Ganhuro 2
Zvirevo Zvinotema Nguva Yedu Yemberi
1. (a) Zvirevoi zvazvino uno zvinodzora kufunga kwavanhu vazhinji, uye ivo vanotsvaka kupi zvigadzikiso? (b) Ko ivo vanowanzokundikana kurangarirei?
MUMAKORE ACHANGOBVA kupfuura aya zvirevo zvakakasharara zvinobatanidza nguva yedu yemberi zvakaiswa patiri chimwe pashure pechimwe munhevedzano inokurumidza. Migariro ndeyekuti vanhu kunzvimbo iri yose mukupererwa nezano rose vanoda sununguko. Zvimwe vanodavira muna Mwari, asi kungaratidzika kwavari kuti kana mugariro papasi pano uchizovandudzika, vanhu vanotofanira kuuparira. Vamwe vanoedza kukuita kupfurikidza nehurumende dziripo kana kuti kupfurikidza nokuramba kwavoruzhinji zvisarudzo zveidzi hurumende. Vamwe vanodavira kuti kumukira ndiyo nzira bedzi. Vanorangarira kuti kuchinja mitemo, kutsiva vabati ushe kana kuti kunyange hurumende dzose zvamazvirokwazvo kuchavandudza migariro. Asika maidi anoratidzireiko? Pashure pokuedza kwezviuru zvamakore, vanhu havana kubudisa kunyange hurumende imwe yakaunza kururamisira kusina rusaruro, chengeteko yechokwadi nomufaro usingaperi kuvadzorwi vayo vose. Chii chinoparira ikoku?
2. Neiko migariro munyika yakashata zvikuru?
2 Pasinei hapo nokuti vavariro dzavanhu vari muchiremera dzakaisvonaka sei, hurumende dzose dzavanhu dzinotungamirirwa namasimba asingadzorwi navanhu vari munzvimbo. Naaniko? Nemidzimu inopfuura simba rohunhu, Satani Dhiabhorosi namadhemoni ake. Chokwadi, vanhu vazhinji vanoseka kudavira vanhu vakadaro vomudzimu. Asi Jesu Kristu haana kudaro. Iye amene aiziva mugariro waSatani uye akataura nezvake so“mubati ushe wenyika ino.” (Johane 12:31) Mumutauro wokufananidzira, Bhaibheri rinoratidzira sangano rezvamatongerwe enyika remburumbwa sechikara uye rinozivisa kuti “dragoni [Satani]yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choumambo nechiremera chikuru.” (Zvakazarurwa 13:1, 2; enzanisa Dhanieri 7:2-8, 12, 23-26.) Uye nokuda kwezuva redu Bhaibheri rakadeya kuzivisa “nhamo yakawedzerwa nokuda kwapasi . . . nokuti Dhiabhorosi akaburukira kwamuri.” (Zvakazarurwa 12:12) Hakuna chimwe chinhu chingagona kutsanangurwa nomutoo unogutsa nokuda kwenyongano iyo chaunga chavanhu chakaiswa mairi. Asika yakavapo sei? Chii chatingaita kuwana sununguko?
CHIREVO CHOUCHANGAMIRE
3. Ko Genesi 2:16, 17 inoratidzirei pamsoro poukama hwakafanira hwavanhu naMwari?
3 Maganhuro okutanga eBhaibheri anotizivisa kuti apo Jehovha Mwari akasika vaviri vokutanga vohunhu, Adhama naEvha, ndokuvaisa mubindu reEdheni iye akavarairidza pamsoro poukama hwavo naye. Iye akanga ari Baba vavo, Mugoveri wavo anorupo, uyewo Changamire weChisiko chapose pose. Nokuda kworubudiriro rwavo vamene, ivo vaidikanirwa kunzwisisa kuti upenyu hwavo hunopfuurira hwaitsamira pakuteerera Mwari.—Genesi 2:16, 17; enzanisa Mabasa 17:24, 25.
4. (a) Ko Satani akabva kupi? (b) Chishuvoi chakaipa chaakabvumidza kukudziridzika?
4 Panguva iyeyo chisiko chose chakanga chakakwana. Mukusafanana nemhuka, ngirozi navanhu vakanga vane simba rokuzvisarudzira. Asika nokukurumidza pashure pokusikwa kwomunhu imwe yengirozi, ichishandisa zvisino kufanira mano anoshamisa okuita zvisarudzo zvayo imene, yakapandukira uchangamire hwaJehovha. Nenzira iyeyo yakazviita iyo imene muvengi, kana kuti mudzivisi, kuri revo chaiyoiyo yezita rokuti Satani. (Enzanisa Jakobho 1:14, 15; Zvakazarurwa 12:9.) Achisundwa nechinendirini, Satani akatsvaka kunyengedza vaviri vokutanga vohunhu kubva kuna Jehovha Mwari uye kuvaisa pasi pesimba rake amene. Iye akaona mavari kubvira kwokuti pasi rizadzwe navanhu vanomukudza samwari wavo. (Enzanisa Isaya 14:12-14; Ruka 4:5-7.) Nhauro yezvakaitika muEdheni haizati ichingovawo zvayo ngano. Jesu akataura nezvayo kuva idi renhau.—Mateo 19:4, 5.
5. (a) Zvirevoi zvakamutswa muEdheni? (b) Ndiani anotapurwa nazvo?
5 Jesu akataura nezvaDhiabhorosi, kuti: “Iye haana kutsiga muzvokwadi, . . . Iye murevi wenhema nababa vokureva nhema.” (Johane 8:44) Nhema dzokutanga dzakanyorwa dzaDhiabhorosi dzakataurwa kuna Evha apo iye akapanikira uzvokwadi hwaMwari. Akakuchidzira kurambwa kwomutemo waMwari ndokurangarira kuti kwaizova kunobetsera kuno mumwe nomumwe kugadza mipimo yake amene muupenyu. (Genesi 3:1-5; enzanisa Jeremia 10:23.) Nenzira iyeyo uchangamire hwaJehovha hwakashorwa muEdheni imomo. Sokuratidzira kwakaita zvinoitika zvapashure, kuperera kuna Mwari kwezvisikwa zvose zvakangwara kwakapanikirwawo. Ko izvo zvaibatira Mwari nokuti zvaimuda zvomenemene here, kana kuti zvaigona kunyengedzwa kubva kwaari? (Jobho 1:7-12; 2:3-5; Ruka 22:31) Zvirevo izvi zvaizotapura munhu ari ose ari mudenga napasi pano. Ko Changamire weChisiko chapose pose akaita chiitoi?
6. Neiko Jehovha asina kuparadza vapanduki pakare pakarepo?
6 Panzvimbo pokuparadza pakare pakarepo vapanduki, Jehovha nomutoo wokuchenjera akabvumira nhambo yakati kuti yenguva yokuti zvirevo zvigogadzikiswa nomutoo usingapanikiriki. Mwari akaita ikoku, kwete kubvumikisa pfundo ripi neripi kwaari amene, asi kuita kuti zvisikwa zvine simba rokuzvisarudzira zvimene zvizvionere chibereko chakashata chinoparirwa nokupandukira uchangamire hwake, uyewo kuzvipa banza rokuratidzira pazvimire izvo zvimene panhau idzi dzinokosha. Kana zvirevo zvagadzikiswa, hakuzotongobvumirwizve munhu upi noupi kudzongonyedza rugare.
7. (a) Ko hurumende dzavanhu dzakavamba sei? (b) Ko idzo dzakaita chinyorwa chorudzii?
7 Jehovha Mwari, zvaari Musiki wavanhu, akanga ariwo Mubati ushe wavo wapamaruramiro. (Zvakazarurwa 4:11) Zvisinei, pashure penguva yakati kuti Satani namadhemoni ake vakavamba kunyandura muvanhu chishuvo chisati chiri chokugadza bedzi mipimo yavo vamene pamsoro pechakanaka nechakashata asiwo chokubata ushe pavanhu biyavo. Nimirodhi akanga ari wokutanga kuzvigadza iye amene samambo, achibata ushe pamaguta muMesopotamia. Iye akanga ari “mudzimba mukuru [pose pari paviri wemhuka nowavanhu] mukupesana naJehovha.” (Genesi 10:8-12) Kubvira mumazuva aNimirodhi kuburukira kunguva ino, rudzi rwuri rwose rwunobvira rwehurumende yavanhu rwakaedzwa. Asi chinyorwa chose, sokuziva kunoita mudzidzi upi noupi wenhau, chave chiri choushati nokuteurwa kweropa.—Muparidzi 8:9.
8. Neiko Jesu akaramba kubatanidzwa mutsika yezvamatongerwe enyika yenyika?
8 Apo Jesu Kristu akanga ari pano pasi, Satani akaedza kupinza kunyange iye mupesvedzero yake. Iye akagovera Jesu “maumambo ose epasi rinogarwa” mukutsinhana nechiito chimwe chokunamata. Jesu akaramba. (Ruka 4:1-13) Gare gare vanhu vakada kumuita mambo, asi Jesu akabva. (Johane 6:15) Iye aiziva chakanga chiri tsika yezvamatongerwe enyika enyika, uye aiziva kuti kwakanga kusati kuri kuda kwaMwari kwaari kuedza kuivandudza.
9. (a) Kugadzikisa zvinetso zvavanhu, chii chinofanira kuitwa icho Umambo hwaMwari bedzi hunogona kuita? (b) Ko Umambo ihwohwo chii?
9 Jesu akaratidzira kuvimbika kwakakwana kuna Jehovha, Mwari wake naBaba. Iye akada nzira dzaBaba vake uye aigaroita zvinhu zvinofadza kwavari. (Johane 8:29) Iye aiziva kuti zvigadzikiso zvezvinetso zvavanhu zvaizoitwa kupfurikidza noUmambo hwaMwari, hurumende chaiyo yaizobata ushe iri kudenga uye yaizogovera nhungamiro yakarurama neyorudo inodikanwa navanhu. Umambo ihwohwo hwoga bedzi hwaigona kubvisa pesvedzero yaSatani namadhemoni ake. Ihwo hwoga bedzi hwaigona kubatanidza vanhu vendudzi dzose namarudzi mumhuri imwe chete yemburumbwa inorarama murugare. Ihwo bedzi hwaigona kusunungura vanhu muusungwa hwechivi norufu. Ihwo bedzi hwaigona kuvigira mufaro usingaperi kuvanhu. Umambo uhwu hauzati huri gadziriro yakati kuti inogadzwa navezvamatongerwe enyika ndokukomborerwa navakuru vakuru vorudzidziso. MaKristu echokwadi haazati achishandisa zvombo zvehondo yokunyama kufambidzira mberi fariro dzahwo. Ihurumende yaMwari amene, ina Mambo akakwana wokudenga akagadzwa pachigaro choumambo naMwari amene. Uhu ndihwo Umambo uhwo Jesu akaparidzira pamsoro pahwo uye uhwo iye akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera.—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 20:1, 2; 21:3, 4.
UCHASARUDZA RUTIVI RUPIKO?
10. (a) Chii chiri chirevo chikuru icho mumwe nomumwe wedu anofanira kunangana nacho? (b) Ko tinofanira kuve tichiitei pamsoro pacho?
10 Chirevo chaunofanira kunangana nacho ndeichi: Unoziva here kuti Jehovha Mwari, Musiki wechisiko chapose pose, ndiyewo Changamire wacho wapamaruramiro, Mubati Ushe wacho Mukurusa? Wati wawana nguva yokudzidza madonzo ake nezvinodikanwa zvake sezvinotsanangurwa muBhaibheri here? Nokuda kwokuremekedza nzvimbo yake uye mukunzwisisa nzira dzake, ko iwe unozvibvumikisa umene kuva anomuteerera norudo here?—Pisarema 24:1, 10; Johane 17:3; 1 Johane 5:3.
11. Neiko kusarudza nzira yakasiana kusati kuchivigira mufaro?
11 Ko vamwe vanhu vanosarudza imwe nzira vanofara zvikuru here? Chii chakaparirwa nenharo dzaSatani dzokuti vanhu vaizobetserekana kupfurikidza nokukambira kuzvitonga kwavo panzvimbo pokuteerera Mwari? Kuramba kubvuma kuti Mwari ndiye muzvinapasi uye kuti vanhu vose, savazukuru vavaviri vokutanga, vanoitirwa kuva hama kwakaparira kuurawa kwavarume, vakadzi navana vanenge mamirioni ane 99 muhondo muzana rino ramakore roga bedzi. Kukundikana kushandisa mipimo yetsika yeBhaibheri kwakaparira mhuri dzinoputsika, nhenda dzakapararira dzehosha inopomeranwa muvatano, kushatswa kwoutano kupfurikidza nokupindwa muropa nemirimo, noutsotsi hwamasimba masimba. Kunyange vanhu vanopukunyuka mugumo wamasimba masimba vanonangana norufu nokuda kwechivi chakagarwa nhaka kuna Adhama. Ufakazi hwose hunoratidzira kuti vanhu vanozvikuvadza ivo vamene naavo vakavapota apo ivo vanofuratira zvinodikanwa zvokuchenjera nezvorudo zvoMusiki. (VaRoma 5:12; enzanisa Isaya 48:17, 18.) Zvamazvirokwazvo irworwo harusati ruri rudzi rwoupenyu rwaunoda. Unogona kusarudza chimwe chinhu chiri nani zvikuru kwazvo.
12. (a) Kukokai kwoushamwari kunoitwa neBhaibheri kwatiri? (b) Sezvatinoshandisa mukufambira mberi Shoko raMwari muupenyu hwedu, chii chatichawana?
12 Kupfurikidza neudzisiro youshamwari, Bhaibheri rinokoka, richiti: “Ravirai muone kuti Jehovha wakanaka, haiwa imi vanhu; anofara ndiye munhu akagwinya anotizira kwaari.” (Pisarema 34:8) Kuita saizvozvo, unotofanira kuziva Jehovha ibvei woshandisa zano rake. Zvaunoita kudaro, upenyu hwako huchava hunozadzwa nerevo. Panzvimbo pokuchiva zvinguvana zvomufaro zvingakubetsera kwechinguvana kukanganwa zvinetso asi zvinowanzoparira kuzvidemba gare gare, uchadzidza kugonana kwaungaita nomutoo unobudirira nezvinetso zvoupenyu namawanire aungaita mufaro usingaperi. (Zvirevo 3:5, 6; 4:10-13; 1:30-33) Uchava une kariro yokupinda muzvikomborero zvinoisvoshamisa zvichauya kupfurikidza noUmambo hwaMwari. Kana irworwu rwurirwo rudzi rwoupenyu rwaunoshuva, kunokosha kuita chimwe chinhu zvino. Neiko?
MARUDZI OSE AKANANGA ARMAGEDHONI
13. Neiko kuri kunokosha kuita kumira kwakatsiga kurutivi rwaJehovha zvino?
13 Jehovha haazati achizoshivirira nokusingaperi vanhu namasangano ayo noune kana kuti zvimwe nokusaitira hanya anotevera kutungamirira kwaSatani. Iwo haazati achizobvumidzwa kupfuurira kuzvidza mutemo waMwari, kushandisa zvisino kufanira pasi nokushatsa upenyu nokuda kwavamwe. Akanangana nezuva rorutongeso mune iro Bhaibheri rinoti “zuva guru raJehovha.”—Zefania 1:2, 3, 14-18.
14. Ko marudzi ose zvino ari kuunganidzirwa kuchii?
14 Mukuwadzanyurwa kwezvinoitika zvaizoitika mukati mamazuva okupedzisira etsika yezvinhu iripoyi, Jesu Kristu akawadzanyura kuti “midzimu yakafuridzirwa namadhemoni” yaizo“enda kuna madzimambo apasi rose rinogarwa, kundoaunganidzira pamwe chete kuhondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” Sokuratidzira kwakaita kuwadzanyura ikoko, yakaaunganidzira pamwe chete kunzvimbo inonzi muchiHebheru Har–Magedhoni [kana kuti, Armagedhoni].” Kuunganidza ikoko kuri kuitika zvino!—Zvakazarurwa 16:14, 16; Authorized Version.
15, 16. (a) Armagedhoni chii? (b) Neiko iri madikanwa?
15 Armagedhoni iyo Bhaibheri rinotaura nezvayo haizati iri chimwe chinhu chinogona kudziviswa kupfurikidza nokudzorwa kwakakomba kwezvombo zvenyukireya. Bvumirano dzamarudzi ose hadzizati dzichizoidzivisa. Sezvinooneka zitaro rinotorwa muguta rekare reMegidho, asi zvizhinji kwazvo zvinobatanidzwa kupfuura nzvimbo iri muMiddle East. Achikuchidzirwa no“mubati ushe wenyika ino” asingaoneki, marudzi ose, pasinei hapo nepfungwa dzao dzakasiana-siana dzezvamatongerwe enyika, ari kuunganidzirwa kumugariro wenyika yose unoratidzira kushora kwao Jehovha Mwari. “Madzimambo apasi rose rinogarwa,” pamwe chete navateveri vawo, ari kuitwa kuti aite kumira kwawo. Chinguvana pamberi peArmagedhoni kushora kwao Umambo hwaMwari navose vanohuparidzira kuchakura zvikurukuru mupasi rose. Kunyange achibvuma kuvapo kwaSatani kana kuti kwete, “nyika yose iri musimba rowakaipa,” sokuzivisa kunoita Shoko raMwari. Nyika yose yakaipa naavo vose vanovimba nayo, hungu, vose vanotevedzera nzira dzayo, vanofanira kuenda.—1 Johane 5:19; 2:15-17.
16 Kubvira kumusoro kusvikira pasi, munzvimbo iri yose, nyika iyi izerwe noushati. Haazati achingova matsotsi bedzi akakurumbira asi vagari vemowo zvavo vanoratidzira ruzvidzo rwoutsinye nokuda kwomutemo nokushaikwa kwokuitira hanya munhu nepfuma yomunhu biyavo. Kupfuura zvose, vanoramba kutetekera izvo Mwari amene anotaura muShoko rake, Bhaibheri. Havaremekedzi uchangamire hwake. Kuri madikanwa kuna Mwari kuita chiito nokuda kwokuchenesa zita rake paruzvidzo rwave ruchiiswa pariri, uyewo kugadzira nzira yokuita kuti pasi rive Paradhiso umo vadi vokururama vachakwanisa kufarikanya rugare nechengeteko chaizvoizvo.
17. (a) Ko kuparadza kuchava kwakakura zvakadini? (b) Ndianiko achatungamirira muuyo wacho?
17 Apo ruparadziko runosvika, hapazati pachizova nepanikiro yokuti runobva kuna Jehovha. Kuparadzanya kuchapoterera mburumbwa yose. Marudzi achaziva kuti Jehovha ari kuita chiito apo mauto ake okuponda anoita basa. Apo chiremera chehurumende chinoputsanyika, ruoko rwomunhu ari ose ruchamukira mubiyake. Ari kumatenga, Mwanakomana waMwari amene achatungamirira muuyo wacho.—Zvakazarurwa 6:16, 17; 19:11-13; Zekaria 14:13.
18. Ndivanaani vachava vapukunyuki?
18 Mukusafanana nemiuyo yehondo yenyukireya inorwiwa navanhu, uku kuparadza hakuzati kuchizova kusingasaruri. Asika ndivanaaniko vachava vapukunyuki? Ko ivo vachava avo vose vanokambira rudzi rwakati kuti rworudzidziso here, kana kuti zvimwe vose vanokambira kuva maKristu? Jesu anoratidzira “vazhinji” vavakadaro sa“vaiti vokusateerera mutemo.” (Mateo 7:21-23) Vanopukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva” vachava avo bedzi vakakudziridza zvomenemene ukama chaihwoihwo naJehovha noMwanakomana wake ari Mambo, Kristu Jesu. Kupfurikidza namararamire avo nokupupurira kwavo pamsoro poUmambo, ivo vachave varatidzira kuti ivo zvomenemene vano“ziva Mwari” uye kuti ivo vano“teerera mashoko akanaka pamsoro paIshe wedu Jesu.” Ko iwe uri kuzvibvumikisa umene kuva munhu akadaro here?—2 VaTesaronika 1:8; Johane 17:3; Zefania 2:2, 3.