11. (a) Ndokupi kwakanga kuri kushandiswa bedzi uko Jehovha akabvumira vaIsraeri kuita pamsoro peropa? (b) Neiko ikoku kuchikosha zvikuru kwatiri samaKristu?
11 Kukomba kwokuremekedza utsvene hweropa kunosimbiswa neizvo Jehovha akataura pamsoro pokushandiswa bedzi uko ropa rinogona kuitwa. “Mweya wenyama ndiro ropa, uye ini ndimene ndakariisa paartari nokuda kwenyu kuti muite yananisiro yemweya yenyu, nokuti ndiro ropa rinoita yananisiro kupfurikidza nomweya uri mariri. Ndicho chikonzero nei ini ndakataura kuvanakomana vaIsraeri: ‘Hapana mweya wenyu unofanira kudya ropa.’” (Revh. 17:11, 12) Ropa rose remhuka raidururwa paartari yaJehovha mutsinhirano nechinodikanwa ichecho rakadeya kufananidzira ropa rinokosha raJesu Kristu. (VaH. 9:11, 12; 1 Pet. 1:18, 19) Naizvozvo utsvene hweropa raJesu iro rimene hunosimbiswa kupfurikidza nomutemo waMwari unorambidza kumwe kushandiswa kupi nokupi kweropa. Muna ikoku kunogona kuonwa kuti kushandiswa zvisino kufanira kupi nokupi kweropa kunoratidzira kuzvidza kukurusa gadziriro yaJehovha yoruponeso kupfurikidza noMwanakomana wake.
12. Kana anangana norufu, neiko muKristu wechokwadi asati aizotendeukira kukushandiswa zvisina kufanira kupi nokupi kweropa mukutamburira kuramba ari mupenyu?
12 Kana wanangana nomugariro woupenyu kana kuti rufu, haiwa kwaizova kusakwanisa kurangarira nguva yemberi sei kurinzira gotsi romumwe kuna Mwari! Kunyange zvazvo tichionga basa ravanachiremba vanotungamirirwa nehana, hatizati tichiedza kupererwa nezano rose zvaro kuzvichengeta isu timene tiri vapenyu kana kuti vadikanwi vedu kwamamwe mazuva mashomanene kana kuti makore kupfurikidza nokuputsa mutemo waMwari, sokunge kuti upenyu huno hwakanga hurihwo bedzi huripo. Tinotenda ukoshi hweropa rakateurwa raJesu noupenyu husingagumi hwarinoita kuti hubvire. Nomwoyo wedu wose tinodavira kuti vabatiri vakatendeka vaMwari—kunyange avo vanofa—vachatuswa noupenyu husingagumi.—Johane 11:25; 1 Tim. 4:10.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Chii chinoita kuti upenyu neropa zvive zvitsvene? Neiko nyika ichiita nharo nokuda kwomurangariro wakasiana?
● Kana dziri mhuka, tinoratidzira sei ruremekedzo nokuda kwoutsvene hweropa radzo?
● Ko isu tose tinofanira kuratidzira kuti tinobata upenyu hwomunhu sohuri hutsvene munzirai dzakasiana-siana? Ko kunokosha sei kuita kudaro?