Rwiyo 128
Ita Zvakawanda—Sezvakaita vaNaziri
1. M’Naziri—Tifanane naye?
Ti’te saiye nhasi?
Votsaura kubatira Ja
M’nzira chaiyoiyo?
Zvinzvere! Ngatipe ngwariro.
Nguva yapera zvikuru.
Ngati’te zvizhinji m’basa,
Nokunzwika kwazvo.
2. M’Naziri—Kurarama kwake
Kwakapfava zvikuru.
Kunovaswededza kunaJa.
Tive nechinangwa’chi.
Vakabvumawo ganhuriro;
Dziri rutivi rwemhiko.
Hama dzedu dzakawanda
Dzinodaro zvino.
3. M’Naziri—Akasianawo.
Akachachamarawo.
Vaizvi’sa pasi zvikuru;
Vachiterera Mwari.
Isu savashandi vaMwari
Tinoratidza kutenda.
Mwari nga’tikomborere,
Tishingairewo.
4. M’Naziri—Wopa m’enzaniso.
Achingwarira kwazvo.
Tive vakachena saivo;
Vokomborerwa naJa.
Rangarira uvimbe naJa.
Anotsigirawo vake.
Tikaita zvakawanda,
Tichawana m’faro.