Rwiyo 118
Kutsigira Imba yaMwari
1. Tirangarire imba yaMwari
Tisaregeredze nzvimbo yake,
Imba apo Ja akasarudza
Kuti zita rake rigogara.
SaNehemia akangwarira
Kudzorera namato chaiyo,
Timukudzewo nezve“gumi” zvedu,
Toratidza kuti tomuda kwazvo.
(Korasi)
2. Mhuri yaMwari yogara m’humwe,
Mhuri yaanongwarira kwazvo.
M’tariri wake wakatendeka,
Ndizvo vanogara murugare.
Tiunze zvinhu zvedu mumba’yi,
Michero yokutanga yom’kudza.
Unokomborera veimba kwazvo,
Zvoita timubatire nom’faro.
(KORASI)
Titsigire imba yaJa.
Toti, ‘huyai m’namate.’
Imba imhuri yakewo;
Uchagara navo narini.