Ungano Dzakarongwa Nokuda Kwokuparidza Umambo hwaMwari
Paaiveri pasi pano, Jesu Kristu akaparidza Umambo hwaMwari, achienda pamusha nomusha napaguta neguta. Iye akarovedzawo ndokutuma vadzidzi vake kundoita basa rimwe chetero. Pamberi pokukwira kudenga, iye akaraira vateveri vake kuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose. Kubvira pamavambo payo pamene, ungano yapakuvamba yechiKristu yakanga yakarongwa nokuda kwokuparidza mashoko akanaka. Kupi kana kupi kwakaenda vadzidzi, vaizowanwa vachiparidza Umambo hwaMwari.—Mateo 4:17, 23; 10:1-16; 28:19, 20; Ruka 4:43, 44; 8:1; 10:1-9; Mabasa 1:8; 4:31; 5:42; 8:12; 19:8; 28:23, 30, 31; VaRoma 10:9, 10, 14.
Muchiporofita chaJesu pamsoro pemhedziso yetsika yezvinhu, iye akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; ipapo mugumo uchasvika.” Uku kuparidza ndiko musengwa wokutanga weungano yechiKristu nhasi.—Mateo 24:14; Marko 13:10.
Munyika yose, ungano dzose dzeZvapupu zvaJehovha dzakarongwa kufukidza nharaunda yomunzvimbo yazvo yamakaremo nomutoo une nhevedzano nokuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kuti kugoitwa nomutoo une nhevedzano, munyika imwe neimwe hofisi yebazu yeWatch Tower Society inogovera ungano imwe neimwe nharaunda yokupupurira. Ungano inokamuranisa mugove iwowo wendima kuva mativi maduku zvikuru, ayo anobva agoverwa kuna avo vachatora mutoro wokuona kuti vanhu vanoshanyirwa.—1 VaKorinte 14:33, 40.
Zvapupu zvinowanzoonana navanhu kupfurikidza nokuenda paimba neimba. Pamisangano yazvo yeungano Zvapupu zvaJehovha, zvakarovedzwa kuita mharidzo pfupi dzeshoko roUmambo pamasuo, zvichishandisa maBhaibheri azvo. Zvapupu zvinoenda namabhuku eBhaibheri okundosiira vanasadzimba vanoda havo kuwana zivo yakakura zvikuru yeShoko raMwari.
Kuti zvigopa munhu ari wose ari mundima banza rokunzwa shoko rinokosha roUmambo, Zvapupu zvinochengeta chinyorwa china mashoko ose sezvazvinoenda paimba neimba, chinoratidzira apo vanhu vakanga vasati vari pamusha kana kuti uko nokuda kwechimwe chikonzero kwakanga kusingabviri kupupurira zvakakwana. Kushanya kuchaitwa paimwe nguva. Uko kufarira kunoratidzirwa, ikoko kunonyorwa, uye Zvapupu zvinodzoka kundogovera mashoko okuwedzera apaMagwaro. Kana kuchidikanwa, fundo yenguva dzose yeBhaibheri ichaitiswa. Kose ikoku kunoitwa pachena.
Zvapupu zvaJehovha zvinogoverawo magazini kuvapfuuri mumigwagwa. Nenzira iyoyi izvo zvinokwanisa kuonana navanhu vazhinji vazvisingagoni kuwana pamusha. Nhamburiko chaiyo inoitwa kusvika kune ari wose achanzwa.—Mabasa 17:17; Zvakazarurwa 14:6, 7; 22:17.
Neiko Zvapupu zvichiramba zvichishanya apo voruzhinji vasati vachiratidzira kufarira kupi nokupi? Kwakawanwa kuti mugariro wavanhu unowanzochinja uye vanodavira nomutoo wakananga pano kumwe kushanya, kana kuti mumwe munhu wemhuri angasanganwa naye uyo acharatidzira kufarira.
Jesu akati kuvadzidzi vake: “Naizvozvo, pfuurirai kutanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” Kuparidza Umambo hwaMwari kunoita rutivi rukuru mukutsvaka kwedu pakutanga Umambo, uye Zvapupu zvaJehovha zvinoita ikoku nharidzano inokosha zvikuru muupenyu hwazvo.—Mateo 6:33; 2 Timotio 4:2.
• Ibasai raJesu namaKristu apakuvamba rakadeya kuziviswa kuva rinoitwawo muzuva redu?
• Ko mubato wokuparidza weZvapupu zvaJehovha unorongwa sei?
• Neiko Zvapupu zvichipfuurira kushanya pavanhu apo voruzhinji vanoratidzira kusafarira?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza Umambo hwaMwari munyika dzakasiana-siana
Thailand
Mexico
Netherlands
Korea
Curaçao
Ghana
Britain
Australia