Rwiyo 201
Kufara Norudzi rwaMwari
1. Nokuparidza Umambo
Tokumbira vanhu vose:
“Inzwa i zveBhaibheri.
Musvikire zvokwadi dzoUshe.”
Vose vodaidzwa,
Kubva kune ngwavaira,
Kuenda kum’faro kwazvo,
WeNyika Itsva iri kugadzwa.
(Korasi)
2. Onai! ‘Rudzi rutsvene’
Urwo Mwari akaisa
Mudanga netsauriro,
Kutivazivise ruponeso.
Ja wotifarira
Tikaita zvakanaka,
Tichitevedzera Kristu;
Tisambobva m’nzira youmwari.
(Korasi)
3. Munyika huru zvikuru,
M’sina nhamo nezvinetso,
Ona! boka rinofara
M’basara Mwari rine miuyo.
Havachagomeri.
Votenga zvokwadi yaJa,
Voshandisa muupenyu
Shoko, nokukudza zita rake.
(KORASI)
Vanhu huyai m’fare!
No“rudzi” rwaMwari
M’taure Shoko roupenyu.
Kotamirai Mwari.
Imi m’namatei.
Muchitsigira Umambo hwake.