Rwiyo 199
“Chiono Chenyika Ino Chiri Kuchinja”
1. Vanhu voparadza pasi,
Pakanaka paJehovha,
Bva isu tine kariro
Yokubva kwoushati (hwakaipa).
(Korasi)
2. M’vengi sembwa wotiruma.
Simba redu woripedza.
Tinoombera nom’faro;
Toziva Tichakunda (chose chose).
(Korasi)
3. M’vengi akaedzesera
Achiedza kupindira,
Tonamatira kuShoko
Ndokuva vakachena (m’mwoyo yedu).
(Korasi)
4. Tsika ino inoguma;
Satani woda kusungwa.
Mashoko’wa toparidza
—Ja anotibatsira (pakutsunga).
(KORASI)
Kunyange nyika iri kuchinja,
Mwari wedu anoronga
Kuchengetedza zvose.