RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • tp chits. 9 pp. 94-107
  • Rugare Nokuchengeteka Mupasi Rose—Itariro Yakavimbika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rugare Nokuchengeteka Mupasi Rose—Itariro Yakavimbika
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hwaro Hwakasimba Nokuda Kwechivimbo
  • Pasi Richava Musha Webindu
  • Mugumo Wourombo Nouranda Hwezvepfuma
  • Utano Hunogara Narini Noupenyu
  • Simba Rapasi Rokukwana Chiverengero Chavagari Vapasi Vakadaro
  • Nheyo Yechokwadi Yomufaro Unogara Narini
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
  • Kuna Mwari Anoitira Hanya Here?
    Kuna Mwari Anoitira Hanya?
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
tp chits. 9 pp. 94-107

Ganhuro 9

Rugare Nokuchengeteka Mupasi Rose—Itariro Yakavimbika

1, 2. Migariroi, yakadeya kuziviswa muBhaibheri, ingaita pasi rino nzvimbo inoisvofadza zvikuru yokugara?

PASI rino raigona kuva nzvimbo yakaisvonaka neinofadza yokugara mairi kudai migariro ine rugare chaizvoizvo, yakakotsekana yaitekeshera munzvimbo iri yose. Kunyange zvazvo riri kure naikoku zvino, Bhaibheri rinodeya kuzivisa kuti pasi richavazve musha wakaisvonaka umo mhuri yohunhu ichafarikanya upenyu zvizere.

2 Asika Bhaibheri rinopikira chii chaizvoizvo? Tingagona sei kuva vanosimbisira kuti chichazadzika?

Hwaro Hwakasimba Nokuda Kwechivimbo

3, 4. (a) Chii chatinodzidza mukuvimbika kwemitemo yehwaro inodzora chisiko chapose pose? (b) Ndiani ari Muiti wemitemo iyoyo, naizvozvo muchiizve chimwe matine chikonzero chakanaka chokuisa chivimbo chedu?

3 Mimwe mitemo yehwaro inodzora chisiko chapose pose. Mizhinji yayo tinoisimbisira. Kubuda kwezuva, kuvira kwezuva, mativi omwedzi, nemwaka inouya nokupfuura mumutoo unopira kukutsiga kwokurarama kwavanhu. Vanhu vanonyora makarenda ndokurongedzera mibato pachine makore mberi. Vanoziva kuti kufamba kwezuva, mwedzi, nemburumbwa dzomuchadenga kunovimbika. Chii chatinogona kudzidza muna ikoku?

4 Muiti wemitemo iyoyo anovimbika chose chose. Tinogona kuvimba nezvaanotaura nezvaanoita. Kuri muzita rake, soMusiki wedenga napasi, kuti Bhaibheri rinopikira tsika itsva yakarurama. (Isaya 45:18, 19) Mumuitiro wedu wezuva nezuva woupenyu, tinowanzovimba nomwero wakati kuti navamwe vanhu—avo vanounza zvokudya mumusika, avo vanofambisa matsamba, neshamwari chaidzoidzo. Ko hakusati kuri kunomufungo here, ipapoka, kuvimba zvikurukuru naMwari uye nokumwe kuzadzika kwezvipikirwa zvake?—Isaya 55:10, 11.

5. Ko kushaikwa kwevavariro ipi neipi youdyire mune icho Mwari akapikira kunotipa sei kutenda?

5 Kunyange zvazvo zvipikirwa zvavanhu zvichiwanzova zvisingavimbiki, zvipikirwa zvaMwari zvinovimbika chose chose uye zviri nokuda kwokubetserwa kwedu, kusati kuri kwake amene. Kunyange zvazvo Mwari asati achida chinhu chipi nechipi kwatiri, iye anofarira avo vanotenda maari nokuti vanomuda uye nzira dzake dzakarurama.—Pisarema 50:10-12, 14.

6. Ko Bhaibheri rinotibetsera kuwana rudzii rwokutenda?

6 Teverewo, Bhaibheri rinoudzira kumasimba edu okurangarira. Harisati richida kutenda kwoupofu kana kuti nhendedzero. Chokwadi, rinorondedzera kutenda kwechokwadi kuva “kariro yakasimbisirwa yezvinhu zvinokarirwa, kuratidzirwa kunooneka kwezvinhu kunyange zvazvo zvisingaoneki.” (VaHebheru 11:1) MuBhaibheri, Mwari anotipa hwaro hwakakwana hwokutenda. Kukwana kwehwaro ihwohwo kunoramba kuchioneka sezvatinowedzera mukuziva Shoko raMwari ndokuona zvokwadi ichishanda muupenyu hwedu timene nomukuzadzika kwezviporofita zvaro.—Pisarema 34:8-10.

7. Zvatinonzvera zvipikirwa zveBhaibheri zvezvikomborero zvomunguva yemberi chii chatisati tichifanira kukarira kudavira mazviri kuda kwatiri?

7 Zvipikirwa zveBhaibheri zvomunguva yemberi zvinopfuura zvikuru izvo vanhu vanotsunga kupa. Asika zvipikirwa izvozvo hazvisati zvichida kuti isu tidavire zvinhu zvinorwisana noruzivo rwose rwokuzviwanira rwomunhu. Hazvisati zvichipesana nezvishuvo zvenguva dzose zvomunhu. Chirangarira zvimwe zvezvikomborero izvozvo zvakaisvonaka ndokuona kuti ikoku ndokwechokwadi sei.

Pasi Richava Musha Webindu

8, 9. (a) Ipfungwai inofanira kuva inopiwa ndangariro dzedu kupfurikidza neshoko rokuti “paradhiso”? (b) Ko chinhu chakadaro chakambovapo pasi pano here? (c) Chii chinoratidzira kuti idonzo raMwari kuti Paradhiso ipararire mupasi rose?

8 Shoko rokuti “paradhiso” rinobva mumashoko akafanana aishandiswa munguva dzekare (chiHebheru, par·desʹ; chiPersia, pai·ri·daeʹza; chiGiriki pa·raʹdei·sos), mashoko aishandiswa kurondedzera zvinhu zvaivapo chaizvoizvo panguva iyeyo pasi pano. Mashoko iwawa ose ane pfungwa huru yomunhanga wakaisvonaka kana kuti bindu rakafanana nomunhanga. Somunguva dzekare, saizvozvowo nhasi kune nzvimbo zhinji dzakadaro, dzimwe dzadzo minhanga yomwero mukuru. Uye munhu ane chishuvo chomuzvarirwo nokuda kwokunaka kwadzo. Bhaibheri rinopikira kuti zuva richasvika apo mburumbwa ino yose ichava bindu rakadaro rakafanana nomunhanga kana kuti paradhiso!

9 Apo Mwari akasika vaviri vokutanga vohunhu akavapa somusha bindu reEdheni, zita rinoreva kuti “Paradhiso yoMufaro.” Asika Paradhiso yakanga isati yakaganhurirwa kunzvimbo imwe iyoyo. Mwari akati kwavari: “Berekanai mugova vazhinji mugozadza pasi uye murikurire.” (Genesi 1:28; 2:8, 9) Ikoku kwaizobatanidza kuparadzira miganhu yeParadhiso kusvikira kumigumo yapasi, donzo rakarondedzerwa nomutoo woumwari harina kugumiswa nenzira yokusateerera yaAdhama naEvha. Jesu Kristu amene akaratidzira chivimbo mune iri donzo apo iye akapikira munhu akafira kurutivi rwake kuti iye aizova nebanza rokurarama muParadhiso yakadaro yapasi. (Ruka 23:39-43) Ko ikoku kuchaitika sei?

10. Mukuwirirana naZvakazarurwa 11:18, ko Mwari anopikira kubvisa mhinganidzoi dzeParadhiso?

10 Mu“dambudziko guru” rinouya Mwari achabvisa mhinganidzo dzose dzeParadhiso yake inouya yapasi kupfurikidza no‘kuparadza avo vanoparadza pasi.’ (Zvakazarurwa 11:18) Nenzira iyeyo Mwari achaita izvo hurumende dzavanhu dzisingatongogoni kuita. Iye achabvisa vose nomutoo woudyire vanoshatsa pasi kugutsa makaro enhengeseranwa, vose avo vanorwa hondo dzinoparadzanya, naavo vose vanoshandisa zvisina kufanira pasi nokuti vanoshaiwa ruremekedzo nokuda kwezvipo zvizhinjisa izvo Mwari akagovera.

11. (a) Ndichinoitikai chenhau chinoratidzira kuti kudzorera Paradhiso kupasi hakusati kuchipesana noruzivo rwokuzviwanira rwomunhu? (b) Ko ikoku kunosimbaradza kutenda kwedu muchikomboreroi chakapikirwa?

11 Panguva iyeyo pasi rose richaratidzira rutsvindo. Hutsva norucheno zvichasvika kumhepo yaro, mvura, nenyika. Uku kudzorerwa kweParadhiso hakusati kuri chimwe chinhu chisingadaviriki, uyewo hakusati kuchipesana noruzivo rwokuzviwanira rwomunhu. Mazana amakore mazhinji akapfuura, apo rudzi rwaIsraeri rwakabuda muuranda hweBhabhironi, Jehovha Mwari akavadzorera kunyika yokwavo, iyo panguva ino yakanga yava renje. Asi, nokuda kwechikomborero chaJehovha pavari napabasa ravo, nyikayo nokukurumidza yakava yakaisvonaka zvikuru zvokuti marudzi akavakidzana nayo aigona kukuwa, achiti: ‘Yazofanana nebindu reEdheni!’ Yakavawo inobereka zvibereko zvikuru, ichibvisa kutyisidzira kupi nokupi kwenzara nokurumwa nenzara. (Ezekieri 36:29, 30, 35; Isaya 35:1, 2; 55:13) Izvo Mwari akaita kare panguva iyoyo zvakaenzanisira pamwero muduku zvaachaita pamwero wedenderedzwa rose rapasi kuzadzika zvipikirwa zvake. Vanhu vose vanonzi vakafanirwa nokurarama panguva iyeyo vachafarikanya mifarwa inogoverwa muumwari youpenyu muParadhiso.—Pisarema 67:6, 7; Isaya 25:6.

Mugumo Wourombo Nouranda Hwezvepfuma

12. Migariroi yepfuma neyokushanda inofanira kugadzikiswa kana tichizova nokufarikanya chaikoiko muupenyu?

12 Urombo nouranda hwegadziriro dzamarudzi dzepfuma zvinozivikanwa mupasi rose. Hapangagoni kuva nokufarikanywa chaiko kweParadhiso kudai mamirioni aipfuurira hawo kubata nesimba nokuda bedzi kwezvinodikanwa zvoupenyu zvisina kutsarukana kana kuti kuita basa rinofinha rinoita kuti munhu ave rutivi rwunokosha rwusino hunhu mumuchina muhombe.

13-15. (a) Ndokupi kwatinowana muenzaniso wenhau unotiratidzira kuri kuda kwaMwari nokuda kwomunhu nokuda kwaikoku? (b) Ko gadziriro iyeyo yakapira sei kuchengeteko nokufarikanywa kwoupenyu hwomunhu mumwe nemhuri imwe neimwe?

13 Kuda kwaMwari nokuda kwomunhu muna ikoku kunooneka munzira yaakadzora nayo zvinhu zvakadaro kuna Israeri wekare. Imomo, mhuri imwe neimwe yaigara nhaka yenyika. (Vatongi 2:6) Kunyange zvazvo iyoyi yaigona kutengeswa, uye vanhu vaigona kutozvitengesa vamene muuranda kudai ivo vaipinda mumungava, Jehovha akaitazve gadziriro yokudzivisa kuwedzera kwokuva nenyika kukuru kana kuti uranda hwenguva refu hwavanhu. Seiko?

14 Kupfurikidza negadziriro dzezvepfuma muMutemo waakapa vanhu vake. Gore rechinomwe rouranda rakanga riri ‘gore resununguko’ apo muIsraeri mumwe nomumwe ari muuranda aifanira kusunungurwa. Uyewo, gore riri rose rechi 50 rakanga riri gore re“Jubheri” nokuda kworudzi rwose, gore ro“kuparidza rusununguko” kuvagari vayo vose. (Dheuteronomio 15:12; Revhitiko 25:10) Panguva iyeyo nhaka ipi neipi yakanga yatengeswa yaidzorerwa kumwene wayo wokutanga. Vose vari muuranda vaisunungurwa, kunyange zvazvo makore manomwe akanga asati apera. Yakanga iri nguva yomufaro neyokubatanidzwazve nomufaro kwemhuri namavambo matsva muupenyu munezvepfuma. Nokuda kwaikoku, hakuna nyika yaigona kuva inotengeswa kwenguva yose. Kutengeswa kwayo, chokwadi, kwaingova hako bedzi bvumirano yokurendesa iyo yaizoguma, pakupedzisira, mugore reJubheri.—Revhitiko 25:8-24.

15 Kwose ikoku kwaipira kukudzikama kwepfuma yorudzi nokuchengeteka norugare rwemhuri imwe neimwe. Apo mitemo iyoyi yaichengetwa, rudzi rwaidzivirirwa mukupinda mumufananidzo unosuruvarisa watinoona nhasi munyika zhinji zvikuru umo pfuma yakanyanyisa nourombo zvinovamo rutivi norutivi. Betsero dzomunhu dzaisimbaradza rudzi, nokuti hakuno munhu aidikanirwa kuva ane ropafadzo duku naanodzvinyirirwa kupfurikidza nemigariro yakashata yepfuma. Sezvinoshumwa mukati mokutonga kwaMambo Soromoni, “Judha naIsraeri vakapfuurira kugara mukuchengeteka, munhu ari wose ari pasi pomuzambiringa wake amene napasi pomuonde wake amene.” (1 Madzimambo 4:25) Nhasi vazhinji havagoni kushandisa mano avo ose nepfungwa nokuti ivo vakabatwa mugadziriro dzepfuma dzinovagombedzera kubatira zvishuvo zvavashomanene kana kuti kunyange zvomunhu mumwe bedzi. Mumitemo yaMwari munhu anobishaira aibetserwa kushandisa mano ake kugarikano nokufarikanya kwavose. Ikoku kunotipa chiratidziro chepfungwa yokufanirwa kwomunhu nechiremera icho avo vanowana upenyu muTsika Itsva yaMwari vachafarikanya.

16. Kana iri migariro yokurarama nomugariro wezvemari womunhu, ko Umambo hwaMwari huchagoverei nokuda kwavadzorwi vahwo vose?

16 Mupasi rose chiporofita chaMika 4:3, 4 chichava nokuzadzika kunoshamisa. Vanhu vanoda rugare vanorarama muubati ushe hwakarurama hwaMwari vacha“gara, munhu mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, uye hapasati pachizova nomumwe unovatyisa; nokuti muromo waJehovha wamauto wakakutaura.” Hapana navamwe vavadzorwi voUmambo hwaMwari vachagara munzvimbo dzakashata dzinogara varombo kana kuti vagari vakatsikinyidzana. Vachava neminda nemisha yavo vamene. (Isaya 65:21, 22) Mambo, Kristu Jesu, kare kare akapikira kuti ‘vanyoro vachagara nhaka pasi,’ uye iye ane ‘chiremera chose mudenga napasi’ chokutarisira kuti ikoku kunoitika.—Mateo 5:5; 28:18.

Utano Hunogara Narini Noupenyu

17-19. (a) Chii chinoratidzira kuti utano hwakanaka noupenyu hurefu zvishuvo zvomuzvarirwo zvavanhu? (b) Maidii pamsoro poupenyu hwomunhu napamsoro pezvinomera anoita kuti nduramo pfupi yomunhu iratidzike kuva yechienzi? (c) Chii chiripo pamsoro pouropi hwomunhu chinoratidzira kuti kunomufungo kudavira kuti munhu akaitirwa kurarama nokusingaperi?

17 Zvisinei, hakuna neimwe yeiyi migariro yakaisvonaka zvikuru ingaita kuti upenyu huve huno rugare chaizvoizvo nohwakakotsekana chero bedzi chirwere, kukwegura, norufu zvakamomotera nguva yemberi. Ko kusava nomufungo here kana kuti kunopesana nechinoitika chomunhu chokukarira kusunungurwa muzvinhu izvozvi zvinodzvinyirira? Zvamazvirokwazvo hakusati kuri kunopesana nomuzvarirwo womunhu wokuda ikoku, nokuti vanhu vakapedza nduramo nezvitsama zvisingaverengeki zvemari vachiedza kuita ikoku.

18 Naizvozvo tariro youtano hunogara narini haisati ichitongova isina nomufungo. Zvamazvirokwazvo, chiri zvomenemene kusava nomufungo ndeichi: Apo bedzi vanhu vanosvika zera rakati kuti apo ivo vanovamba kuva nezivo, ruzivo rwokuzviwanira, namano okuita zvinhu zvinokosha, ivo vanovamba kukwegura dzokonokei pakupedzisira kwava kufa. Asika, kune miti inorarama kwezviuru zvamakore! Ko nei munhu, uyo akaitwa mukutodzana naMwari, achirarama bedzi kachikamu kenguva iyo zvirimwa zvisina ungwaru zvinorarama? Nomutoo unomufungo, iye haasati achifanira kurarama nguva refu zvikuru kwazvo here?

19 Kuna vanamazvikokota vanofunda kukwegura, nhanho yacho ichiri chakavanzika zvikurukuru. Rakavandikawo, ndiro idi rokuti uropi hwomunhu hwakarongedzererwa kupinza chaizvoizvo zvitsama zvisina kuganhurirwa zvamashoko. Sokutaura kwakaita munyori wesayenzi, uropi “hunokwanisa nomutoo wakakwana kuva nezvinhu zvipi nezvipi zvokudzidza nokuyeuka izvo munhu mukusapanikira anoisa mahuri—nekane bhirioni kupfuura huwandu ihwohwowo.”⁠55 Ikoko kunoreva kuti uropi hwake hunokwanisa kuva nezvisati zvichingova bedzi zvinhu zvipi nezvipi zvaungaisa mahuri munduramo yamakore 70 kana kuti 80 asiwo kanopfuura nakane mamirioni ane chiuru chimwe! Hakusati kuchishamisa kuti munhu ane kupanga kwakadaro nokuda kwezivo, chishuvo chakadaro chokudzidza kuita nokupedza zvinhu. Asika iye anopinganidzwa nokupfupika kwoupenyu hwake. Ko kunomufungo here kuti mano anoshamisa ouropi hwomunhu anofanira kuvapo asi pasina runopfuura rutivi rudukusa rwesimba rahwo runoshandiswa? Hakusati kuri kunomufungo zvikuru here kutaura, sezvinoita Bhaibheri, kuti Jehovha akarongedzerera munhu kurarama nokusingaperi pasi pano ndokumupa uropi hwakakodzerana nomutoo unoshamisa nedonzo irero?

20. Ko Bhaibheri rinoti chii icho Mwari akapikira vanhu pamsoro petapuro dzechivi, kubatanidza rufu rwumene?

20 Bhaibheri rinoratidzira kuti pakuvamba vamba munhu akanga ane banza rokurarama nokusingaperi asi akarashikirwa naro kupfurikidza nokupanduka: “Kupfurikidza nomunhu [Adhama] mumwe chivi chakapinda munyika norufu kupfurikidza nechivi, uye nokuda kwechikonzero ichi rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.” (VaRoma 5:12) Asi Bhaibheri rine chipikirwawo chaMwari chokuti muParadhiso inodzorerwa, “rufu haruchazovipozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve.” (Zvakazarurwa 21:3, 4; enzanisa 7:16, 17.) Rinorondedzera kuti upenyu husingaperi, husitongorina tapuro dzechivi, ndiro donzo raMwari nokuda kwavanhu. (VaRoma 5:21; 6:23) Kupfuura ikoku, rinopikira kuti zvikomborero zveTsika Itsva yaMwari zvichazarurirwa mabhirioni akafa munguva yakapfuura. Seiko? Kupfurikidza norumuko runokutura guva ravose ravanhu. Jesu nomutoo wechivimbo akadeya kuzivisa, kuti: “Awa inouya mairi avo vose vari muhwiro hwechirangaridzo vachanzwa inzwi rake ndokubuda.”—Johane 5:28, 29.

21, 22. Neiko tariro yokudzorerwa kuutano huzere isati iri chimwe chinhu chokunyanyonyanyisa zvokusagona kukarirwa?

21 Sayenzi yezvokurapa nhasi inokwanisa kuita “mirimo yenenji” uye inoita mabasa makuru okuvhiya ayo aizoratidzika kuva asingadaviriki kunyange mumakore ana makumi mashomanene akapfuura. Ko tinofanira kupanikira here kuti Uyo akasika vanhu anogona kuita mabasa makuru zvikuru anokatyamadza okurapa? Zvamazvirokwazvo Musiki ana mano okudzorera vanhu vane mwoyo yakarurama kuutano huzere noupenyu, kunyange kuchinja nhanho yokukwegura. Uye iye anogona kuita ikoku asingatendeukira kumirimo, kuvhiya, kana kuti mitezo isati iri chaiyo. Nomutoo wokurangarira, Mwari akagovera ufakazi hwokuti zvikomborero zvakadaro hazvisati zvakanyanyokurisa zvokusagona kukarirwa.

22 Mwari akasimbaradza Mwanakomana wake achiri pasi pano kuita mabasa esimba okuporesa. Mabasa iwawo anotisimbisira kuti hakuna utera, hurema, kana kuti hosha isingaporeswi nesimba raMwari. Apo mumwe murume aiva nenyama yake yakanga yakazadzwa namaperembudzi akateterera Jesu kumuporesa, Jesu nomutoo wokunzwira tsitsi akabata murumeyo ndokuti: “Cheneswa.” Uye, sokureva kunoita chinyorwa chenhau, “Pakarepo maperembudzi ake akachenurwa.” (Mateo 8:2, 3) Jesu akaita zvinhu zvakafanana neizvi zvizere mukuona kwezvapupu zvizhinji, sokushuma kunoita wezvenhau Mateo, kuti: “Mapoka makuru akamusvika, aina vanhu vaikamhina, zvirema, mapofu, mbeveve, navazhinji vane zvimwe zvirwere, uye aivaisa chizvoizvo patsoka dzake, uye iye aivaporesa; zvokuti boka rakashamiswa . . . uye vakakudza Mwari waIsraeri.” (Mateo 15:30, 31) Zviravire umene nhauro yacho pana Johane 9:1-21 uone kuti mushumo wokurapa kwakadaro wenhau ndoweidi sei nowechokwadi chaizvoizvo. Uchokwadi hweizvi zvinoitika hunopupurirwa nezvapupu zvizhinji, kubatanidza chiremba, murapi Ruka.—Marko 7:32-37; Ruka 5:12-14, 17-25; 6:6-11; VaKorose 4:14.

23, 24. Neiko kusati kuri kusina mufungo kudavira kuti vakafa vachadzorerwa kuupenyu muUmambo hwaMwari?

23 Nokuda kwezvikonzero zvakafanana hatisati tichidikanirwa kurangarira sechisingadaviriki chipikirwa cheBhaibheri chokuti “kuchava norumuko” rwavakafa. (Mabasa 24:15) Kunyange makore pashure porufu, inzwi romunhu, chitarisiko, nezviito zvinogona kudzorerwa kubva pafirimu kana kuti makaseti eterevhizheni. Ko Uyo akasika munhu, anoziva chimiro chaichoicho noudzame hwose hwomunhu, haasati achifanira kuita zvinopfuura izvozvo here? Makomupiyuta akaitwa nomunhu anogona kuchengeta ndokutsinhiranisa mabhirioni chaiwoiwo ezvikamu zvamashoko. Asika, Mwari akasika chisiko chapose pose chinoshamisa china mabhirioni acho (zviuru zvamamirioni) zvamakwara enzou, gwara renzou rimwe nerimwe rina mabhirioni enyeredzi. Ikoku kunoita hwerengedzo yamatririoni nakwamadhirioni uye kunyange kutopfuura! Asika Pisarema 147:4 rinoti: “Iye ari kuverenga chiverengero chenyeredzi; idzo dzose anodzidana namazita adzo”! Zvamazvirokwazvo kwaizova kuri nyore kuna Mwari, ane simba rokuyeuka gurusa rakadaro, kuyeuka hunhu hwavanhu kuti avadzorere kuupenyu.—Jobho 14:13.

24 Zvakare, Jehovha akagovera mienzaniso yenhau yokusimbaradza kutenda kwedu mutariro yakadaro inoshamisa. Iye akapa Mwanakomana wake simba rokuenzanisira pamwero muduku izvo iye achaita pamwero mukuru mukati mokubata ushe kwake kwakarurama pamsoro papasi. Jesu akamutsa chiverengero chakati kuti chavanhu vakafa, kazhinji kazhinji mukuona kuzere kwavacherekedzi. Razaro uyo iye akamutsa pedyo neJerusarema, akanga atove afa nguva refu yakaringanira muviri wake kuvamba kuora. Zvamazvirokwazvo tariro yorumuko ine hwaro hwakanaka.—Ruka 7:11-17; 8:40-42, 49-56; Johane 11:38-44.

Simba Rapasi Rokukwana Chiverengero Chavagari Vapasi Vakadaro

25, 26. Apo vakafa vanomutswa, ndokupi kuchava nenzvimbo yokuti munhu ari wose agare?

25 Ko mburumbwa ino inogona kugovera nzvimbo inofadza yokugara yechiverengero chavagari vapasi chakadaro sechingaparirwa norumuko rwavakafa here? Kwakada anopfuura makore 5 000 kuti chiverengero chavagari vapasi chisvike bhirioni rimwe pakuvamba kwama 1880. Nhasi, chava chinenge mabhirioni mashanu.

26 Naizvozvo, avo vari vapenyu nhasi vanomirira chikamu chakati kuti chechiverengero chose chakamborarama. Vamwe vakafungidzira chiverengero chose chavagari vapasi munhau yose yomunhu kuva chiri panenge pavanhu vane 15 000 000 000. Nharaunda yenyika yapasi inopfuura maeka 36 000 000 000 (15 000 000 000 ha). Iyoyo yaizobvumira anopfuura maeka maviri (1 ha) pamunhu. Iyoyi haisati yaizongogovera bedzi nzvimbo yokurimwa kwezvokudya asi yaizogoverawo nokuda kwamasango, makomo, nedzimwe nharaunda dzinofadza kuona—pasina kutsikinyidzana kusina kufanira muParadhiso. Ipapowo, Bhaibheri rinoratidzira kuti havasati vari vose vari vapenyu vachapukunyuka ndokurarama muTsika Itsva iyoyo. Zvamazvirokwazvo, Jesu akati, “Gwara rakafara nerakapamhama rinopinda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nomariri.” Iye akacherekedzawo kuti apo kuparadzwa kwenyika kunosvika, avo vasati vachiita kuda kwaJehovha vacha“pinda mukuparadzwa kusingaperi.”—Mateo 7:13; 25:46.

27. Ko pasi ringagona kubereka zvokudya zvakaringanira vanhu vose ivavo here?

27 Asika pasi ringabereka zvokudya zvakaringanira vanhu vazhinji kudaro here? Vezvesayenzi vanotaura kuti ringagona, kunyange mumigariro yazvino uno. Mushumo weToronto Star wakacherekedza, kuti: “Mukuwirana neUnited Nations Food and Agriculture Organization (FAO) kunotova nezviyo zvakaringanira zvinorimwa mudenderedzwa rose rapasi zvokudyisa munhu ari wose pasi pano zvine zvikamu zvesimba zvine 3 000 pazuva, izvo . . . zvinenge 50 muzana kupfuura mwero muduku unogamuchirika.”⁠56 Kana iri nguva yemberi, wakatsanangura kuti kunyange mumigariro yanhasi, pangagona kuva nezvokudya zvakaringanira kugutsa zvinoshaikwa zvechiverengero chavagari vapasi chazvino uno chenyika chinowanziridzwa nekaviri. Uyewo, tinofanira kuyeuka kuti Jehovha achatungamirira vanhu vake kushandisa simba rapasi rendimo nomutoo wakafanira, nokuti Pisarema 72:16 rinotisimbisira, kuti: “Kuchava nezviyo zvakawanda pasi pano; napamusoro pamakomo pachava nokufashukira.”

28. Neiko pasina ngozi yokuti navanhu vanorarama nokukusingaperi, pasi raizova rinonyanyotsikinyidzanwa mukufambira mberi kwenguva?

28 Tinofanira kucherekedza riri donzo raMwari, serakataurwa pakuvamba-vamba kuvaviri vokutanga vohunhu. Ivo vakaudzwa ku“zadza pasi nokurikurira vachitambanudzira miganhu yeEdheni kusvikira kumigume gume iri kuresa yapasi. (Genesi 1:28) Nomutoo wakajeka, ikoku kunoreva kuzadza pasi kusvikira kutambanuko inofadza, kusati kuri kunyanyorizadza navanhu. Ikoku kwaizobvumirawo nokuda kwapasi rinorimwa kuva munhanga wedenderedzwa rapasi mumutoo womusha wapakuvamba wakafanana nomunhanga womunhu. Naizvozvo, uyu murairo woumwari unoratidzira kuti munguva yakafanira yaMwari nenzira, kuwedzera kwechiverengero chavagari vapasi kwaizodzorwa.

Nheyo Yechokwadi Yomufaro Unogara Narini

29. Ko ukama navamwe vanhu hune tapuroi pamufaro womunhu?

29 Zvisinei, kunyange mhoteredzo dzakaisvonaka, rubudiriro rwezvinhu zvokunyama, basa rinofadza, noutano hwakanaka hazvingagoni kusimbisira mufaro wako unogara narini. Vazhinji nhasi vane zvinhu izvozvi asika havasati vachifara. Neiko? Nokuda kwavanhu vakavapota vangava vanoudyire, vanokakavara, vanonyengera, kana kuti vanoruvengo. Mufaro unogara narini muTsika Itsva yaMwari uchauya mumwero mukuru uchibva mukuchinja kwapasi muchimiro chendangariro chavanhu. Kuda kwavo nokuremekedza kwavo Mwari nechishuvo chavo chokuita madonzo ake zvichaunza rubudiriro rwomudzimu. Kana pasina ikoku, rubudiriro rwokunyama rwunova rwusingagutsi norwusina maturo.

30. Tinoziva sei kuti avo vanogara muTsika Itsva yaMwari vachava vanhu bedzi vanopira kurugare nokuchengeteka kwavamwe?

30 Hungu, mufaro chaiwoiwo kuva pana vanhu vanomutsa, vanozvininipisa, vanoushamwari—vanhu vaunogona kuda zvomenemene nokuvimba navo, vanorangarira nenzira imwe cheteyo pamsoro pako. (Pisarema 133:1; Zvirevo 15:17) Kuda Mwari ndiko kunosimbisira kuda kwechokwadi muvakidzani, uko kuchaita kuti upenyu hufadze zvikuru muTsika Itsva Yake yakarurama. Avo vose vachakomborerwa naMwari noupenyu husingagumi vachave vabvumikisa kumuda kwavo nokuda munhu biyavo. Una vavakidzani vakadaro, shamwari, vazivikanwi vokubasa, uchave uchikwanisa kufarikanya rugare chairwoirwo nokuchengeteka nomufaro unogara narini.—1 Johane 4:7, 8, 20, 21.

31. Kana tichida zvomenemene upenyu muTsika Itsva yaMwari, chii chatinofanira kuita zvino?

31 Zvamazvirokwazvo, kariro yakadaro yakaisvonaka yakakuzarukira! Naizvozvo nzira youchenjeri hunobetsera ndeyokuwana chiri chinodikanwa kuiwana. Zvino ndiyo nguva yokutsinhiranisa upenyu hwako nezvinodikanwa zvaMwari nokuda kwaavo vachaponeswa vachipfuura nomu“dambudziko guru” rinouya.—2 Petro 3:11-13.

[Mufananidzo uri papeji 98]

Zuva richasvika nokukurumidza apo pasi rose richashandurwa kuva paradhiso

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe