Rwiyo 163
Chibereko Chomudzimu
1. Chibereko chom’dzimu m’tsvene
Ngatichichengete tose,
Kuti Mwari aremekedzwe,
Tizviwanire upenyu.
Nguva dzose ngatiratidze
Rudo urwo rwakachena,
Uye tirambe tichifara,
Mufaro wotisimbisa.
2. Tive norugare rwaMwari
Tibudirire nohumwe.
Mwoyo murefu unokosha,
Kuti tishivire vose.
Mutsitsi munobva zvizhinji!
Zvinoita tide kunzwa,
Kunaka kunotipa simba
Mukugoverana Ushe.
3. Kutenda kunopa ushingi
Kunonyatsosimbaradza.
Unyoro hwakanaka sei!
Hunobvisa magakava.
Kuzvidzora kunodikanwa,
Kuti tiwane tendero.
Chibereko zvachinofadza,
Ngatichisakurirewo.