Rwiyo 50
Kugamuchira Rudo rwaMwari
1. Mwari mukurukuru; Tinokudai kwazvo,
Munofanirwa nerumbidzo.
Tokudza zita renyu,
Kupfurikidza neshoko renyu tinodzidza zvenyu.
Munotinzwira nyasha, Muchiruramisira;
Munoratidza uchenjeri.
Tinoziva kuti, mwoyo tikauchengeta,
Muchatikomborera isu.
2. Makatanga kutida; Rudo’rwu rwunosunda
Isu kukudaiwo imi.
She Kristu wakauya,
Kuzom’tsvenesa nokupa upenyu husingagumi.
Hapana ane rudo Rwunopinda rwaKristu
Sechibairo akazvipa.
Kuti tirege kufa, tifarire kufudzwa
Tichiterera zano rake.
3. Mubasa roUmambo Tirege kutsauswa;
Tipfuurire nezvokwadi.
Nediso mubasa’ri
Tinozadzisa rudo rwunopa zviri madikanwa.
Sezvatinoshumira Kudanana kwedu’ku
Kunoratidzira MaKristu.
Ukoshi hwoUmambo tinoshandisa kwazvo;
Tichimirira mubairo.