Rwiyo 110
Iva Anokanganwira
1. Norudo Ja akaita
Mbuva yezvivi zvedu,
Akapa Mudzikinuri,
Mwanakomana wake.
Apo tinosanopfidza
Topiwa kanganwiro
Pahwaro hwaKristu Jesu,
Tinoda regererwo.
2. Mwari anokanganwira
Avo saiye Mwari,
Vanokanganwira vamwe,
Vachiratidza rudo.
Zvatisina kukwanawo,
Tinotadza kazhinji
Muzviito zvakaipa.
Tinoda kanganwiro.
3. Kanganwiro yodzivisa
Mazuva okushuwa;
Nayo toratidza tsitsi
Dzinobva kumatenga.
Nokukanganwira vamwe
Toratidza nzwisiso,
Kudzika kwokunzwisisa,
Zvochengeta rugare.
4. Kukanganwira runako
Ngatirusakurire.
Kunotibvisa muhasha,
Nokuvenga kukuru.
Kana tichikanganwira,
Tofanana naMwari,
Wofarira kanganwiro,
Tikudze kunakaku.