Ganhuro 10
Unodisisa Kunangana Nezvokwadi Muupenyu Hwako Here?
1, 2. (a) Ko zvokwadi ingatibetsera sei? (b) Chii chaunodavira kuti ndiwo manyuko chaiwo ayo rugare rwechokwadi nokuchengeteka ruchabva maari?
KUZIVA zvokwadi kunogona kuva kunoisvokosha. Kukashandiswa nomutoo wokuchenjera, kunogona kukutaviridzira pakukuvadzika kana kuti pakurasikirwa ndokupira kumufaro wako nokuchengeteka. Ikoku kunodaro zvikurukuru pamsoro pezvokwadi inoreva nezvechiri mberi nokuda kwechizvarwa chino.
2 Mukubetserwa nezvinopiwa mubhuku rino, ungabvuma kuti munhu haangagoni kuunza rugare rwechokwadi nokuchengeteka. Ungaziva kuti izvo Bhaibheri rinoreva izvokwadi—kuti Mwari bedzi, kupfurikidza noUmambo hwake, anogona kugadzikisa zvinetso zvakanangana navanhu. Ipapo hakusati kwaizova kuchenjera here kuumba nzira yako youpenyu mukutsinhirana neizvo iwe unoziva kuva zvokwadi? (Jakobho 1:22) Ko ikoku kunobatanidzei?
3. Ko kuchinja kunofanira kuitwa nomunhu muupenyu hwake kana iye achida kurarama muTsika Itsva yaMwari kunokosha sei?
3 Bhaibheri rinoratidzira mimwe mipimo inofanira kusvitswa naavo Mwari achagamuchira sorutivi rweTsika Itsva yake yakarurama. Mipimo iyi inoda kuchinja zvino muupenyu hwomunhu ari wose anoda kurarama panguva iyeyo. Chokwadi, mumurangariro wohunhu, handi nzira youpenyu yazvino uno yomunhu ari wose inorangarirwa kuva yakashata. Hunyanguvezvo, kuchinjira kumipimo yeBhaibheri kunobatanidza chitarisiko chitsva chose chose paupenyu. Ndicho chikonzero nei VaRoma 12:2 ichiti: “Regai kuenzaniswa neiyi tsika yezvinhu, asi shandurwai kupfurikidza nokuvandudza ndangariro yenyu, kuti mugobvumikisa kwamuri imi mumene kuda kwakanaka nokunofadza uye kwakakwana kwaMwari.”
4. Kana zvomenemene tichizo‘famba munzira yezvokwadi,’ tinofanira kutema chiri chakarurama nechisinakururama pahwaroi?
4 Kushandurwa kwakadaro kuchatapura matemere atinoita chakarurama nechisinakururama. Munguva yakapfuura tingave taivimba nemifungo yavamwe kana kuti kugadza mipimo yedu timene. Asika zvino tinoziva kuti chakanga chiri ichi chitarisiko chimene chakaparira Adhama naEvha kuramba Mwari soMubati ushe wavo, chiine miuyo ine ngwavaira. Kana tichida kutendera kwaMwari, tinofanira kuvimba naye nokuda kwemipimo yechokwadi yechiri chakarurama nechiri chisinokururama. Mipimo iyoyo inowanikwa nyore nyore muShoko raMwari, Bhaibheri. Sokureva kunoita Pisarema 119:151 kuti: ‘Mirairo yake yose ndeyezvokwadi.’ Naizvozvo, kuchinjira kwairi kunoreva ‘kufamba munzira yezvokwadi.’ (Pisarema 86:11) Izvezvo handizvo zvaunoda kuita here?
Kudikanwa Kwezano Nechirango
5. (a) Kana tichizoita chinjo muupenyu hwedu, izvokwadii pamsoro pedu timene yatinofanira kudisisa kunangana nayo? (b) Chii chinowanzodzivisa munhu pakubvuma mhosho, uye nomuuyoi?
5 Kana munhu achizoita chinjo muupenyu hwake, anofanira kuona kuti pane kudikanwa kwaikoku. “Hakuna munhu asingaiti chivi,” rinodaro Bhaibheri. (1 Madzimambo 8:46) Asika vanhu vazhinji havadisisi kubvuma mhosho. Neiko? Kudada kunovapinganidza. Panzvimbo pokubvuma mukuzvininipisa chisinakururama chavo, vanowanzopomera vamwe. Ikoku kungoipisisa bedzi chinetsocho.
6. Ko tinofanira kutsvaka chirango kumanyukoi, uye nei?
6 Chinetso chakakura zvakaenzana ndechekuti isu tiri vasina kukwana uye hatisati tichiwanzocherekedza nzira yakafanira yokutora. Tingatogona kunyengedzwa kupinda mukufunga kuti nzira inokuvadza yakarurama zvikuru kwazvo. (Zvirevo 16:25) Naizvozvo tinoda chirango chinobva mumanyuko akakwirira kupinda munhu kana tichizopfuurira kuita zvinhu mubetsero dzedu timene dzakaisvonakisisa uyewo nedzedzo dzavanhu biyedu. Zvirevo 3:11 inozivisa Manyuko iwawo, ichiti: “O Mwanakomana wangu, usaramba chirango chaJehovha.”
7. (a) Ko chirango chinobva kuna Jehovha chinotisvika sei? (b) Kugamuchira kwedu nokushandisa chirango chakadaro kunoratidzirei pamsoro pedu?
7 Ko Jehovha anogovera sei chirango? Kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri Dzvene. Naizvozvo apo isu tinorava Bhaibheri, kana kuti zano raro rinoziviswa kwatiri kupfurikidza nomudaviri biyedu, ndokuziva kuti munzira yakati kuti hatisati tiri kusvitsa, tiri kugamuchira chirango chaMwari. Kupfurikidza nokugamuchira chirango ichecho sechakarurama uye kuita chimwe chinhu pamsoro pacho, tinobvumikisa kuti takanangana nezvokwadi. Tiri kubvuma maruramiro aMwari okutipa nhungamiro uye tiri kuratidzira kuti tiri rudzi rwavanhu vaanoda muTsika Itsva yake. Hungu, upenyu hwedu hunotsamira pakutetekera chirango choumwari!—Zvirevo 4:13.
8. (a) Neiko tingave tichizvikuvadza timene zvomenemene kana tichipfeka batakumeso yokugamuchira chirango asi tisina kuchinja zvomenemene nzira dzedu? (b) Neiko kuchinyaradza kuziva kuti Jehovha anotiona kunzvimbo iri yose kwatiri?
8 Zvamazvirokwazvo kana tichizobetserekana nechirango chaMwari, tinofanira kuva vakatendeseka isu timene. Hakusati kwaizotibetsera kupfeka batakumeso apo tinocherekedzwa navamwe, ndokungodzokera bedzi kunzira dzedu dzekare pavanenge vasingationi. Kuti isu tiite rutivi rwavanyengeri kungangogomadza bedzi hana dzedu. Uye kunyange zvazvo vanhu vangatarira patiri nokuyemura, isu hatingagoni kunyengedza Musiki. Zvirevo 15:3 inotizivisa, kuti: “Meso aJehovha ari munzvimbo iri yose, anoramba achicherekedza vanhu vakashata navanhu vakanaka.” Kuziva kuti Jehovha Mwari ari kuona kunofanira kutidzivisa pakuita chisinakururama. Panguva imwe cheteyo tinogona kuwana rukurudziro musimbisiro yokuti iye anotarira nomutoo womutsa ‘pana vanhu vakanaka.’
“Tauriranai Muzvokwadi”
9. (a) Pakureva nezvokutaura zvokwadi, chii chinogamuchirwa sechenguva dzose munyika? Nei? (b) Naizvozvo, kana munhu achizo“rega kuva anoenzaniswa netsika ino yezvinhu,” kuchinjai kunodikanwa?
9 Kunyange zvazvo vasati vachikambira kutevera chaizvoizvo Bhaibheri, vanhu vazhinjisa nhasi havasati vachizvirangarira ivo vamene kuva vasina kutendeseka. Asika vangani varipo vanopfuurira kutaura zvokwadi? Vanhu vazhinji vanowanzovanza zvokwadi kana kuti kutaura bedzi zvavanodavira kuti zvichapfuuridzira kubetsera kwavo vamene. Kunyange zvazvo ikoku kuchirangarirwa sokwenguva dzose munyika, ikoku hakuzati kuchikuita kwakarurama. Nyika yavanhu vari kure naMwari “iri musimba rowakaipa.” “Wakaipa” iyeyo, Satani Dhiabhorosi, ndiye “baba wenhema.” Kureva nhema kwakavambwa naye. (1 Johane 5:19; Johane 8:44) Naizvozvo hakusati kuchifanira kukatyamadza munhu kuwana kuti iye anoda kuita kuchinja kukuru kwazvo munhau youchokwadi kana iye achi“rega kuva akafanana neiyi tsika yezvinhu.”
10. Ko chinetso chakakomba chokusatendeseka chinorwisana sei norugare rwechokwadi nokuchengeteka?
10 Pane chikonzero chakanaka chokuva vakatendeseka. Hapana chinhu chinosekesa rugare nokuchengeteka chinopfuura kukundikana kuva akatendeseka panguva dzose—pamusha, kubasa kana kuti kubhizimisi, munhandaro, nomuwirirano dzefambidzano. Apo vanhu vanorega kuzadzika shoko ravo, apo vanonyengera kana kuti kunyengedza, hapana munhu anowana mhindu. Vanyengedzwi vokusatendeseka vanowanzova nehasha nokutsamwa. Kunze kwedzvinyiriro dzomurangariro nendangariro, kusatendeseka kunogona kuparira kuvadziko yomuviri uye kunyange rufu. Somuenzaniso, basa risinokutsarukana, zvinhu zvakaderera, nokutaura kwokunyengera zvakaparira tsaona dzakakomba. Munhu anofunga hake kuti iye ari kuwana kupfurikidza nokusatendeseka kwake amene panguva imwe cheteyo iye ari kurashikirwa kupfurikidza nokusatendeseka kwavamwe. Iyewo, anoripira mitengo yakakwirira zvikuru nokuda kwezvinhu namabasa nokuti vose vari vaviri vashandi navatengi vanoba. Nenzira iyeyo kusatendeseka kunoparira chinetso chakakomba. Vanhu vakawanda zvavanodyeredzera vamwe, kuvhiringidzika, masimba masimba, kukuvadzika, uye kunyange nzufu zvinowanziridzika.
11. Ko Jehovha anorangarira sei pamsoro pokusatendeseka nokureva nhema?
11 Nokuda kwechibereko chakadaro chakashata, hakusati kuchikatyamadza kuti pakati pezvinhu “zvinovengwa naJehovha” pane kureva nhema, kuputsa mhiko noune, zviyeriso zvinonyengera, nezviyero zvinonyengera. (Zvirevo 6:16-19; 20:23) Vanomuitiro wokureva nhema havasati vachizova nomugove upi noupi muzvikomborero izvo Mwari akachengetera avo vanomuda. (Zvakazarurwa 21:8) Hazvizati zvirizvo zvataizokarira kuna Mwari akarurama here? Kudai Mwari aizopfuurira kushivirira avo vanoshuva kuwana mhindu kupfurikidza nokunyengedza pandyiko yomuvakidzani wavo, ko munhu upi noupi aizogona sei kunzwa akakotsekana muTsika Itsva Yake?
12, 13. (a) Ko Bhaibheri iro rimene rinotii pamsoro pokutaura kwokutendeseka? (b) Ko kutendeseka kwedu kune chokuitai kana isu tichigona kubatira Jehovha savabatiri vake?
12 Naizvozvo Bhaibheri harisati richifanira kurerutswa apo rinoraira, kuti: “Tauriranai muzvokwadi.” (Zekaria 8:16; VaEfeso 4:25) Kana zviri zvipikirwa kana kuti bvumirano, “Hungu” wedu anofanira kureva Hungu, uye “Aiwa,” wedu Aiwa. (Jakobho 5:12) Kana tichida kumirira “Jehovha Mwari wezvokwadi,” tinofanira kuva vanobvumirana pamsoro pokutaura zvokwadi. (Pisarema 31:5) Kana munhu asingatauri zvokwadi, haagoni kuwana rukudzo rwaMwari kana kuti rwavanhu biyake. Uyewo haagoni kumirira Mwari somumwe wezvapupu Zvake. Wezvamapisarema akati: “Kunowakaipa Mwari uchatofanira kuti: ‘Maruramireiko aunawo okududzira mirau yangu, uye kuti unofanira kutaura sungano yangu mumuromo mako? Wakaregeredzera muromo wako kune chiri chakashata, uye unoregera rurimi rwako rwakanamatira pakunyengera.’”—Pisarema 50:16, 19.
13 Asi vamwe vangashamisika, vachiti: Ko munhu angava wechokwadi naakatendeseka asi achibudirira munyika ino here? Ko iye anga‘ita rubudiriro’ mubhizimisi kana asingaiti izvo munhu ariwosewo zvake ari kuita here?
Mwari Anotarisira Avo Vanoshandisa Zvokwadi
14. Ko Bhaibheri rinotibetsera sei kunzwisisa kuti kunobvira kuita mutoo wokurarama nawo pasina kuva asina kutendeseka?
14 Kutaura kuti munhu haagoni kuita mitoo yokurarama nayo kana asinokutendeseka kwaizova kutaura kuti Mwari haazati achitarisira avo vanomuda. Asika ikoku kunopesana nechinoitika chavabatiri vaMwari kwezviuru zvamakore. (VaHebheru 13:5, 6) Wezvamapisarema Dhavhidhi akati: “Ini ndaichimbova jaya, ini ndakwegurawo, asika ini handina kuona ani naani akarurama achisiiwa chose chose, kana kuti vana vake vachitsvaka zvokudya.” (Pisarema 37:25) Ikoku hakuzati kuchireva kuti vanhu vakarurama havasati vachitambura zvitambudzo kana kuti nguva dzinotambudza. Dhavhidhi iye amene akanga agombedzerwa kugara kwenguva yakati kuti saasina nowokwake kubva muvanhu. Asi akanga ane zvinodikanwa zvoupenyu.
15. Ko Jesu akatii pamsoro pebetsero yaMwari mukuwana kwedu zvinhu zvokunyama zvokutsigira upenyu?
15 Fariro yokunamata kwechokwadi haisati iri iya yemhindu yokudisa zvenyika. Zvisinei, Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti kwakafanira kunyengetera kuna Mwari nokuda kwechikomborero Chake pamsoro penhamburiko dzavo dzokuwana “zvokudya zvezuva.” (Ruka 11:2, 3) Achizivisa chinodikanwa chavo nokuda kwezvinodikanwa zvoupenyu, iye akasimbisira vateveri vake, kuti: “Baba venyu vokudenga vanoziva kuti imi munoda zvinhu izvi zvose.” Asi akavakuchidzira, kuti: “Ipapo, pfuurirai kutanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye zvimwe zvinhu zvose izvozvi zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:25-34) Ko iwe unodavira ikoku here? Kana zvakadaro, hausati uchizoedzwa kuramba mipimo yakarurama yaMwari nemhaka bedzi yokuti vamwe vanhu vanokuita. Panzvimbo pakwo, iwe uchanzwisisa uchenjeri hwezviri zvakanyorwa pana 1 Timotio 6:6-8, hunoti: “Kuva nechokwadi, iko mutoo wemhindu huru, uku kuzvipira kwoumwari pamwe chete nokufanirwa. Nokuti hatinokupinda nechinhu munyika, uyewo hapana chinhu chipi nechipi chatingabuda nacho. Naizvozvo, zvatine zvokudya nezvokupfeka, tichagutswa nezvinhu izvozvo.”
16. Ko kushandisa kwedu nheyo idzi dzapaMagwaro kungatitaviridzira sei?
16 Kutevera iri zano kunoda murangariro wakasiana chaizvo nowowo unozivikanwa munyika nhasi. Ipapoka, ikoku kunobatanidzwa mu‘kushandurwa kwendangariro dzedu.’ Kugutsikana nezvinodikanwa zvoupenyu kunotitaviridzira pakuita kurondwa kwemari nezvinhu zvokunyama nharidzano hurusa muupenyu napakuva tinoedzwa kudyeredzera vamwe vanhu kuwana izvozvi. (Zvirevo 28:20; Mateo 6:24; 1 Timotio 6:9, 10) Avo vanoita pfuma nharidzano yavo vangafunga havo kuti iyoyi inomirira chengeteko nomufaro. Asi panzvimbo pakwo kuri sezvinorehwa neBhaibheri kuti, “mudi wesirvheri haasati achizogutsikana nesirvheri, mudi wepfuma upi noupi haazogutsikani nemari.” (Muparidzi 5:10) Avo vane yakawanda vanoda imwe. Kazhinji kazhinji ivo vanobaira hutano hwavo noupenyu hwemhuri yavo kuti vaiwane. Panzvimbo pokunzwa vakachengeteka, vanorarama mukutya kurashikirwa nezvavanazvo.
17. (a) Apo munhu anogadza mwoyo wake pakuwanwa kwepfuma yokunyama, izvokwadii yaari kufuratira? (b) Ufakazii huripo hwokuti kunobetsera kushandisa nheyo dzokutendeseka mukuita mutoo wokurarama nawo?
17 Munhu anotandanisa pfuma haasati achibvuma idi rokuti sokutaura kwakaita Jesu, “kunyange apo munhu anenge ane zvakawanda upenyu hwake hahusati huchibva pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Kuri nani zvikuru kwazvo kuisa kutenda mumano aMwari okugovera nokuda kwavabatiri vake. Munyika dzinopfuura 200 pakati pamamirioni eZvapupu zvaJehovha, pane chibvumikiso chaichoicho chokuti Mwari anoiita gadziriro yakadaro. Muzvimiro zvose zvehurumende nomurudzi rwuri rwose rwebasa rapamutemo, Zvapupu zvamadzinza ose nemigariro zvinokwanisa kurarama upenyu hunofadza, zvinodikanwa zvazvo zvichigoverwa. Kutenda kwazvo mano aMwari okugovera, kunyange apo kutendeseka kunoratidzika kuva kunozviisa pakusava nechimuko, kwave kuchituswa. Izvo zvakawana kuremekedza kwavanhu biyazvo uye zvinowanzosarudzwa savabatiri nokuti vanhu vachiri kuda kubata naavo vanovimbwa navo. Asi chiri chinoisvokosha zvikuru ndechokuti vanhu vakarurama vanofarikanya hana yakachena nokuda kwokutendeseka kwavo.
18, 19. (a) Neiko ava vanhu vakachinja upenyu hwavo kuti vawirirane nemipimo yaMwari? (b) Mwari ari kutsvaka rudzii rwavanhu vokuchengeta ndokupinda muTsika Itsva yake?
18 Pamberi pokuva Zvapupu zvaJehovha, ivo vakanga vakakodzera mumutoo wenyika kusvikira kumwero mukuru zvikuru kana kuti muduku zvikuru. Asi kufundwa kweBhaibheri nokunangana nezvokwadi dzaro kwakavaparira kurega miitiro yakashata. Zvino vari kuvavarira nesimba kuratidzira “kutendeka kwakanaka kuzere, kuti ivo vagoshonga dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.” (Tito 2:10) Kwave kusati kuchiwanzova kuri nyore kwavari kubvuma zvokwadi ndokuita chinjo muupenyu hwavo. Asi kuda zvokwadi kwakavabetsera kuita chiito mukutsinhirana nayo.
19 Ko iwe unorudo rwakafanana nokuda kwezvokwadi here? Kana unarwo, uri rudzi rwomunhu anotsvakwa naMwari kuchengeta ari mupenyu ndokupinda muTsika Itsva yake. Kuti ugogamuchirwa naMwari, iwe “unofanira kunamata mumudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:24) Ikoku kuchakuratidzira saakasiana nenyika yakakupota. Kune dzimwewo nzira idzo unofanira kuva akasiana nenyika kana uchizofadza Jehovha. Ndedzipi idzodzi?
[Mufananidzo uri papeji 113]
Ko munhu angava wechokwadi naakatendeseka asi achibudirira mune zvemari munyika ino here?