RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • su chits. 5 pp. 38-45
  • Rumbonera Runovimbika Rwenguva Yemberi Yavanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rumbonera Runovimbika Rwenguva Yemberi Yavanhu
  • Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MIFANANIDZO YECHIPOROFITA INOFADZA
  • KO IKO KWOSE KWAKADEYA KUGADZIRIRWA HERE?
  • Iva Nokutenda Mushoko raMwari Rouprofita!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • “Jehovha Akaita Zvaaifunga”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 32—Jona
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
su chits. 5 pp. 38-45

Ganhuro 5

Rumbonera Runovimbika Rwenguva Yemberi Yavanhu

1. Neiko chiporofita cheBhaibheri chichigarobvumikisa kuva chakaruruma?

ISU TINE zvikonzero zvakanaka zvokuvimba nezvatinoziviswa neBhaibheri pamsoro penguva yemberi. Zviporofita zvaro hazvina kuvakirwa pakufungidzira kwavanhu vakafunda kuchinja kwezvinhu dzokonokei voita kudeya kutaura. “Hakuna chiporofita choRugwaro chinobva mukududzira kupi nokupi kuri kwoga. Nokuti chiporofita hachina kutongoburitswa nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvo ivo vakanga vachitsigirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:20, 21) Nokuda kwaikoko, chiporofita cheBhaibheri chakabvumikisa kuva chakarurama mumashoko ari ose oudzame.

2. Ipa mienzaniso yezviporofita pamsoro pezvinhu zvenyika.

2 Chakadeya kuzivisa kumuka nokuwa kwoumambo hwenyika nezita—Bhabhironi, Medho-Persia neGirisi. Chakazivisa anenge makore anamazana maviri pachine nguva mberi kuwa kwaizoita Bhabhironi uye zita romukundi waro. Ikoku kwakazadzika muudzame hwose. Chakadeya kuzivisa kuti guta reBhabhironi pakupedzisira raizova dongo risine chinhu, risati richizotongogarwazve. Mugariro iwowo unopfuurira kusvikira kuzuva redu. (Dhanieri 8:3-8, 20-22; Isaya 44:27–45:2; 13:1, 17-20) Mamwe marudzi asina kududzwa muBhaibheri akarondedzerwa pachine nguva mberi mumashoko ose oudzame zvokuti vanhu vanoziva zvikuru vanogona kusanoazivisa.

3. Ko kune zviporofita zvisati zvichitaurwa muchimiro chokudeya kutaura here?

3 Zvisinei, kunofanira kuzivikanwa kuti kune runopfuura rudzi rumwe rwamashoko echiporofita muBhaibheri. Tatocherekedza ikoku pamsoro pezvishamiso zvaJesu, izvo zvakabatira sezvishamiso izvo vanhu vachaona muUmambo hwaMwari. Zvimwe zvikamu zvaMagwaro zvingasashandisa mutauro unonzwika sokudeya kutaura zvinewo mashoko echiporofita.

MIFANANIDZO YECHIPOROFITA INOFADZA

4. Ko isu tinosvinudzirwa sei kurevo yechiporofita yoMutemo waMosesi?

4 Bhuku reBhaibheri raVaHebheru, somuenzaniso, rinosvinudzira meso edu kurevo yechiporofita chenhau idzo muraviwo zvake angarangarira kuva nhauwo zvayo. Rinowadzanyura kuti “Mutemo [waMosesi] une mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya.”—VaHebheru 10:1.

5. Chii chinoenzanisira kuti zvinhu zvingafananidzira chimwe chinhu chikuru zvikuru?

5 Padzimwe nguva zvinhu zvaishandiswa kuita mienzaniso yechiporofita. Somuenzaniso, pakureva nezvetendi tsvene, kana kuti tebhernakeri, yakavakwa naMosesi pakuraira kwaJehovha, pamwe chete namabasa aiitwa pairi, munyori akafuridzirwa nomutoo woumwari waVaHebheru anotsanangura kuti iyo yakanga iri “chimiriro chomufananidziro nomumvuri wezvinhu zvokudenga.” Yakafananidzira tembere huru yomudzimu yaJehovha, iyo Mutsvenetsvene wayo ari mumatenga. Nokuda kwechikonzero ichecho, “apo Kristu akasvika somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvakazadzika, kupfurikidza netendi huru zvikuru uye yakakwana zvikuru isati yakaitwa namaoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno, iye haazati akapinda, aiwa, neropa rembudzi neremikono miduku, asi neropa rake amene, nokusingaperi munzvimbo tsvene ndokutiwanira kununurwa kusingaperi. . . . Kristu akapinda, musati muri munzvimbo yakaitwa namaoko, iyo iri mufananidzo wenzvimbo chaiyo, asi mudenga imo mumene, zvino kundosvika pamberi pameso aMwari nokuda kwedu.” (VaHebheru 8:1-5; 9:1-14, 24-28) Betsero huru dzinouya kumaKristu dzichibva muzvinhu chaizvo zvomudzimu zvinorondedzerwa pano, uye kuonga nokuda kwezvinhu izvi kunofanira kuratidzirwa mumararamire edu.—VaHebheru 9:14; 10:19-29; 13:11-16.

6. Irevoi yechiporofita inopiwa kuvanhu pana (a) VaGaratia 4:21-31? (b) Mateo 17:10-13?

6 Vanhu vanotaurwa nezvavo muMagwaro vanobatirawo semifananidziro yechiporofita. Pana VaGaratia 4:21-31 muenzaniso una mashoko ose oudzame waikoku unotsanangurwa mune chinoitika chomudzimai waAbrahama Sara (anonzi anowirirana ne“Jerusarema rokumusoro”) naHagari mubatirisikana (anofananidzira “Jerusarema nhasi” rapasi) navana vavo. Mune chimwe chinoitika Jesu akabetsera vadzidzi vake kucherekedza kuti Eria muporofita akanga akaenzana naJohane Mubhapatidzi, uyo, saEria, akanga asingatyi mukufumura miitiro yokunyengera yorudzidziso.—Mateo 17:10-13.

7. Ko Jesu Kristu akadeya kufananidzirwa mumativii na (a) Soromoni? (b) Merkizedheki?

7 Soromoni, akakurumbira nokuda kwouchenjeri hwake norubudiriro norugare rwokutonga kwake, akafanofananidzira Jesu Kristu. (1 Madzimambo 3:28; 4:25; Ruka 11:31; VaKorose 2:3) Kunyange zvazvo nhauro iri muna Genesi inoreva nezvokusangana kwaAbrahama naMerkizedheki iri pfupi zvikuru, Pisarema 110:1-4 rinoratidzira kuti, iyowo, izerwe nerevo, nokuti Mesia aizova “muprista kusvikira kunguva isingazivikanwi mukuwirirana nomutoo waMerkizedheki,” ndiko kuti, iye aizogamuchira uprista hwake kupfurikidza nokugadza kwakananga kwaMwari, kwete nemhaka yemhuri yaaizoberekerwa mairi. Gare gare, tsamba yakanyorerwa vaHebheru inokudziridza pamsoro paikoku uye inobatanidza kuonga zvokwadi dzakadaro noukuru mumudzimu hwechiKristu, vara rinokosha nokuda kwaavo vanotsvaka kufadza Mwari.—VaHebheru 5:10-14; 7:1-17.

8. (a) Muenzanisoi unoratidzira kuti zvinoitika muupenyu zvingava zvechiporofita? (b) Ko rutivi rwuri rwose rwechinoitika chakadaro nomutoo uri madikanwa rune wirirano muzadziko here?

8 Kunooneka kuti wirirano dzechiporofita dzinobatanidza zvinopfuura basa kana kuti nzvimbo dzavanhu. Dzinobatanidzawo zvinoitika muupenyu zvavo. Pane imwe nhambo apo vatungamiriri vorudzidziso rwechiJudha vakaratidzira kusadavira kwavo, Jesu akati kwavari: “Chizvarwa chakaipa nechoupombwe chinoramba chichitsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichachipiwa kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Nokuti saJona wakanga ari mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvowo Mwanakomana womunhu uchava pakati papasi mazuva matatu nousiku utatu.” (Mateo 12:38-40; Jona 1:17; 2:10) Zvisinei, Jesu haana kutaura hake kuti chinhu chiri chose muupenyu hwaJona chakadeya kufananidzira icho iye amene aizowana. Apo iye akapiwa mugove naJehovha, Jesu haana kutiza, sezvo Jona akanga aedza kutizira Tarshishi. Asi sezvakaratidzirwa naJesu, chinoitika chaJona mudumbu rehove huru chakabatanidzwa muchinyorwa cheBhaibheri nokuti chaibatira kugovera zvinhu zvoudzame hwose zvechiporofita zvinoreva nezvorufu norumuko zvaJesu Kristu amene.—Mateo 16:4, 21.

9. (a) Ko Jesu akaratidzira munhambo dzenhau mbiri mativii echiporofita? (b) Mukufuridzirwa, ko Petro akadudza mamwe mashokoi ose oudzame ane revo?

9 Dzimwe nhambo dzenhau dzinogoverawo rumbonera rwechiporofita runotifadza zvikurukuru. Pakutaura nezvenguva yaizoparira kuziviswa kwake amene musimba roUmambo, Jesu akaenzanisira dzimwe nhambo mbiri apo rutongeso rwoumwari rwakaitwa pavanhu vakaipa. Iye akataura nezva“mazuva aNoa” na“mazuva aRoti” kuva ane revo, zvikurukuru achisimbisa kubatikana kwavanhu panguva iyeyo nezvinhu zvezuva riri rose zvoupenyu. Akatikuchidzira kuita chiito chokukurumidza uye kwete kucheuka tichipanga zvinhu zvakasiiwa shure, sezvakanga zvaita mudzimai waRoti. (Ruka 17:26-32) Mutsamba yechipiri yakafuridzirwa yaPetro zvimwe zvinhu zvoudzame hwose zvine revo zvinodudzwa—kusateerera kwengirozi pamberi paMafashamo, mubato wokuparidza waNoa, nhamo iyo Roti akanzwa nemhaka yokukara kunozvidza mutemo kwavanhu veSodhoma, idi rokuti kupfurikidza nokugura vakaipa munguva yake yakafanira Mwari akanga achigadza mufananidziro wezvinhu zvinouya, uye hufakazi hwokuti Mwari anogona zvamazvirokwazvo kununura uye achanunura vabatiri vake vakatendeka.—2 Petro 2:4-9.

10. Kupfurikidza nokuenzanisira Jeremia naZvakazarurwa, ratidzira kuti zviporofita zvakazadzika zvingava nokumwe kukosha kwechiporofita.

10 Apo zviporofita zvinenge zvazadzika, ikoko hakuzati kuchireva hako kuti zvino izvo zvava sezvinofadza bedzi zvenhau. Zvose zviri zviviri kuziviswa kwapachine nguva mberi kwechaizoitika nenzira yachakazadzika nayo zvinowanzova zvechiporofita zvezvimwe zvinoitika zvinotobatanidza zvizhinji zvomunguva yemberi. Ndizvo zvinoita zvakanyorwa pamsoro peBhabhironi rekare, umambo hwakanga huri hworudzidziso nomutoo wakatanhamara uye hune pesvedzero ichiri kunzwiwa kupote nyika yose muzuva redu. Kunyange zvazvo Bhabhironi rakawira kuvaMedhe navaPersia muna 539 P.N.V., bhuku raZvakazarurwa, rakanyorwa pakupera kwezana ramakore rokutanga N.V., rinoshandisa mutauro womuporofita Jeremia ndokuratidzira kukushandazve kwomunguva yemberi kwezviporofitazvo, pamsoro peBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Semienzaniso yaikoku, enzanisa Zvakazarurwa 18:4 naJeremia 51:6, 45; Zvakazarurwa 17:1, 15 na 16:12 naJeremia 51:13 na 50:38; Zvakazarurwa 18:21 naJeremia 51:63, 64.

11. Irevoi yechiporofita irimo muchinyorwa chokubata kwaJehovha naIsraeri akatsauka naJudha paakanga asina kutendeka? Neiko?

11 Nomutoo wakafanana, kubata kwaJehovha noumambo hwendudzi gumi dzakatsauka dzaIsraeri namadzimambo asina kutenda navaprista voumambo hwendudzi mbiri hwaJudha ndezvechiporofita. Zvose zviri zviviri zviporofita zvakashanda kumaumambo iwawo ekare nokuzadzika kwazvo, zvakanyorwa muMagwaro, zvinoita mufananidzo wakajeka zvikuru wamabatire achaita Mwari nechiKristudhomu chomuzuva razvino uno, icho chinokambirawo kubatira Mwari weBhaibheri asi nomutoo wakaipa chinoputsa zvikuru kwazvo mirairo yake yakarurama.

12. Ko isu pachedu tinobetserekana seiko nenhauro dzakadaro?

12 Naizvozvo, nhauro dzose idzi, dzine revo nhasi. Dzinotibetsera kunzwisisa marangaririre anoita Mwari migariro muzuva redu uye izvo isu timene tinofanira kuita kuti tigopukunyuka dambudziko guru rinouya. Nenzira iyeyo tinobetserwa kunzwisisa zvikuru kwazvo idi rokuti “Rugwaro rwose . . . runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama.”—2 Timotio 3:16, 17.

KO IKO KWOSE KWAKADEYA KUGADZIRIRWA HERE?

13. Ko tinoziva sei kuti Mwari haana kunyengedza vanhu kupara zvivi kuti mifananidzo yechiporofita igoitwa?

13 Ko tonzwisisa here muna ikoku kose kuti mufambiro wavanhu namarudzi wakanyorwa muBhaibheri wose wakadeya kugadzirirwa naMwari zvokuti waizova nerevo yechiporofita? Zvinooneka kuti Mwari amene akabata navabatiri vake munguva yakapfuura nomutoo wakati kuti kuti agogovera mufananidziro wezvinhu zvikuru zvikuru zvaakanga achirangarira nokuda kwenguva yemberi. Asika zvakadiniko nezviito zvavanhu? Vamwe vavo vakapara zvivi zvakakomba. Ko Mwari akavanyengedza kupara izvi kuti agoita chinyorwa cheBhaibheri here? Munyori weBhaibheri wechiKristu Jakobho anopindura, kuti: “Mwari haangaedzwi nezvinhu zvakashata uyewo iye amene haaedzi munhu upi noupi.” (Jakobho 1:13) Mwari haana kuvaparira kuita zvisina kururama kuti mifananidziro igoitwa.

14. (a) Ko Jehovha anoziva sei izvo vanhu, kana kuti kunyange Satani, achaita munguva yemberi? (b) Ko kuziva iye amene nedonzo rake kwaJehovha kunopinda munzirai muchiporofita cheBhaibheri?

14 Rega kukanganwa kuti Jehovha ndiye Musiki wavanhu. Anoziva maitirwe atakaitwa nechinoparira vanhu kuita nenzira yavanoita nayo. (Genesi 6:5; Dheuteronomio 31:21) Iye anogona kudeya kuzivisa zvakarurama muuyo wavanhu vanorarama mutsinhirano nemirairo yake yakarurama neichava miuyo yaavo vanoedza kufuratira kuda kwavo Mwari kana kuti avo vanotsausa nzira dzake. (VaGaratia 6:7, 8) Iye anoziva kuti Dhiabhorosi achapfuurira kushandisa matandi akafanana naawo aakashandisa nguva yakapfuura. Jehovha anozivawo icho iye amene achaita mune mimwe migariro, kuti iye achaita mukutsinhirana namavara akakwirira okururamisira, okusasarura, orudo nengoni, ayo ave achigaroratidzira. (Maraki 3:6) Madonzo aJehovha zvaane chokwadi chokuitwa, iye anogona kudeya kuzivisa miuyo yezviito zvaachaita kuaita. (Isaya 14:24, 27) Naizvozvo aigona kusarudza zvinoitika muupenyu hwavanhu namarudzi ndokuita kuti izvozvo zvinyorwe muBhaibheri kuti zvigovere rumbonera rwezvichaunzwa nenguva yemberi.

15. Ko muapostora Pauro akasimbisa sei kuti nhauro dzeBhaibheri dzinopfuura zvikuru nhauwo zvayo?

15 Naizvozvo, nomutoo wakakodzera pashure pokurondedzera zvinoitika zvomunhau yaIsraeri, muapostora Pauro akataura kuna maKristu biyake, kuti: “Zvino zvinhu izvozvi zvakaramba zvichivawira semienzaniso, uye zvakanyorerwa nyevero kwatiri isu vasvikirwa nemigumo yetsika yezvinhu.” (1 VaKorinte 10:11) Uye kuungano yechiKristu yomuRoma iye akanyora, kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa pamberi penguva zvakanyorerwa murairidzo wedu, kuti kupfurikidza nokutsungirira kwedu uye kupfurikidza nokunyaradza kunobva muMagwaro tigova netariro.” (VaRoma 15:4) Nenzira iyeyo apo tinonzwisisa kuti nhauro dzeBhaibheri dzinopfuura nhauwo zvayo, tinogona kuvamba kuwana rumbonera runoshamisa rwenguva yemberi yavanhu.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 41]

MIFANANIDZIRO YECHIPOROFITA—Inonongedzera Kuchii?

Mazuva aNoa

Tabhernakeri

Mambo Soromoni

Jona Ari Mudumbu Rehove kwaMazuva Matatu

Kuwa kweBhabhironi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe